Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 9:6-28

VaHebheru 9:6-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Marongerwo ezvinhu izvi akamira akadaizvi: vapristi vanopinda nguva dzose muNzvimbo Tsvene yokunze vachiita basa ravo asi mutendhe yechipiri munopindwa nomupristi mukuru chete, kamwechete pagore. Kuti apindemo anofanira kuti atakure ropa raanopirira zvikanganiso zvake nezvavanhu. Namamiriro ezvinhu akadai, Mweya Mutsvene anoratidza kuti nzira inopinda muNzvimbo Inoeresesa haisati yazarurwa kana tendhe yokunze ichiripo. Uyu waiva muenzaniso wakananga zvenguva ino. Samamiriro akaita zvinhu izvi, zvipo nezvibayiro zvinopirwa asi hazvigone kunatsa hana yaanopira wacho, nokuti izvi zvakangorerekera kunezvokudya nezvokunwa, nezvokushamba kwakasiyana–siyana, nezvomirau yakananga zvemuviri yakaiswa kusvikira nguva yokuvandudzwa kwezvinhu kuti zvive zvitsva yasvika. Asi pakazouya Kristu, mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvakauya, akapfuura nomutendhe rine ukuru huri nani norunako irinani, isina kuitwa namaoko avanhu zvichireva kuti haisi yapanyika pano. Akapinda muNzvimbo Inoeresesa chakamwe. Haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru asi kuti nerake pachake, akatiwanira kununurwa kusingaperi. Kana ropa rembudzi nerenzombe nedota retsiru zvinomwaiwa vanenge van'ora zvichivachenura mukun'ora kwenyama, ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu. Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi. Kana pane zvakanyorwawo nomufi zvenhaka, panotofanira kuzivikanwa kuti akanyora zvenhaka akafa here kana kuti kwete. Nokuti zvakanyorwa zvenhaka zvinotanga kuva nebasa pakufa. Hazvigoni kuva nebasa iye akazvinyora achiri mupenyu. Nokudaro kunyange chitenderano chokutanga chakatosimbiswa neropa. Ndokusaka, Mosesi paakapedza kutaurira vanhu vose mirao iri mumutemo, akatora ropa remhuru nerembudzi pamwe nemvura akazvisasa pagwaro roMutemo napavanhu vose achisevenzesa wuru tsvuku nekasanzu kemuhisopo; achiti, “Iri iropa rechitenderano chamakatemerwa naMwari.” Nenzira imwecheteyo akamwaya ropa tendhe nemidziyo yose yaishandiswa pakupira. Uye maererano nomutemo tingangoti zvinhu zvose zvinochenurwa chete neropa. Pasina kudeurwa kweropa hapana kuregererwa kwezvitadzo. Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yakanga ichifanira kuchenurwa nemipiro iyi, asi izvo zvinhu zvokudenga pachazvo zvakanga zvichifanira kuchenurwa nezvibayiro zviri nani. Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakagadzirwa namaoko yakanga iri mufananidzo weiya yechokwadi asi akapinda mudenga chaimo imomo kuti iye zvino ave pana Mwari achimiririra isu. Kristu haana kupinda ruzhinji–zhinji muNzvimbo Inoeresesa kundozviita chibayiro sezvinoita mupristi mukuru anopindamo gore rimwe nerimwe neropa risiri rake. Dai zvakadaro aifanira kunge akatambudzika kazhinji–zhinji kubvira kumavambo apasi. Asi sezvazviri, akauya chakamwe, pakupera kwenguva kuzoparadza chitadzo nokuzvipira kwake. Izvi zvakangogara zvakatemwa kuti munhu anofanira kufa kamwechete; mushure mokufa kunouya kutongwa. Ndozvimwechetezvo naKristu akaitwa chibayiro kamwechete kuti atakure zvitadzo zvavazhinji. Achazouyazve kechipiri. Apa anenge asisinei nezvechitadzo asi kuzoponesa avo vakamumirira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 9

VaHebheru 9:6-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvinhu zvose zvakati zvagadzirwa saizvozvi, vaprista vaizopinda mukamuri yokutanga nguva dzose vachiita ushumiri hwavo. Asi muprista mukuru oga ndiye aipinda mukamuri yomukati, kamwe chete pagore, uye asingatongopindi asina ropa, raaizvibayira iye pachake nezvivi zvavanhu zvavakanga vaita mukusaziva. Mweya Mutsvene airatidza nechinhu ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo Tsvene-tsvene yakanga isati yaratidzwa sezvo tabhenakeri yakanga ichimire. Uyu mufananidzo wenguva ino, zvichireva kuti zvipo nezvibayiro zvaibayirwa zvakanga zvisingagoni kuchenesa hana yaiye ainamata. Zvinongova zvokudya nezvokunwa uye nokushamba kuzhinji zvapanyama, zvavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa. Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno. Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. Ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru zvaisaswa pamusoro paavo vakanga vakasvibiswa, zvaiita kuti vatsvene vanatswe panyama. Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu! Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga. Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapowo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita, nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu. Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa. Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu. Akati, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete.” Nenzira imwe cheteyo, akasasa neropa tabhenakeri nezvinhu zvose zvaishandiswa pakushumira mairi. Zvirokwazvo, murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa. Naizvozvo zvaifanira kuti mifananidzo yezvinhu zvokudenga inatswe nezvibayiro izvi, asi zvinhu zvokudenga zvacho zvaifanira kunatswa nechibayiro chinopfuura izvi. Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakagadzirwa nomunhu yakanga ichingova mufananidzo waiyo yechokwadi chaiyo; akapinda kudenga chaiko, kuti atimiririre pamberi paMwari. Uye haana kupinda kudenga kuti azviite chibayiro kakawanda, somuprista mukuru anopinda muNzvimbo Tsvene-tsvene, gore negore, neropa risiri rake. Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake. Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa, saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 9

VaHebheru 9:6-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda mutabhenakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari; asi muneyechipiri mupristi mukuru aipinda ari oga, kamwechete pagore, asingapindi asina ropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu; Mweya Mutsvene achiratidza chinhu ichi, kuti nzira inoenda kuNzvimbo Tsvene yakanga isati yataridzwa, tabhenakeri yokutanga ichimire; wakanga uri mufananidzo wenguva ino vanobayira nayo zvipo nezvibayiro, zvisingagoni kukwanisa pahana yake iye anoshumira; nokuti yaingova mirayiro yenyama, yezvokudya, nezvokunwa, nokushamba kuzhinji, yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa. Asi Kristu akati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura napakukwana, isina kuitwa namaoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno, haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwechete, zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama, zvikuru sei ropa raKristu iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kuna Mwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu. Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi. Nokuti apo pane chido chenhaka, panofanira kuvapowo rufu rwaiye wakachiita. Nokuti chido chenhaka chine simba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana akachiita achiri mupenyu. Naizvozvo nesungano yokutanga haina kuvambwa pasina ropa. Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMosesi sezvakareva murayiro, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwechete nemvura namakushe matsvuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose, achiti, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari.” Uyezve, akasasa saizvozvo neropa tabhenakeri nemidziyo yose yokushumira nayo. Zvirokwazvo, tingati pamurayiro zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; uye kana kusina ropa rinoteurwa, hakuna ruregerero. Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibayiro izvi; asi zvinhu zvokudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibayiro zvinopfuura izvi nokunaka. Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi akapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu; uye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somupristi mukuru anopinda munzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu; nokuti dai zvakanga zvakadaro, angadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino akaonekwa kwamwechete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibayiro kwake. Uye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwechete, kutongeswa kugotevera, saizvozvo Kristuwo, zvaakaitwa chibayiro kamwechete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, achazoonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 9

VaHebheru 9:6-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Marongerwo ezvinhu izvi akamira akadaizvi: vapristi vanopinda nguva dzose muNzvimbo Tsvene yokunze vachiita basa ravo asi mutendhe yechipiri munopindwa nomupristi mukuru chete, kamwechete pagore. Kuti apindemo anofanira kuti atakure ropa raanopirira zvikanganiso zvake nezvavanhu. Namamiriro ezvinhu akadai, Mweya Mutsvene anoratidza kuti nzira inopinda muNzvimbo Inoeresesa haisati yazarurwa kana tendhe yokunze ichiripo. Uyu waiva muenzaniso wakananga zvenguva ino. Samamiriro akaita zvinhu izvi, zvipo nezvibayiro zvinopirwa asi hazvigone kunatsa hana yaanopira wacho, nokuti izvi zvakangorerekera kunezvokudya nezvokunwa, nezvokushamba kwakasiyana–siyana, nezvomirau yakananga zvemuviri yakaiswa kusvikira nguva yokuvandudzwa kwezvinhu kuti zvive zvitsva yasvika. Asi pakazouya Kristu, mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvakauya, akapfuura nomutendhe rine ukuru huri nani norunako irinani, isina kuitwa namaoko avanhu zvichireva kuti haisi yapanyika pano. Akapinda muNzvimbo Inoeresesa chakamwe. Haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru asi kuti nerake pachake, akatiwanira kununurwa kusingaperi. Kana ropa rembudzi nerenzombe nedota retsiru zvinomwaiwa vanenge van'ora zvichivachenura mukun'ora kwenyama, ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu. Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi. Kana pane zvakanyorwawo nomufi zvenhaka, panotofanira kuzivikanwa kuti akanyora zvenhaka akafa here kana kuti kwete. Nokuti zvakanyorwa zvenhaka zvinotanga kuva nebasa pakufa. Hazvigoni kuva nebasa iye akazvinyora achiri mupenyu. Nokudaro kunyange chitenderano chokutanga chakatosimbiswa neropa. Ndokusaka, Mosesi paakapedza kutaurira vanhu vose mirao iri mumutemo, akatora ropa remhuru nerembudzi pamwe nemvura akazvisasa pagwaro roMutemo napavanhu vose achisevenzesa wuru tsvuku nekasanzu kemuhisopo; achiti, “Iri iropa rechitenderano chamakatemerwa naMwari.” Nenzira imwecheteyo akamwaya ropa tendhe nemidziyo yose yaishandiswa pakupira. Uye maererano nomutemo tingangoti zvinhu zvose zvinochenurwa chete neropa. Pasina kudeurwa kweropa hapana kuregererwa kwezvitadzo. Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yakanga ichifanira kuchenurwa nemipiro iyi, asi izvo zvinhu zvokudenga pachazvo zvakanga zvichifanira kuchenurwa nezvibayiro zviri nani. Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakagadzirwa namaoko yakanga iri mufananidzo weiya yechokwadi asi akapinda mudenga chaimo imomo kuti iye zvino ave pana Mwari achimiririra isu. Kristu haana kupinda ruzhinji–zhinji muNzvimbo Inoeresesa kundozviita chibayiro sezvinoita mupristi mukuru anopindamo gore rimwe nerimwe neropa risiri rake. Dai zvakadaro aifanira kunge akatambudzika kazhinji–zhinji kubvira kumavambo apasi. Asi sezvazviri, akauya chakamwe, pakupera kwenguva kuzoparadza chitadzo nokuzvipira kwake. Izvi zvakangogara zvakatemwa kuti munhu anofanira kufa kamwechete; mushure mokufa kunouya kutongwa. Ndozvimwechetezvo naKristu akaitwa chibayiro kamwechete kuti atakure zvitadzo zvavazhinji. Achazouyazve kechipiri. Apa anenge asisinei nezvechitadzo asi kuzoponesa avo vakamumirira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 9

VaHebheru 9:6-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀinhu iɀi ɀakati ɀagadzirwa saiɀoɀo, ʋaprista ʋaipinda mutabernakeri yokutaŋga ŋguʋa dzose, ʋaciɓata maɓasa okushumira Mŋari; asi muneyecipiri muprista mukuru waipinda ari oga, kamŋe cete negore, asiŋgapindi asineropa, raaiɀiɓayirira iye neɀiʋi ɀaʋanhu; Mŋeya Mutȿene aciratidza cinhu ici, kuti nzira inoenda kuNɀimbo Tȿene yakaŋga isati yataridzwa, tabernakeri yokutaŋga icimire; wakaŋga uri mufananidzo weŋguʋa ino — ʋanoɓayira nayo ɀipo neɀiɓayiro, ɀisiŋgagoni kukwanisa pahana yake iye unoshumira; nokuti yaiŋgoʋa mirairo yenyama, yeɀokudya, neɀokunwa, nokushamba kuzhinji, yaʋakatemerwa kuȿikira paŋguʋa yokuʋandudzwa. Asi Kristu wakati aȿika ari muprista mukuru weɀinhu ɀakanaka ɀinozoʋuya, akapinda napatabernakeri yakapfuʋura pakukura napakukwana, isinakuitwa namaʋoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno, haana‐kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake cairo, kamŋe cete, ɀikapera, panɀimbo tȿene, akatiwanira rudzikinuro rusiŋgaperi. Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namaɗota etsiru, kana ɀicisaswa pamsoro paʋakaȿiɓiswa, ɀiciʋaita ʋatȿene, kuti ʋanatswe panyama, ɀikuru sei ropa raKristu, iye wakaɀiita noMŋeya usiŋgaperi ciɓayiro kunaMŋari, cisina‐caciŋgapomerwa, ricanatsa hana dzeɗu pamaɓasa akafa, kuti tishumire Mŋari mupenyu. Nemhaka iyo, iye ndiMureʋereri wesuŋgano itȿa, kuti, rufu ɀarwakaȿika kuzodzikinura aʋo ʋakaɗarika pasuŋgano yokutaŋga, ʋakaɗanwa ʋagopiwa cipikirwa cenhaka isiŋgaperi. Nokuti apo panetestamente, panofanira kuʋa’po ʋo rufu rwaiye wakaiita. Nokuti testamente inesimba kana ʋanhu ʋafa; nokuti haitoŋgoʋi nesimba kana wakaiita aciri mupenyu. Naiɀoɀo nesuŋgano yokutaŋga haina‐kuʋambga pasineropa. Nokuti ɀireʋo ɀose ɀakati ɀataurwa kuʋanhu ʋose naMosesi seɀakareʋa murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamŋe cete nemvura namakushe matȿuku, nehisopi, akasasa buku imene naʋanhu ʋose, aciti: Iri iropa resuŋgano, yamakarairwa naMŋari. Ʋuye ɀe, wakasasa saiɀoɀo neropa tabernakeri nemidziyo yose yokushumira nayo. Ɀirokwaɀo, tiŋgati pamurairo ɀinhu ɀineŋge ɀose ɀinonatswa neropa; ʋuye kana kusineropa rinoteʋurwa, hakunekaŋganwiro. Naiɀoɀo mifananidzo yeɀiri kuɗeŋga yaifanira kuti inatswe neɀiɓayiro iɀi; asi ɀinhu ɀokuɗeŋga ɀimene kuti ɀinatswe neɀiɓayiro ɀinopfuʋura iɀi nokunaka. Nokuti Kristu haana‐kupinda panɀimbo tȿene yakaitwa namaʋoko, inofananidza iyo iri caiyo, asi wakapinda kuɗeŋga kumene, kuti ɀino aɀiise pamberi paMŋari nokuɗa kweɗu; ʋuye haana‐kupinda kuti aɀiite ciɓayiro kazhinji, somuprista mukuru unopinda panɀimbo tȿene gore rimŋe nerimŋe, akaɓata ropa reɀimŋe ɀinhu; nokuti ɗai ɀakaŋga ɀakaɗaro, uŋgaɗai aitambura kazhinji kubva pakuʋambga kwenyika; asi ɀino wakaʋonekwa kamŋe cete pakupedzisira kweŋguʋa, kuti aparadze ɀiʋi, nokuɀiita ciɓayiro kwake. Ʋuye ʋanhu ɀaʋakatemerwa kuti ʋafe kamŋe cete, kutoŋgeswa kugoteʋera, saiɀoɀo Kristu ʋo, ɀaakaitwa ciɓayiro kamŋe cete, kuti atakure ɀiʋi ɀaʋanhu ʋazhinji, ucazoʋonekwa rwecipiri, asiŋgatakuri ɀiʋi, naiʋo ʋanomutarira kuti aʋaponese.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 9