Hosea 1:9-10
Hosea 1:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamusi vanhu vangu, uye ini handisi Mwari wenyu. “Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’
Hosea 1:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akati, “Mutumidze zita rinonzi ‘Roami;’ nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.” Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, “Hamuzi vanhu vangu,” ndipapo pazvichanzi kwavari, “Muri vanakomana vaMwari mupenyu.”

Hosea 1:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Hosea, “Mudaidzei zita rokuti, ‘Vasivangu’ nokuti imi hamusi vanhu vangu. Iniwo handisi Mwari wenyu.” Zvakadaro zvazvo, vanhu vokwaIsiraeri vachawanda sejecha regungwa risingagone kuerwa kana kuverengeka. Panzvimbo pokuti munzi, “Vasivangu” muchanzi “Vanhu vaMwari mupenyu.”
Hosea 1:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akati: Mutumidze zita rinonzi Ro‐ami; nokuti imi hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, neni handiŋgaʋi Mŋari wenyu. Kunyaŋge ɀakaɗaro kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kucaita sejeca reguŋgwa, risiŋgabviri kuyerwa kana kuʋereŋgwa; ɀicaitika kuti paya pakaŋga panzi kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, ndipapo paɀicanzi kwaʋari: Muri ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu.
Hosea 1:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)