Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 30:8-26

Isaya 30:8-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo, uzvinyore murugwaro, kuti pamazuva anouya chigova chapupu nokusingaperi. Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera, vana vasingadi kunzwa kurayira kwaJehovha. Vanoti kuvaoni, “Regai kuonazve zviratidzo!” nokuvaprofita, “Regai kutipazve zviratidzo zvezvakanaka! Tiudzei zvinhu zvinofadza, muprofite zvinonyengera. Siyai nzira iyi, ibvai mugwara iri, murege kuita kuti timisidzane noMutsvene waIsraeri!” Naizvozvo zvanzi naMutsvene waIsraeri: “Nokuti makaramba shoko rangu iri, mukasendamira pakumanikidza uye mukavimba nokunyengera, chivi ichi chichava kwamuri sorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka, runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza. Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari, yakaputswa noutsinye zvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara, chokugoka mazimbe omoto pachoto kana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.” Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri: “Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu, murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu, asi imi makaramba chimwe chazvo. Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’ Naizvozvo muchatiza! Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’ Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo! Chiuru chimwe chete chichatiza nokuvhundutsa kwomumwe chete; imi mose muchatiza kuvhundutsa kwavashanu, kusvikira masara maita sedanda romureza riri pamusoro pegomo, kuita somureza pamusoro pechikomo.” Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha; anosimuka kuti akuratidzei tsitsi. Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira. Vakaropafadzwa vose vanomurindira! Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai. Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu. Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.” Ipapo muchasvibisa zvifananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!” Achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka. Nzombe nembongoro dzinorima munda zvichadya mashanga noupfu, zvakaparadzirwa neforogo nefoshoro. Pazuva rokuuraya kukuru, panowira shongwe pasi, hova dzemvura dzichayerera pamusoro pamakomo ose akakwirira napamusoro pezvikomo zvakareba. Mwedzi uchapenya sezuva, uye zuva richapenya kakapetwa kanomwe, kufanana nechiedza chamazuva manomwe azere, Jehovha paanosunga mavanga avanhu vake agorapa maronda aakavakuvadza nawo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 30

Isaya 30:8-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino chienda, uzvinyore pamberi pavo pahwendefa rebwe, uzvinyore mubhuku, zvivepo panguva inouya nokusingaperi-peri. Nokuti ava rudzi runondimukira, vana vane nhema, vana vasingadi kunzwa murayiro waJehovha; vanoti kuvaoni, “Musaona”; nokuvaporofita. Musatiporofitera zvinhu zvakarurama, tiudzei zvinofadza, tiporofitere zvinonyengera; ibvai panzira, tsaukai pagwara, bvisai Mutsvene waIsiraeri pamberi pedu. Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsiraeri, “Zvamunozvidza shoko iri, muchivimba nokumanikidzwa nokunyengera, muchizvitenda izvo; naizvozvo kuipa uku kuchava kwamuri sapakakoromoka panoda kuwa, panotseyama parusvingo rwakareba, panowa kamwekamwe pakarepo. Uchaiputsa sezvinoputswa mudziyo womuumbi, uchaiputsa-putsa asine nyasha, kusvikira pachishaikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chokundogoka moto nacho pachoto, kana kutekesa mvura nacho patsime.” Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, “Pakudzoka nokuzorora ndipo panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu;” asi makaramba, mukati, “Kwete, tichatiza takatasva mabhiza;” saka muchatiza zvenyu; uyezve, “Tichatasva mabhiza anomhanyisa;” saka vanodzingana nemi vachamhanyisa. Vane chiuru vachatiza kana vachivambwa nomumwe; muchatiza kana muchivambwa navashanu; kusvikira masiyiwa sedanda pamusoro pegomo, somureza pamusoro pechikomo. Naizvozvo Jehovha achambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo achakudzwa, kuti ave nenyasha nemi, nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira. Nokuti vanhu vachagara paZioni paJerusaremu; hamungazochemi, zvirokwazvo achakunzwirai tsitsi, kana achinzwa kuchema kwenyu; kana achinzwa, achakupindurai. Kunyange Ishe akakupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, kunyange zvakadaro vadzidzisi venyu havangavandi, asi meso enyu achaona vadzidzisi venyu; nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti, “Heyi nzira, fambai nayo!” Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe. Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, “Ibva pano.” Achakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yauchadyara muvhu; nezvokudya, zvinoberekwa nevhu, zvichava zvakakora zvizhinji. Nezuva iro mombe dzenyu dzichafura pamafuro makuru; nzombe navana vembongoro, zvinorima minda, zvichadya zvokudya zvakarungwa; zvakarutswa nemitsvairo nemisero. Pamusoro pegomo rimwe nerimwe chakwirira, pachava nenzizi nehova dzemvura, nezuva rokuurawa kukuru kana shongwe dzichiwa. Uyezve, chiedza chomwedzi chichafanana nechiedza chezuva, chiedza chezuva chichawedzerwa kanomwe; sechiedza chamazuva manomwe, nezuva iro kana Jehovha achisunga pakakuvara pavanhu vake, nokuporesa vanga ravakarohwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 30

Isaya 30:8-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino wochienda uzvinyore pafendefa vachiona, unyore izvozvo mubhuku kuitira kuti mune ramangwana zvizova chapupu nokusingaperi pamusana pokuti imhandupandu dzavanhu vanakomana vanoreva nhema vanakomana vasinganzwe zvinorehwa naTenzi. Vanototi zvavo kuvaoni, “Zvokuona chiregai,” kuvaporofita uku vachitoti, “Zviratidzo zvamunotionera ngazvirege kuva zvechokwadi, ingotitaurirai zvenyu zvinhu zvisina kuomarara, titaurirei zvinhu pasina. Siyanai negwara iroro mutsauke panzira iyoyo tirege kuramba tichinzwa nezvaiye Anoera waIsiraeri.” Ndokusaka zvanzi naiye Anoera waIsiraeri “Pamusana pokuti imi muri kuramba shoko irori muchivimba nokuonesa vanhu ndondo nouipi muchibva mazendama chaizvo pazviri, naizvozvo uipi ihwohwu huchakupfukirai sezvinoita rusvingo rurefu rune mutswe, runofutunukira kunze, runoti kana rwokoromoka runobva rwati pakarepo pasi rikiti nenguva isipi, rune mupwanyikiro unenge wehari yomuumbi inenge yabhwadurirwa pasi zvine utsinye zvokuti hapana kazenga kayo kanowanika kwokutapisa moto kunyange kwokutekesa mvura mumugodhi wemvura,” nokuti zvanzi naTenzi Mwari, iye Anoera waIsiraeri, “Ruponeso rwenyu ruri mukudzokera kwenyu kwandiri nomukuzviisa kwenyu mumaoko mangu. Simba renyu riri mukunyarara nokuvimba neni,” asi imi munoramba asi chamunototaura ndechokuti, “Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,” Saizvozvo muchamhanya chaizvo. Uye munoti, “Tichati karakata kutasva pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,” saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo. Chiuru chenyu chichatiza munhu mumwechete Masoja mashanu chaiwo achaita kuti muti ware kutiza muchisara mangoita, sechimuti chemureza pamusoro pegomo, somureza pachikomo. Naizvozvo Tenzi anomirira kuti akuitirei zvakanaka. Naizvozvo anofarira kwazvo kukuitirai tsitsi nokuti Tenzi ndiMwari woruenzaniso. Vakakomborerwa zvavo vose vanomumirira. Hongu, imi vanhu veZioni munogara muJerusaremu hamuchazombochemazve. Achanyatsokuitirai nyasha paanonzwa kuchema kwenyu, paanongokunzwai achakupindurai. Kunyange zvazvo Tenzi achikuitai kuti zvimhingamupinyi zvive chokudya chenyu nhamo iri mvura yenyu yokunwa, Mudzidzisi wenyu haachazvivanzi kwamuri. Asi kuti imi nameso enyu muchatoona Mudzidzisi wenyu uye kuti pamunenge mava kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe muchatonzwa inzwi munzeve dzenyu richiti, “Nzira ndeyiyi itevedzei iyoyo.” Muchaona sezvinhu zvakan'ora zvifananidzo zvokunamata zvakanamirirwa nesirivha yako nezvifananidzo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa zvakanamirirwa nendarama yako. Muchazvirasa serengenya rine tsvina muchiti, “Ngazvitibvire.” Achapa mvura yokuti mudyarise mbeu dzenyu. Mbesa dzinobva muvhu imomo dzichange dzakawanda dzakakora. Panguva iyoyo mombe dzenyu dzichafura mumafuro akakura. Nzombe dzenyu namadhongi okurimisa dzichadya zvokudya zvakaiswa munyu hwakasandurudzwa nefoshoro neforogo. Pamakomo ose marefu nomuzvikomo zvose zvakareba muchave notukova tune mvura inoerera pamusi ucharakashwa vanhu kuuraya pachapunzika nharire. Chiedza chomwedzi chichaita sechiedza chezuva uye chiedza chezuva chinenge chakapetwa kanomwe sokunge chamazuva manomwe pazuva iroro Tenzi paachasunga makatyoka vanhu vake achiporesa maronda avakakuvadzwa nokurohwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 30

Isaya 30:8-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino cienda, uɀinyore pamberi paʋo pahwendefa rebge, uɀinyore mubuku, ɀiʋe’po paŋguʋa inoʋuya nokusiŋgaperi‐peri. Nokuti aʋa rudzi runondimukira, ʋana ʋanenhema, ʋana ʋasiŋgaɗi kunzwa murairo waJehova; ʋanoti kuʋaʋoni: Musaʋona; nokuʋaprofita: Musatiprofitera ɀinhu ɀakarurama, tiʋudzei ɀinofadza, tiprofitere ɀinonyeŋgera; ibvai panzira, tsaukai pagwara, bvisai Mutȿene waIsraeri pamberi peɗu. Naiɀoɀo ɀanzi noMutȿene waIsraeri: Ɀamunoɀidza shoko iri, muciʋimba nokumanikidzwa nokunyeŋgera, muciɀitenda iɀo; naiɀoɀo kuipa uku kucaʋa kwamuri sapakakoromoka panoɗa kuwa, panotȿeyama paruȿiŋgo rwakareɓa, panowa kamŋe‐kamŋe pakarepo. Ucaiputsa seɀinoputswa mudziyo womuʋumbi, ucaiputsa‐putsa asinenyasha, kuȿikira pacishaikwa pakati peɀimeɗu ɀayo caeŋga cokundogoka mŋoto naco pacoto, kana kutekesa mvura naco patsime. Nokuti ɀanzi naShe Jehova, Mutȿene waIsraeri: Pakudzoka nokuzorora ndi’po panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndi’po pacaʋa nesimba renyu; asi makaramba, mukati: Kwete, ticatiza takataȿa mabiza; saka mucatiza ɀenyu; ʋuye ɀe: Ticataȿa mabiza anomhanyisa; saka ʋanodziŋgana nemi ʋacamhanyisa. Ʋanecuru ʋacatiza kana ʋaciʋambga nomumŋe; mucatiza kana muciʋambga naʋashanu; kuȿikira masiyiwa seɗanda pamsoro pegomo, somureza pamsoro pecikomo. Naiɀoɀo Jehova ucambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naiɀoɀo ucakudzwa, kuti aʋe nenyasha nemi, nokuti Jehova ndiMŋari wokururamisira; ʋakaropafadzwa ʋose ʋanomumirira. Nokuti ʋanhu ʋacagara paZioni paJerusarema; hamuŋgazocemi, ɀirokwaɀo ucakunzwirai tsitsi, kana acinzwa kucema kwenyu; kana acinzwa, ucakupindurai. Kunyaŋge Ishe akakupai ciŋgwa cenhamo nemvura yokutambudzika, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋadzidzisi ʋenyu haʋaŋgazoʋandi, asi meso enyu acaʋona ʋadzidzisi ʋenyu; nzeʋe dzenyu dzicanzwa shoko shure kwenyu, riciti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muciɗa kutsaukira kurudyi, kana ɀimŋe muciɗa kutsaukira kuruɓoshwe. Mucashatsa sirveri yakafukidza mifananidzo yenyu yakaʋezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaʋumbga; ucairashira kure secinhu cakashata; ucati kwaciri: Ibva pano. Ucakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yaucadɀara muvu; neɀokudya, ɀinoɓerekwa nevu, ɀicaʋa ɀakakora ɀizhinji. Nezuʋa iro ŋombe dzenyu dzicafura pamafuro makuru; nzombe naʋana ʋemboŋgoro, ɀinorima minda, ɀicadya ɀokudya ɀakaruŋgwa, ɀakarudzwa nemitȿairo nemisero. Pamsoro pegomo rimŋe nerimŋe rakareɓa, napacikomo cimŋe necimŋe cakakwirira, pacaʋa nenzizi nehoʋa dzemvura, nezuʋa rokuʋurawa kukuru kana shoŋgwe dziciwa. Ʋuye ɀe, ciedza comŋedzi cicafanana neciedza cezuʋa, ciedza cezuʋa cicawedzerwa kanomŋe, seciedza camazuʋa manomŋe, nezuʋa iro kana Jehova acisuŋga pakakuʋara paʋanhu ʋake, nokuporesa ʋaŋga raʋakarobga.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 30

Isaya 30:8-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)