VaHebheru 12:14-15
VaHebheru 12:14-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe. Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.
VaHebheru 12:14-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tsvakai rugare navanhu vose, noutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuna munhu achaona Ishe; muchenjere kuti kurege kuva nomunhu anodzokera shure panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo
VaHebheru 12:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vavarirai kuva norugare navanhu vose uye kuva noutsvene hwokuti kana munhu asinahwo haakwanisi kuona Tenzi. Chenjerai kuti pasava nomunhu anotadza kuwana nyasha dzaMwari kuti parege kuva nomudzi unovava ungakure ukakonzera nhamo uchikonzera vazhinji kun'oreswa
VaHebheru 12:14-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe; mucenjere kuti kurege kuʋa nomunhu unodzokera shure panyasha dzaMŋari; kuti mudzi wokuʋaʋa urege kumuka, ukutambudzei, ʋazhinji ʋagoȿiɓiswa nawo
VaHebheru 12:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)