VaHebheru 3:12-13
VaHebheru 3:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu. Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.
VaHebheru 3:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu, asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchanzi, “Nhasi;” kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.
VaHebheru 3:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chenjerai, hama dzangu, kuti munaani–nani wenyu murege kuva nemwoyo wakaipa usingatendi, ungadaro ukamutsautsa muna Mwari mupenyu. Asi kurudziranai mumwe nomumwe mazuva ose kana chete kuchiri kunzi, “Nhasi” kuti kusave nomumwe wenyu anoomeswa mwoyo nounyengedzi hwechivi.
VaHebheru 3:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hama dzaŋgu, cenjerai kuti mukati momumŋe wenyu murege kuʋa nomŋoyo wakashata usiŋgatendi, mutsauke mucibʋa kunaMŋari mupenyu, asi simbisanai zuʋa rimŋe nerimŋe, kana kucanzi Nhasi; kuti kurege kuʋa nomumŋe wenyu unowomeswa nokunyeŋgera kweɀiʋi.
VaHebheru 3:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)