Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 30:12-21

Isaya 30:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Naizvozvo zvanzi naMutsvene waIsraeri: “Nokuti makaramba shoko rangu iri, mukasendamira pakumanikidza uye mukavimba nokunyengera, chivi ichi chichava kwamuri sorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka, runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza. Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari, yakaputswa noutsinye zvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara, chokugoka mazimbe omoto pachoto kana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.” Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri: “Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu, murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu, asi imi makaramba chimwe chazvo. Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’ Naizvozvo muchatiza! Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’ Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo! Chiuru chimwe chete chichatiza nokuvhundutsa kwomumwe chete; imi mose muchatiza kuvhundutsa kwavashanu, kusvikira masara maita sedanda romureza riri pamusoro pegomo, kuita somureza pamusoro pechikomo.” Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha; anosimuka kuti akuratidzei tsitsi. Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira. Vakaropafadzwa vose vanomurindira! Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai. Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu. Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 30

Isaya 30:12-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsiraeri, “Zvamunozvidza shoko iri, muchivimba nokumanikidzwa nokunyengera, muchizvitenda izvo; naizvozvo kuipa uku kuchava kwamuri sapakakoromoka panoda kuwa, panotseyama parusvingo rwakareba, panowa kamwekamwe pakarepo. Uchaiputsa sezvinoputswa mudziyo womuumbi, uchaiputsa-putsa asine nyasha, kusvikira pachishaikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chokundogoka moto nacho pachoto, kana kutekesa mvura nacho patsime.” Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, “Pakudzoka nokuzorora ndipo panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu;” asi makaramba, mukati, “Kwete, tichatiza takatasva mabhiza;” saka muchatiza zvenyu; uyezve, “Tichatasva mabhiza anomhanyisa;” saka vanodzingana nemi vachamhanyisa. Vane chiuru vachatiza kana vachivambwa nomumwe; muchatiza kana muchivambwa navashanu; kusvikira masiyiwa sedanda pamusoro pegomo, somureza pamusoro pechikomo. Naizvozvo Jehovha achambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo achakudzwa, kuti ave nenyasha nemi, nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira. Nokuti vanhu vachagara paZioni paJerusaremu; hamungazochemi, zvirokwazvo achakunzwirai tsitsi, kana achinzwa kuchema kwenyu; kana achinzwa, achakupindurai. Kunyange Ishe akakupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, kunyange zvakadaro vadzidzisi venyu havangavandi, asi meso enyu achaona vadzidzisi venyu; nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti, “Heyi nzira, fambai nayo!” Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 30

Isaya 30:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndokusaka zvanzi naiye Anoera waIsiraeri “Pamusana pokuti imi muri kuramba shoko irori muchivimba nokuonesa vanhu ndondo nouipi muchibva mazendama chaizvo pazviri, naizvozvo uipi ihwohwu huchakupfukirai sezvinoita rusvingo rurefu rune mutswe, runofutunukira kunze, runoti kana rwokoromoka runobva rwati pakarepo pasi rikiti nenguva isipi, rune mupwanyikiro unenge wehari yomuumbi inenge yabhwadurirwa pasi zvine utsinye zvokuti hapana kazenga kayo kanowanika kwokutapisa moto kunyange kwokutekesa mvura mumugodhi wemvura,” nokuti zvanzi naTenzi Mwari, iye Anoera waIsiraeri, “Ruponeso rwenyu ruri mukudzokera kwenyu kwandiri nomukuzviisa kwenyu mumaoko mangu. Simba renyu riri mukunyarara nokuvimba neni,” asi imi munoramba asi chamunototaura ndechokuti, “Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,” Saizvozvo muchamhanya chaizvo. Uye munoti, “Tichati karakata kutasva pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,” saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo. Chiuru chenyu chichatiza munhu mumwechete Masoja mashanu chaiwo achaita kuti muti ware kutiza muchisara mangoita, sechimuti chemureza pamusoro pegomo, somureza pachikomo. Naizvozvo Tenzi anomirira kuti akuitirei zvakanaka. Naizvozvo anofarira kwazvo kukuitirai tsitsi nokuti Tenzi ndiMwari woruenzaniso. Vakakomborerwa zvavo vose vanomumirira. Hongu, imi vanhu veZioni munogara muJerusaremu hamuchazombochemazve. Achanyatsokuitirai nyasha paanonzwa kuchema kwenyu, paanongokunzwai achakupindurai. Kunyange zvazvo Tenzi achikuitai kuti zvimhingamupinyi zvive chokudya chenyu nhamo iri mvura yenyu yokunwa, Mudzidzisi wenyu haachazvivanzi kwamuri. Asi kuti imi nameso enyu muchatoona Mudzidzisi wenyu uye kuti pamunenge mava kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe muchatonzwa inzwi munzeve dzenyu richiti, “Nzira ndeyiyi itevedzei iyoyo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 30

Isaya 30:12-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Naiɀoɀo ɀanzi noMutȿene waIsraeri: Ɀamunoɀidza shoko iri, muciʋimba nokumanikidzwa nokunyeŋgera, muciɀitenda iɀo; naiɀoɀo kuipa uku kucaʋa kwamuri sapakakoromoka panoɗa kuwa, panotȿeyama paruȿiŋgo rwakareɓa, panowa kamŋe‐kamŋe pakarepo. Ucaiputsa seɀinoputswa mudziyo womuʋumbi, ucaiputsa‐putsa asinenyasha, kuȿikira pacishaikwa pakati peɀimeɗu ɀayo caeŋga cokundogoka mŋoto naco pacoto, kana kutekesa mvura naco patsime. Nokuti ɀanzi naShe Jehova, Mutȿene waIsraeri: Pakudzoka nokuzorora ndi’po panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndi’po pacaʋa nesimba renyu; asi makaramba, mukati: Kwete, ticatiza takataȿa mabiza; saka mucatiza ɀenyu; ʋuye ɀe: Ticataȿa mabiza anomhanyisa; saka ʋanodziŋgana nemi ʋacamhanyisa. Ʋanecuru ʋacatiza kana ʋaciʋambga nomumŋe; mucatiza kana muciʋambga naʋashanu; kuȿikira masiyiwa seɗanda pamsoro pegomo, somureza pamsoro pecikomo. Naiɀoɀo Jehova ucambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naiɀoɀo ucakudzwa, kuti aʋe nenyasha nemi, nokuti Jehova ndiMŋari wokururamisira; ʋakaropafadzwa ʋose ʋanomumirira. Nokuti ʋanhu ʋacagara paZioni paJerusarema; hamuŋgazocemi, ɀirokwaɀo ucakunzwirai tsitsi, kana acinzwa kucema kwenyu; kana acinzwa, ucakupindurai. Kunyaŋge Ishe akakupai ciŋgwa cenhamo nemvura yokutambudzika, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋadzidzisi ʋenyu haʋaŋgazoʋandi, asi meso enyu acaʋona ʋadzidzisi ʋenyu; nzeʋe dzenyu dzicanzwa shoko shure kwenyu, riciti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muciɗa kutsaukira kurudyi, kana ɀimŋe muciɗa kutsaukira kuruɓoshwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 30

Isaya 30:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)