Isaya 14:12-15
Isaya 14:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi! Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene. Ndichakwira pamusoro-soro pamakore; ndichazviita seWokumusoro-soro.” Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzika dzika kwegomba.
Isaya 14:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi! Iwe wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro; ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.’ Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba.
Isaya 14:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvakuvingaka! Kutotozomoka mudenga kudai, iwe Nyamatsatsi, hweva yamangwanani zvauya sei kuti unzi pasi rikiti, iyewe waimbombomesa ndudzi dzavanhu, waizviti nechomumwoyo, ‘Ndichaita chitundumusere-musere chaicho kukwira kudenga kupfuura nyenyedzi dzaMwari, ndiise chigaro changu choumambo pamusoro, nditi zvangu tendhe kugara pagomo padare ravo riri kuchamhembe uko. Ndichakwira kumusoro kwamakute, ndizviite soWokumusorosoro.’ Asi waunzwa pasi kunzvimbo yevachakabvu pasi pasi chaipo peGomba.
Isaya 14:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, wawa seiko ucibva kuɗeŋga, iwe nyamasase, iwe mŋanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi! Iwe wakati mumŋoyo mako: Ndicakwira kuɗeŋga, ndicakwiridza cigaro caŋgu coʋushe kumsoro kwenyeredzi dzaMŋari; ndicagara pamsoro pegomo reʋuŋgano, pamigumo yamatiʋi okumsoro; ndicakwira kumsoro kwamakore, ndicaɀienzanisa noWokumsorosoro. Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɗeredzwa kuȿikira paSheori, kuȿikira pakadzika pegomba.
Isaya 14:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)