VaHebheru 4:12-16
VaHebheru 4:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari. Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura. Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi. Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
VaHebheru 4:12-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. Hakuna chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari. Naizvozvo, zvatino mupristi mukuru kwazvo, akapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu. Nokuti hatina mupristi mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi akaedzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi. Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.
VaHebheru 4:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rinopinza kupinda bakatwa ripi neripi zvaro romuchekakose. Rinobaya zvokupinda mukati–kati chaimo richisvika pakarundana munhu nemweya wake: richisvikawo pakasangana nhengo nomwongo. Rinopatsanurawo pfungwa nezvinovavarirwa nemwoyo. Kwaari hakuna chisikwa chakavandika, zvose zvakangoti pachena yacha, zvisina chazvakapfeka, zvichinyatsoonekwa kwaari nemeso ake kuna iyeyo kwatichanozvidavirira zviito zvedu. Naizvozvo, zvatiino mupristi mukuru wakapinda nomumatenga, iye Jesu Mwanakomana waMwari, ngatichibatisisai chitendero chedu. Nokuti hatina mupristi mukuru asingakwanisi kutinzwira tsitsi noutera hwedu. Asi mupristi akamboedzwa nenzira dzakawanda sokuedzwa kwatinoitwa asi haana kumboita chivi. Naizvozvo ngatiswederei nechivimbo pedyo nechigaro choumambo chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni tigowanawo nyasha dzinotibatsira nenguva yatinenge toda rubatsiro.
VaHebheru 4:12-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti shoko raMŋari iɓenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unoceka kumatiʋi maʋiri, rinoɓaya kuȿikira panoparadzana mŋoyo nomŋeya, namafundo nomŋoŋgo; rinotoŋga mifuŋgo nendaŋgariro dzomŋoyo. Hakunecisikwa cisiŋgaʋonekwi naye, asi ɀinhu ɀose ɀakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuɀiɗaʋirira kwaari. Naiɀoɀo, ɀatinomuprista mukuru kwaɀo, wakapinda napakati pokuɗeŋga, iye Jesu, Mŋanakomana waMŋari, ŋgatiɓatisise kupupura kweɗu. Nokuti hatinomuprista mukuru usiŋgagoni kutinzwira tsitsi paʋutera bgeɗu, asi wakaidzwa paɀinhu ɀose sesu, asineɀiʋi. Naiɀoɀo, ŋgatisweɗerei tisiŋgatyi kucigaro coʋushe cenyasha, kuti tinzwirwe ŋgoni, tiwane nyasha, tiɓatsirwe neŋguʋa yakafanira.
VaHebheru 4:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)