Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 22:1-14

Isaya 22:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Chirevo pamusoro poMupata weChiratidzo: Chii chinokutambudzai zvino, zvokuti mose makwira pamusoro pamatenga edzimba? Haiwa guta rizere nemheremhere, haiwa guta renyonganyonga nokupembera? Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo, kana kufira muhondo. Vatungamiri vako vose vatiza pamwe chete; vabatwa pasina kushandiswa uta. Mose imi makabatwa mukaitwa vasungwa pamwe chete, kunyange makanga matiza muvengi achiri kure. Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni; regai ndicheme kwazvo. Musaedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.” Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, ane zuva renyonganyonga nerokutsikira pasi nokutyisa muMupata woKuratidza, zuva rokukoromorera masvingo pasi nerokudanidzira kumakomo. Eramu anotora goba, pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro; Kiri anofudugura nhoo. Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro, uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta; kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa. Uye pazuva iro makatarira, kuzvombo muMuzinda weSango; makaona kuti Guta raDhavhidhi raiva napakakoromoka pakawanda munzvimbo dzokudzivirira; makazvichengetera mvura muDziva reZasi. Makaverenga dzimba muJerusarema, mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo. Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri, kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare, asi hamuna kutarira kuna Iye akariita, kana kuva nehanya naIye akazvironga kare. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, akakudaidzai pazuva iro kuti mucheme uye muungudze, kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga. Asi tarirai, kune mufaro nokupembera, kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai, kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini! Munoti, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa!” Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 22

Isaya 22:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Chirevo pamusoro pomupata wezvakaonekwa. Unonzweiko, zvawakwira navanhu vako vose pamatenga edzimba? Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha unomufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa. Vabati vako vose vakatiza pamwechete, vakasungwa vasina uta; vose vako, vakawanikwa, vakasungwa pamwechete; vakatizira kure. Naizvozvo ndakati, “Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.” Nokuti izuva rokuvhundusa, nerokutsikira pasi, nerokukanganisa, zvinobva kuna She, Jehovha wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamasvingo, nerokudanidzira kumakomo. Erami akabata goba, pamwechete namapoka avanhu navatasvi vamabhiza; Kiri akafudugura nhoo. Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuo. Vakabvisa chifukidziro chaJudha; nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomudondo. Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji; mukachingidzira mvura yedziva rezasi; mukaverenga dzimba dzeJerusaremu, mukakoromora dzimba kuti musimbise rusvingo; mukaitawo gungwa pakati pamasvingo maviri rokuchingidzira mvura yedziva rakare. Asi hamuna kutarira iye akazviita, makanga musine hanya naiye akazvifunga kare. Zvino nezuva iro Ishe, Jehovha wehondo, akakudanirai kumisodzi, nokukuchema, nokukuveurwa mhanza, nokukufuka makudza; asi tarirai, makava nomufaro nokupembera, nokubayiwa kwemombe, nokushizhwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muchiti, “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.” Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, “Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 22

Isaya 22:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Herino shoko rakanangana neBani Rechiratidzo. Ndochii chamaita ichochi chokukwira mudenga, mose zvenyu pamatenga pedzimba kudaro iyewe uzere mheremhere guta rebongozozo guta ramafaro? Vako vakaurayiwa, havana kuita zvokuurayiwa nebakatwa kana kufira muhondo. Vatongi vako vose zvavo vati ware kutiza pamwechete, asi vabatwa pasina kana kumboshandiswa uta. Vako vose vangowanikwa, vabatwa, kunyange vanga vatizira kure kure. Naizvozvo ini ndati, “Ndifuratirei zvenyu ndicheme zvangu misodzi yeropa. Regai kuzvinetsa nokundinyaradza pamusana pokuparara kwomukunda wevanhu vokwangu, Jerusaremu.” Chiripo ndechokuti, Tenzi Mwari wehondo nehondo ane zuva rebongozozo nokutsokodzera nemanyongori mubani rechiratidzo, rokuwondomorera pasi rusvingo nokudaidzira kumakomo. Eramu ndoyakapakata mukutu iine ngoro dzehondo nevarwi vemabhiza, uye vaKiri voisa nhoo pachena. Mapani enyu akanakisisa achiti shutu nengoro dzehondo, varwi vemabhiza vamira panzvimbo dzavo pamusuo mukuru. Abvisa changa chichidzivirira vokwaJudha. Nomusi iwoyo makandotarisa zvombo zvokurwisa nazvo zvokuImba yezvokuimbayesango mukaona kuti zvikanganiso zveGuta raDhavhidhi zvakanga zvakawanda mukandoteka mvura yokudziva rezasi. Mukaverenga dzimba dzomuJerusaremu mukapaza dzimba movakiridza rusvingo kurusimbisa. Makagadzira zigaringiro rokuchengetera mvura pakati petsvingo mbiri rokubata yomudziva rekare riya. Asi hamuna kutarisa kwaari iye nyakuriita kana kumbokendenga zvenyu nezvaiye akaronga kareko kuti rizoitwa. Pazuva iroro Tenzi Mwari wehondo nehondo akati vanhu vaungudze kuchema vaine miparavara vakapfeka hanzu dzamasaga. Hoko kupembera nokusasana pachibayiwa mombe nehwai nokudyira-dyira nyama nokunwira-nwira waini vachiti, “Ngatidyei tinwe nokuti mangwana tinofa.” Tenzi wehondo nehondo pachake akandizivisa ndikazvinzwa nenzeve dzangu idzi kuti, “Havambofa vakaregererwa uipi ihwohwu vanofa vakadaro,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi Mwari wehondo nehondo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 22

Isaya 22:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Cireʋo pamsoro pomupata weɀakaʋonekwa. Unonzweiko, ɀawakwira naʋanhu ʋako ʋose pamateŋga edzimba? Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rineɓope, musha unomufaro; ʋakaʋurawa ʋako haʋana‐kuʋurawa nomunondo, haʋana‐kufira pakurwa. Ʋaɓati ʋako ʋose ʋakatiza pamŋe cete, ʋakasuŋgwa ʋasinoʋuta; ʋose ʋako, ʋakawanikwa, ʋakasuŋgwa pamŋe cete; ʋakatizira kure. Naiɀoɀo ndakati: Regai kunditarira, ndinoɗa kucema kwaɀo; musaramba muciidza kundinyaradza pamsoro pokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu. Nokuti izuʋa rokuvundusa, nerokutsikira pasi, nerokukaŋganisa, ɀinobva kunaShe, Jehova wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamaȿiŋgo, nerokuɗanidzira kumakomo. Erami wakaɓata goɓa, pamŋe cete namapoka aʋanhu naʋataȿi ʋamabiza; Kiri wakafuɗugura nhoʋo. Ipapo mipata yenyu yakaiȿo‐naka yakazara neŋgoro, naʋataȿi ʋamabiza ʋakaɀigadzirira kurwa pasuʋo. Akabvisa cifukidziro caJuda; nezuʋa iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomuɗondo. Mukaʋona pakakoromoka paguta raDavidi, kuti pakaŋga pari pazhinji; mukaciŋgidzira mvura yedziʋa rezasi; mukaʋereŋga dzimba dzeJerusarema, mukakoromora dzimba kuti musimbise ruȿiŋgo; mukaita ʋo gaŋgwa pakati pamaȿiŋgo maʋiri rokuciŋgidzira mvura yedziʋa rakare. Asi hamuna‐kutarira iye wakaɀiita, makaŋga musinehanya naiye wakaɀifuŋga kare. Ɀino nezuʋa iro Ishe, Jehova wehondo, wakakuɗanirai kumisodzi, nokukucema, nokukuʋeʋurwa mhazha, nokukufuka makudza; asi tarirai, makaʋa nomufaro nokupembera, nokuɓayiwa kweŋombe, nokushizhwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muciti: Ŋgatidye, ŋgatinwe, nokuti maŋgwana tinofa. Asi Jehova wehondo wakaɀiziʋisa munzeʋe dzaŋgu, akati: Ɀirokwaɀo, hamuŋgakaŋganwirwi ɀakaipa iɀi, kuȿikira pakufa kwenyu, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 22

Isaya 22:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)