VaHebheru 12:5-9
VaHebheru 12:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, uye usaora mwoyo kana uchirangwa naye, nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.” Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi. Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama!
VaHebheru 12:5-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uye makakanganwa kwazvo kurayira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti, “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, Usapera mwoyo kana uchirayirwa naye; Nokuti waanoda Ishe anomuranga, Anorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.” Tsungai henyu mwoyo kuti murangwe; Mwari anobata imi savanakomana; nokuti ndoupi mwanakomana asingarangwi nababa? Asi kana musingarangwi, sezvinoitirwa vose, muri vana voupombwe, hamuzi vanakomana chaivo. Uyezve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here?
VaHebheru 12:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko munokanganwa here kukurudzirwa kuya; mukukurudzirwa mamunonzi vana? Mwanangu kana Mwari achikudzora rega kuzviona sechinhu chisina maturo kana kurasa mwoyo kana warangwa naye. Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi anodzora uyo waanoda uye anoranga mwana wese waanotora somwana. Tirirai zvinokutambudzai nokuti kana muchirangwa, Mwari anenge achikubatai savana. Nokuti ndibaba vapi vasingarangi mwana wavo. Kana musingarangwi sokurangwa kunoitwa vamwe vose, muri voufambi hamusi vana chaivo. Chimwewo ndechokuti tina vanababa vapasi pano vaitiranga asi isu taingovaremekedza. Ko isu hatingatozviisa zvakatonyanya here pasi paBaba vezvemweya kuti tirarame.
VaHebheru 12:5-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuye makakaŋganwa kwaɀo kuraira kunotaura kwamuri sokuʋanakomana, kuciti: Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaShe, Usapera mŋoyo kana ucirairwa naye; Nokuti waanoɗa Ishe unomuraŋga, Unoroʋa ɀikuru mŋanakomana mumŋe nomumŋe waanogamucira. Tsuŋgai henyu mŋoyo kuti muraŋgwe; Mŋari unoɓata nemi saʋanakomana; nokuti mŋanakomana ndoupi usiŋgaraŋgwi naɓaɓa? Asi kana musiŋgaraŋgwi, seɀinoitirwa ʋose, muri ʋana ʋoʋupombge, hamuzi ʋanakomana caiʋo. Ʋuye ɀe isu taiʋa namadziɓaɓa eɗu enyama, ʋaitiraŋga, tikaʋakudza; ko hatiŋgaɀiisi ɀikuru pasi paƂaɓa ʋemŋeya, kuti tirarame here?
VaHebheru 12:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)