VaHebheru 3:7-19
VaHebheru 3:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje, mandakaedzwa namadzibaba enyu uye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita. Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo, uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka, havana kuziva nzira dzangu.’ “Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati, “ ‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ” Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu. Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi. Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma. Sezvazvakataurwa zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira.” Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti? Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje? Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera? Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.
VaHebheru 3:7-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti, “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa, Napazuva rokuedzwa murenje; Pandakaedzwa namadzibaba enyu vachindinetsa, Vakaona mabasa angu makore ana makumi mana. Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu, Ndikati, ‘Vanogara vachitsauka pamwoyo yavo; Asi havana kuziva nzira dzangu;’ Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangapindi pazororo rangu.’ ” Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu, asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchanzi, “Nhasi;” kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi. Nokuti tava vagoverani pamwechete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma; zvichinzi, “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.” Nokuti ndivanaani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMosesi here? Akanzwa shungu makore ana makumi mana pamusoro pavanaani? Havazi ivo vakatadza, mitumbi yavo ikawira murenje here? Akapika pamusoro pavanaani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kuteerera here? Zvino tinoona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.
VaHebheru 3:7-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo sokutaura kwaMweya Mutsvene anoti: “Nhasi kana monzwa izwi rake, musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya, pazuva riya rokuedzwa murenje, madzibaba enyu pavakandiedza, asi ivo vakaona mabasa angu kwamakore makumi mana. Naizvozvo ndakashatiriswa nechizvarwa ichocho; ndikazoti vanogarokanganisa mumwoyo yavo. Havasati vamboziva nzira dzangu. Sokupika kwandakaita ndakashatirwa, havachazombopinda muzororo rangu.” Chenjerai, hama dzangu, kuti munaani–nani wenyu murege kuva nemwoyo wakaipa usingatendi, ungadaro ukamutsautsa muna Mwari mupenyu. Asi kurudziranai mumwe nomumwe mazuva ose kana chete kuchiri kunzi, “Nhasi” kuti kusave nomumwe wenyu anoomeswa mwoyo nounyengedzi hwechivi. Nokuti tinogoverana muna Kristu, chero chete tikaramba takabata zvakasimba ruvimbo rwedu rwapakutanga, kusvika pakupedzisira. Zvazvinonzi: “Nhasi kana monzwa izwi rake musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya.” Ndavanani vakazvinzwa asi vakazopanduka, handiti ndivo here vaya vakabva kuIjipiti vachitungamirirwa naMosesi? Ndivanani vakamutsamwisa pamakumi mana amakore? Havasi ivo here vaya vakaita zvivi, zvitunha zvavo zvikazoti rakata murenje. Ko akapika kuna vanaani kuti havasi kuzombopinda muzororo rake asi kuna ivavo vakanga vasingateereri. Naizvozvo tinoona kuti havana kukwanisa kupinda nemhaka yokusadavira.
VaHebheru 3:7-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, seɀinotaura Mŋeya Mutȿene, aciti: Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu, sapaŋguʋa yokutsamŋisa, Napazuʋa rokuidzwa murenje; Pandakaidzwa namadziɓaɓa enyu, ʋacindinetsa, Ʋakaʋona maɓasa aŋgu makore anamakumi manna. Naiɀoɀo ndakanzwa shuŋgu pamsoro porudzi urwu, Ndikati: Ʋanogara ʋacitsauka pamŋoyo yaʋo; Asi haʋana‐kuziʋa nzira dzaŋgu; Naiɀoɀo ndakapika pakutsamŋa kwaŋgu, ndikati: Haʋaŋgapindi pazororo raŋgu. Hama dzaŋgu, cenjerai kuti mukati momumŋe wenyu murege kuʋa nomŋoyo wakashata usiŋgatendi, mutsauke mucibʋa kunaMŋari mupenyu, asi simbisanai zuʋa rimŋe nerimŋe, kana kucanzi Nhasi; kuti kurege kuʋa nomumŋe wenyu unowomeswa nokunyeŋgera kweɀiʋi. Nokuti taʋa ʋagoʋerani pamŋe cete naKristu, kana ticiɓatisisa kuʋamba kwokutenda kweɗu kuȿikira pakuguma; ɀicinzi: Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu, sapaŋguʋa yokutsamŋisa. Nokuti ndiʋanani ʋakanzwa, ʋakamutsamŋisa? Haʋazi iʋo ʋose ʋakabva Egipita naMosesi here? Wakanzwa shuŋgu makore anamakumi manna pamsoro paʋanani? Haʋazi iʋo ʋakatadza, mitumbu yaʋo ikawira murenje here? Wakapika pamsoro paʋanani kuti haʋaŋgapindi pazororo rake? Haʋazi iʋo ʋasina‐kuterera here? Ɀino tinoʋona kuti ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kupinda nokusatenda kwaʋo.
VaHebheru 3:7-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)