VaHebheru 9:24-28
VaHebheru 9:24-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakagadzirwa nomunhu yakanga ichingova mufananidzo waiyo yechokwadi chaiyo; akapinda kudenga chaiko, kuti atimiririre pamberi paMwari. Uye haana kupinda kudenga kuti azviite chibayiro kakawanda, somuprista mukuru anopinda muNzvimbo Tsvene-tsvene, gore negore, neropa risiri rake. Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake. Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa, saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.
VaHebheru 9:24-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakagadzirwa namaoko yakanga iri mufananidzo weiya yechokwadi asi akapinda mudenga chaimo imomo kuti iye zvino ave pana Mwari achimiririra isu. Kristu haana kupinda ruzhinji–zhinji muNzvimbo Inoeresesa kundozviita chibayiro sezvinoita mupristi mukuru anopindamo gore rimwe nerimwe neropa risiri rake. Dai zvakadaro aifanira kunge akatambudzika kazhinji–zhinji kubvira kumavambo apasi. Asi sezvazviri, akauya chakamwe, pakupera kwenguva kuzoparadza chitadzo nokuzvipira kwake. Izvi zvakangogara zvakatemwa kuti munhu anofanira kufa kamwechete; mushure mokufa kunouya kutongwa. Ndozvimwechetezvo naKristu akaitwa chibayiro kamwechete kuti atakure zvitadzo zvavazhinji. Achazouyazve kechipiri. Apa anenge asisinei nezvechitadzo asi kuzoponesa avo vakamumirira.
VaHebheru 9:24-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi akapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu; uye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somupristi mukuru anopinda munzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu; nokuti dai zvakanga zvakadaro, angadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino akaonekwa kwamwechete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibayiro kwake. Uye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwechete, kutongeswa kugotevera, saizvozvo Kristuwo, zvaakaitwa chibayiro kamwechete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, achazoonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.
VaHebheru 9:24-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakagadzirwa namaoko yakanga iri mufananidzo weiya yechokwadi asi akapinda mudenga chaimo imomo kuti iye zvino ave pana Mwari achimiririra isu. Kristu haana kupinda ruzhinji–zhinji muNzvimbo Inoeresesa kundozviita chibayiro sezvinoita mupristi mukuru anopindamo gore rimwe nerimwe neropa risiri rake. Dai zvakadaro aifanira kunge akatambudzika kazhinji–zhinji kubvira kumavambo apasi. Asi sezvazviri, akauya chakamwe, pakupera kwenguva kuzoparadza chitadzo nokuzvipira kwake. Izvi zvakangogara zvakatemwa kuti munhu anofanira kufa kamwechete; mushure mokufa kunouya kutongwa. Ndozvimwechetezvo naKristu akaitwa chibayiro kamwechete kuti atakure zvitadzo zvavazhinji. Achazouyazve kechipiri. Apa anenge asisinei nezvechitadzo asi kuzoponesa avo vakamumirira.
VaHebheru 9:24-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Kristu haana‐kupinda panɀimbo tȿene yakaitwa namaʋoko, inofananidza iyo iri caiyo, asi wakapinda kuɗeŋga kumene, kuti ɀino aɀiise pamberi paMŋari nokuɗa kweɗu; ʋuye haana‐kupinda kuti aɀiite ciɓayiro kazhinji, somuprista mukuru unopinda panɀimbo tȿene gore rimŋe nerimŋe, akaɓata ropa reɀimŋe ɀinhu; nokuti ɗai ɀakaŋga ɀakaɗaro, uŋgaɗai aitambura kazhinji kubva pakuʋambga kwenyika; asi ɀino wakaʋonekwa kamŋe cete pakupedzisira kweŋguʋa, kuti aparadze ɀiʋi, nokuɀiita ciɓayiro kwake. Ʋuye ʋanhu ɀaʋakatemerwa kuti ʋafe kamŋe cete, kutoŋgeswa kugoteʋera, saiɀoɀo Kristu ʋo, ɀaakaitwa ciɓayiro kamŋe cete, kuti atakure ɀiʋi ɀaʋanhu ʋazhinji, ucazoʋonekwa rwecipiri, asiŋgatakuri ɀiʋi, naiʋo ʋanomutarira kuti aʋaponese.