VaHebheru 11:8-16
VaHebheru 11:8-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye. Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa. Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika. Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo. Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera. Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.
VaHebheru 11:8-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye; nokuti akanga achitarira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. Nokutenda naiye Sara akapiwa simba rokutora mimba, kunyange akanga achembera, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi. Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika. Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo. Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka. Asi zvino vanoda imwe inopfuura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
VaHebheru 11:8-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamusana pechitendero Abhurahamu akateerera paakadaidzwa kuti aende kunzvimbo yaainzi anozogamuchira senhaka. Pamusana pechitendero akabuda achienda kwaakanga asingazivi akagara munyika yechipikirwa somunhu anogara munyika isiri yake achigara mumatendhe naIsaki naJakobho, vagari venhaka pamwechete naye vechipikirwa chimwechetecho. Chikonzero ndechokuti aitarisira guta rine ugaro hwakasimba rakavakwa naMwari rakarongwa noumhizha hwake. Pamusana pechitendero Sara pachake akagamuchira simba rokubata pamuviri kunyange akanga apfuura pazera rokubereka nokuti akati iye akanga avatsidzira akatendeka. Nokudaro kubva pamunhu mumwechete uye akanga aita somunhu akafa akabereka vana vakawanda senyenyedzi dzedenga uye vasingaverengeki sejecha rapamahombekombe pegungwa. Ava vose vakafa vachitenda vasati vagamuchira zvavakanga vatsidzirwa asi vakanga vazviona vakazvikwaziza vachiri kure. Vakanga vazviona kuti vaenzi navatorwa panyika. Vanhu vanotaura vachidaro vanoratidza pachena kuti vari kutsvaka nyika yavo. Dai vakanga vachifunga nenyika yekwavakabva vangadai vakakwanisa kuwana mukana wokudzokerako. Asi sezvazviri vari kutosuwira nyika iri nani zvichireva nyika yokudenga. Ndokusaka Mwari asinganyari kunzi Mwari wavo nokuti akavagadzirira guta.
VaHebheru 11:8-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokutenda Abrahama, wakati aɗanwa, akaterera, akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo yaakanzi ucaipiwa iʋe nhaka yake; akaɓuɗa akaenda, asiŋgaziʋi kwaanoenda. Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yecipikirwa, sapanyika yaʋamŋe, akagara mumatente naIsaka naJakobo, ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa cimŋe pamŋe cete naye; nokuti wakaŋga acitarira guta rinenheyo, Mŋari ari mhizha nomuʋaki waro. Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba, kunyaŋge akaŋga acembera, nokuti wakati iye wakamupikira wakatendeka. Saka kumunhu mumŋe, wakaŋga akaita sowafa, kwakabva ʋana ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga nokuwanda kwaʋo, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa risiŋgaʋereŋgwi. Iʋaʋa ʋose ʋakafa ʋacitenda, ʋasina‐kupiwa ɀipikirwa, asi ʋakaɀiʋona ɀiri kure, ʋakaɀikwazisa, ʋakatenda kuti iʋo ʋaeni naʋafambi panyika. Nokuti ʋanotaura ɀakaɗaro, ʋanoratidza kuti ʋanotȿaka nyika yaʋo caiyo. Nokuti kana ʋairamba ʋacifuŋga nyika iyo yaʋakabva kwairi, ʋaŋgaɗai ʋawana ŋguʋa yokudzoka. Asi ɀino ʋanoɗa imŋe inopfuʋura nokunaka, ndiyo yokuɗeŋga; naiɀoɀo Mŋari haanenyadzi pamsoro paʋo kuti aidzwe Mŋari waʋo; nokuti wakaʋagadzirira guta.
VaHebheru 11:8-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)