VaHebheru 7:24-26
VaHebheru 7:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera. Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.
VaHebheru 7:24-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
asi iye, zvaanogara nokusingaperi, anoupristi husingapfuudzwi kunomumwe. Naizvozvo ane simba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere. Nokuti mupristi mukuru akadai ndiye ataifanira kuva naye, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi, akakwidzwa kumusoro kwedenga
VaHebheru 7:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi iye anoramba ainoupristi hwake nokuti anoramba aripo nokusingaperi. Naizvozvo, anogona kuponesa nguva dzose avo vanouya kuna Mwari nokwaari, nokuti mupenyu nguva dzose kuti avakumbirire. Nokuti zvakanga zvakakodzera kuti tive nomupristi mukuru wakadai, akarurama, asina chinoshoreka, asina kun'oreswa, akatsaurwa achibviswa panavatadzi, akasimudzirwa pamusoro, kupfuura matenga.
VaHebheru 7:24-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
asi iye, ɀaanogara nokusiŋgaperi, unoʋuprista bgusiŋgapfuʋudzwi kunomumŋe. Naiɀoɀo unesimba rokuponesa kwaɀo‐kwaɀo aʋo ʋanosweɗera kunaMŋari naye, ɀaanorarama nokusiŋgaperi kuti aʋareʋerere. Nokuti muprista mukuru wakaɗai ndiye wataifanira kuʋa naye, mutȿene, usinecakaipa, usina‐kuȿiɓiswa, wakaparadzaniswa naʋatadzi, wakakwidzwa kumsoro kweɗeŋga
VaHebheru 7:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)