Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 12:1-15

VaHebheru 12:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu. Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa. Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, uye usaora mwoyo kana uchirangwa naye, nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.” Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi. Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama! Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake. Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako. Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba. “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuva akaremara, asi kuti aporeswe. Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe. Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.

VaHebheru 12:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Naizvozvo, nesuo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Nokuti cherekedzai uyo akatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumweya yenyu. Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi. Uye makakanganwa kwazvo kurayira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti, “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, Usapera mwoyo kana uchirayirwa naye; Nokuti waanoda Ishe anomuranga, Anorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.” Tsungai henyu mwoyo kuti murangwe; Mwari anobata imi savanakomana; nokuti ndoupi mwanakomana asingarangwi nababa? Asi kana musingarangwi, sezvinoitirwa vose, muri vana voupombwe, hamuzi vanakomana chaivo. Uyezve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here? Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga, asi iye anotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa utsvene hwake. Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama. Saka simbisaizve maoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba; gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe. Tsvakai rugare navanhu vose, noutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuna munhu achaona Ishe; muchenjere kuti kurege kuva nomunhu anodzokera shure panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo

VaHebheru 12:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Naizvozvo zvatakakomberedzwa negore rezvapupu zvakawanda kudai, ngatichikandai pasi mitoro yose nezvitadzo zvinoramba zvakati nesu namata, timhanye nhangemutange yatakatarirwa takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari. Fungai nezvake, iye akatirira ruvengo rwakadai rwaakaitirwa navatadzi kuti imi murege kuneta kana kurasa mwoyo. Mukurwisana kwenyu nechitadzo hamusati marwisa kusvika pakurasikirwa neropa. Ko munokanganwa here kukurudzirwa kuya; mukukurudzirwa mamunonzi vana? Mwanangu kana Mwari achikudzora rega kuzviona sechinhu chisina maturo kana kurasa mwoyo kana warangwa naye. Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi anodzora uyo waanoda uye anoranga mwana wese waanotora somwana. Tirirai zvinokutambudzai nokuti kana muchirangwa, Mwari anenge achikubatai savana. Nokuti ndibaba vapi vasingarangi mwana wavo. Kana musingarangwi sokurangwa kunoitwa vamwe vose, muri voufambi hamusi vana chaivo. Chimwewo ndechokuti tina vanababa vapasi pano vaitiranga asi isu taingovaremekedza. Ko isu hatingatozviisa zvakatonyanya here pasi paBaba vezvemweya kuti tirarame. Nokuti vakatiranga kwechinguvana samaonero avo asi vanotiranga kuti tigoverane utsvene hwavo. Panguva iyoyo kurangwa kwose kunorwadza panze pokufadza asi pashure kunoberekera vadzidziswa nako muchero worugare wokururama. Naizvozvo chisimudzai maoko enyu akarengwendeka, mugwinyise mabvi enyu asina simba. Ruramisai nzira dzenyu kuti vakaremara varege kusvodogoka asi kuti varapwe. Vavarirai kuva norugare navanhu vose uye kuva noutsvene hwokuti kana munhu asinahwo haakwanisi kuona Tenzi. Chenjerai kuti pasava nomunhu anotadza kuwana nyasha dzaMwari kuti parege kuva nomudzi unovava ungakure ukakonzera nhamo uchikonzera vazhinji kun'oreswa

VaHebheru 12:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Naiɀoɀo, nesu ʋo, ɀatakakomberedzwa negore reɀapupu rakakura rikaɗai, ŋgatibvisei ɀose ɀinoremedza, neɀiʋi ɀinoŋgotinamatira, ŋgatimhanye nokutsuŋgirira nhaŋgemutaŋge yatakaisirwa, ticitarira kunaJesu, muʋambi nomukwanisi wokutenda kweɗu, iye wakatsuŋga pamucinjikwa nokuɗa kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoʋora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwecigaro coʋushe caMŋari. Nokuti cerekedzai uyo wakatsuŋga pakukakaʋara kwakaɗai kwaʋatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamŋeya yenyu. Mucigere kudziʋirira kuȿikira ropa riciɓuɗa pakurwa kwenyu neɀiʋi. Ʋuye makakaŋganwa kwaɀo kuraira kunotaura kwamuri sokuʋanakomana, kuciti: Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaShe, Usapera mŋoyo kana ucirairwa naye; Nokuti waanoɗa Ishe unomuraŋga, Unoroʋa ɀikuru mŋanakomana mumŋe nomumŋe waanogamucira. Tsuŋgai henyu mŋoyo kuti muraŋgwe; Mŋari unoɓata nemi saʋanakomana; nokuti mŋanakomana ndoupi usiŋgaraŋgwi naɓaɓa? Asi kana musiŋgaraŋgwi, seɀinoitirwa ʋose, muri ʋana ʋoʋupombge, hamuzi ʋanakomana caiʋo. Ʋuye ɀe isu taiʋa namadziɓaɓa eɗu enyama, ʋaitiraŋga, tikaʋakudza; ko hatiŋgaɀiisi ɀikuru pasi paƂaɓa ʋemŋeya, kuti tirarame here? Nokuti iʋo, ɀirokwaɀo, ʋakatiraŋga mazuʋa mashoma, seɀaʋaifuŋga: asi iye unotiraŋga kuti tiɓatsirwe, tigogoʋerwa ʋutȿene bgake. Ɀino kuraŋga kwose, kana kucaitwa, kwakaita sokusiŋgafadzi, kunocemedza; asi pashure kunoɓerekera iʋo, ʋakadzidziswa nako, ɀiɓereko ɀorugare, ndiɀo ɀiɓereko ɀokururama. Saka simbisai ɀe maʋoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba; gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti ico cinokamhina cirege kushoɗoka, asi ciporeswe. Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe; mucenjere kuti kurege kuʋa nomunhu unodzokera shure panyasha dzaMŋari; kuti mudzi wokuʋaʋa urege kumuka, ukutambudzei, ʋazhinji ʋagoȿiɓiswa nawo

VaHebheru 12:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)