VaHebheru 7:15-19
VaHebheru 7:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa, uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki. Nokuti zvakataurwa zvichinzi: “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.
VaHebheru 7:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Izvi zvinoratidzwawo kwazvo, kana kuchimuka mumwe mupristi akafanana naMerekizedheki, asina kuitwa mupristi nomurayiro wokurayira kwenyama, asi nesimba rohupenyu husingapedzwi. Nokuti iye anopupurirwa, zvichinzi, “Iwe uri mupristi nokusingaperi, Anorudzi naMerekizedheki.” Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kwoutera hwawo, uye nokuti hauna maturo, (nokuti murayiro hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
VaHebheru 7:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi zvinobva zvanyatsobuda pachena–chena kana mumwe mupristi wakafanana naMerekizedheki womuka asina kuitwa mupristi maererano nomurawo womutemo womuzvarirwo wenyama asi pamusana pesimba risingagoni kuparadzwa. Anopupurirawo kuti, “Iwe uri mupristi wegovero raMerekizedheki nokusingaperi, nokuti zvinoti, uku murairo wakare wakabviswa pamusana pokushaya simba nokushaya maturo kwawo, (nokuti mutemo hauna chaunoruramisa) ukuwo uku kwakauya chitarisiro chitsva chiri nani chinotibatsira kuswedera kuna Mwari.”
VaHebheru 7:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iɀi ɀinoratidzwa ʋo kwaɀo, kana kucimuka mumŋe muprista wakafanana naMerkisedeki, usinakuitwa muprista nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba roʋupenyu bgusiŋgapedzwi. Nokuti iye unopupurirwa, ɀicinzi: Iwe uri muprista nokusiŋgaperi, Unorudzi naMerkisedeki. Nokuti murau wokutaŋga unokoneswa nokuɗa kwoʋutera bgawo, ʋuye nokuti haunamaturo, (nokuti murairo hauna‐kukwanisa cinhu), ɀino tariro, inopfuʋura nokunaka, ikaiswa’po, yatinosweɗera nayo kunaMŋari.
VaHebheru 7:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)