VaHebheru 12:6-7
VaHebheru 12:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.” Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?
VaHebheru 12:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti waanoda Ishe anomuranga, Anorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.” Tsungai henyu mwoyo kuti murangwe; Mwari anobata imi savanakomana; nokuti ndoupi mwanakomana asingarangwi nababa?
VaHebheru 12:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi anodzora uyo waanoda uye anoranga mwana wese waanotora somwana. Tirirai zvinokutambudzai nokuti kana muchirangwa, Mwari anenge achikubatai savana. Nokuti ndibaba vapi vasingarangi mwana wavo.
VaHebheru 12:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti waanoɗa Ishe unomuraŋga, Unoroʋa ɀikuru mŋanakomana mumŋe nomumŋe waanogamucira. Tsuŋgai henyu mŋoyo kuti muraŋgwe; Mŋari unoɓata nemi saʋanakomana; nokuti mŋanakomana ndoupi usiŋgaraŋgwi naɓaɓa?
VaHebheru 12:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)