VaHebheru 9:13-15
VaHebheru 9:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru zvaisaswa pamusoro paavo vakanga vakasvibiswa, zvaiita kuti vatsvene vanatswe panyama. Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu! Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga.
VaHebheru 9:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama, zvikuru sei ropa raKristu iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kuna Mwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu. Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi.
VaHebheru 9:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kana ropa rembudzi nerenzombe nedota retsiru zvinomwaiwa vanenge van'ora zvichivachenura mukun'ora kwenyama, ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu. Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi.
VaHebheru 9:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana ropa rembudzi nerenzombe nedota retsiru zvinomwaiwa vanenge van'ora zvichivachenura mukun'ora kwenyama, ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu. Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi.
VaHebheru 9:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namaɗota etsiru, kana ɀicisaswa pamsoro paʋakaȿiɓiswa, ɀiciʋaita ʋatȿene, kuti ʋanatswe panyama, ɀikuru sei ropa raKristu, iye wakaɀiita noMŋeya usiŋgaperi ciɓayiro kunaMŋari, cisina‐caciŋgapomerwa, ricanatsa hana dzeɗu pamaɓasa akafa, kuti tishumire Mŋari mupenyu. Nemhaka iyo, iye ndiMureʋereri wesuŋgano itȿa, kuti, rufu ɀarwakaȿika kuzodzikinura aʋo ʋakaɗarika pasuŋgano yokutaŋga, ʋakaɗanwa ʋagopiwa cipikirwa cenhaka isiŋgaperi.