VaHebheru 9:11-15
VaHebheru 9:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno. Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. Ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru zvaisaswa pamusoro paavo vakanga vakasvibiswa, zvaiita kuti vatsvene vanatswe panyama. Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu! Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga.
VaHebheru 9:11-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Kristu akati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura napakukwana, isina kuitwa namaoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno, haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwechete, zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama, zvikuru sei ropa raKristu iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kuna Mwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu. Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi.
VaHebheru 9:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi pakazouya Kristu, mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvakauya, akapfuura nomutendhe rine ukuru huri nani norunako irinani, isina kuitwa namaoko avanhu zvichireva kuti haisi yapanyika pano. Akapinda muNzvimbo Inoeresesa chakamwe. Haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru asi kuti nerake pachake, akatiwanira kununurwa kusingaperi. Kana ropa rembudzi nerenzombe nedota retsiru zvinomwaiwa vanenge van'ora zvichivachenura mukun'ora kwenyama, ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu. Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi.
VaHebheru 9:11-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Kristu wakati aȿika ari muprista mukuru weɀinhu ɀakanaka ɀinozoʋuya, akapinda napatabernakeri yakapfuʋura pakukura napakukwana, isinakuitwa namaʋoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno, haana‐kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake cairo, kamŋe cete, ɀikapera, panɀimbo tȿene, akatiwanira rudzikinuro rusiŋgaperi. Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namaɗota etsiru, kana ɀicisaswa pamsoro paʋakaȿiɓiswa, ɀiciʋaita ʋatȿene, kuti ʋanatswe panyama, ɀikuru sei ropa raKristu, iye wakaɀiita noMŋeya usiŋgaperi ciɓayiro kunaMŋari, cisina‐caciŋgapomerwa, ricanatsa hana dzeɗu pamaɓasa akafa, kuti tishumire Mŋari mupenyu. Nemhaka iyo, iye ndiMureʋereri wesuŋgano itȿa, kuti, rufu ɀarwakaȿika kuzodzikinura aʋo ʋakaɗarika pasuŋgano yokutaŋga, ʋakaɗanwa ʋagopiwa cipikirwa cenhaka isiŋgaperi.
VaHebheru 9:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)