VaHebheru 12:13-17
VaHebheru 12:13-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe. Tsvakai rugare navanhu vose, noutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuna munhu achaona Ishe; muchenjere kuti kurege kuva nomunhu anodzokera shure panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo; kurege kuvapo nemhombwe, kana noasina hanya naMwari, saEsau akatengesa udangwe hwake nokudya kamwechete. Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, akarambwa; nokuti haana kuwana nguva yokutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.
VaHebheru 12:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ruramisai nzira dzenyu kuti vakaremara varege kusvodogoka asi kuti varapwe. Vavarirai kuva norugare navanhu vose uye kuva noutsvene hwokuti kana munhu asinahwo haakwanisi kuona Tenzi. Chenjerai kuti pasava nomunhu anotadza kuwana nyasha dzaMwari kuti parege kuva nomudzi unovava ungakure ukakonzera nhamo uchikonzera vazhinji kun'oreswa; kuti pasave naani zvake anoita zvounzenza kana asina hanya nokunamata Mwari sezvakaita Esau akatengesa utangwe hwake nokuda kwechokudya, chokudya kamwechete. Sezvamunoziva kuti mushure, paakanga oda kuwana nhaka yamakomborero, akarambwa nokuti akashaya nguva yokusandura mwoyo nyangwe akaitsvaka nemisodzi padama.
VaHebheru 12:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuva akaremara, asi kuti aporeswe. Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe. Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji. Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete. Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaka mukomborero uyo nemisodzi.
VaHebheru 12:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ruramisai nzira dzenyu kuti vakaremara varege kusvodogoka asi kuti varapwe. Vavarirai kuva norugare navanhu vose uye kuva noutsvene hwokuti kana munhu asinahwo haakwanisi kuona Tenzi. Chenjerai kuti pasava nomunhu anotadza kuwana nyasha dzaMwari kuti parege kuva nomudzi unovava ungakure ukakonzera nhamo uchikonzera vazhinji kun'oreswa; kuti pasave naani zvake anoita zvounzenza kana asina hanya nokunamata Mwari sezvakaita Esau akatengesa utangwe hwake nokuda kwechokudya, chokudya kamwechete. Sezvamunoziva kuti mushure, paakanga oda kuwana nhaka yamakomborero, akarambwa nokuti akashaya nguva yokusandura mwoyo nyangwe akaitsvaka nemisodzi padama.
VaHebheru 12:13-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti ico cinokamhina cirege kushoɗoka, asi ciporeswe. Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe; mucenjere kuti kurege kuʋa nomunhu unodzokera shure panyasha dzaMŋari; kuti mudzi wokuʋaʋa urege kumuka, ukutambudzei, ʋazhinji ʋagoȿiɓiswa nawo; kurege kuʋa’po nemhombge, kana nousinehanya naMŋari, saEsau wakateŋgesa ʋuɗaŋgwe bgake nokudya kamŋe cete. Nokuti munoziʋa kuti acizoɗa hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambga; nokuti haana‐kuwana ŋguʋa yokutendeʋuka, kunyaŋge akaitȿaka ɀikuru nemisodzi.