Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 11:23-39

VaHebheru 11:23-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo. Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro. Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi. Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro. Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi. Nokutenda akavamba Pasika nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri. Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura. Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe. Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare. Uye ndichataureiko zvimwe? Handichina nguva yokutaura pamusoro paGidheoni, Bharaki, Samusoni, Jefuta, Dhavhidhi, Samueri, navaprofita, vakakunda ushe nokutenda, vakatonga nokururamisira, uye vakawana zvakanga zvavimbiswa; vakadzivira miromo yeshumba, vakadzima simba romoto, uye vakapunyuka kubva pamunondo unopinza, utera hwavo hwakashandurwa hukava simba uye vakava nesimba guru pakurwa vakakunda hondo dzamamwe marudzi. Vakadzi vakagamuchirazve vakanga vafa vavo vamutswa kuti vave vapenyu zvakare. Vamwe vakatambudzwa vakaramba kusunungurwa, kuitira kuti vagozopiwa kumuka kuri nani pakunaka. Vamwe vakasekwa uye vakarohwa, uyezve vamwe vakasungwa vakaiswa mutorongo. Vakatakwa namabwe; vamwe vakaitwa zvidimbu zviviri; vakaurayiwa nomunondo. Vakafamba vakapfeka matehwe amakwai namatehwe embudzi, vasina chinhu, vakatambudzwa uye vakaitirwa zvakaipa, nyika yakanga isina kufanirwa navo. Vaidzungaira murenje nomumakomo, mumapako nomumakomba enyika. Vose ava vakapupurirwa kutenda kwavo, asi hapana kana mumwe wavo akagamuchira zvakanga zvavimbiswa.

VaHebheru 11:23-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murayiro wamambo. Nokutenda Mosesi akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku; akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kupfuma kwose kweIjipiti; nokuti akatarira mubayiro. Nokutenda akabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti akatsungirira somunhu anoona iye asingaonekwi. Nokutenda, akavamba Pasika nokusasa ropa, kuti muurayi wamatangwe avarege ivo. Nokutenda, vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; vaIjipiti vachiedza izvozvo, vakabitirirwa. Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. Nokutenda, Rakabhi chifeve, haana kufa pamwechete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vashori norugare. Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGidheoni, naBharaki, naSamisoni, naJefita, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita; avo vakakunda ushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba. Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa muutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi. Vakadzi vakapiwazve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakaramba kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuura nokunaka; vamwe vakaedzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uyezve vachisungwa, vachiiswa mutorongo; vakatakwa namabwe, vakaedzwa, vakaurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matehwe amakwai, nenguo dzembudzi; vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; (nyika haina kufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika. Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa

VaHebheru 11:23-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pamusana pechitendero Mosesi paakaberekwa akavanzwa navabereki vake kwemwedzi mitatu nokuti vakaona kuti aitarisika zvakanaka. Havana kutya chirevo chamambo. Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao. Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo. Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro. Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki. Pamusana porudaviro akachengeta Pasika akasasa ropa kuitira kuti muparadzi wamatangwe arege kumbovabata–bata. Pamusana porudaviro vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku sokunge vari pasi pakaoma asi vaIjipiti pavakaedza kuita zvimwechetezvo vakanyura. Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe. Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya. Ko ndotaura zvimwe zvipiko? Nguva haimbondibvumira kuti nditaure nezvaGidheoni naBharaki naSamusoni naJefuta nezvaDhavhidhi naSamueri uye nezvavaporofita vakakurira umambo noumambo pamusana pechitendero vakamanikidzira kuti pave noruenzaniso; vakagamuchira zvakanga zvatsidzwa. Vazarira miromo yeshumba vakadzima moto unoririma vapunyuka hondo yebakatwa vakawana simba muutera. Vakava nechivindi muhondo. Vakadzvamutsa hondo dzevechirudzi. Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamuka muvakafa. Vamwe vavo vakaoneswa nhamo vachitoramba rusununguko kuti vazomuka vava noupenyu huri nani. Vamwe vavo vakatambura kunyombwa nokurohwa vakasungwa nengetani nokuiswa mujeri. Vakatakwa namatombo vakachekwa napakati vakauraiwa namapakatwa. Vakafamba vakapfeka matehwe ehwai neembudzi vasina chokubata. Vakaoneswa nhamo vachiitirwa zvakaipa. Nyika yakanga isingakodzeri kuva navo nezvo vakadzungaira mugwenga nomumakomo muzviro nomapako enyika. Ivava vose kunyange zvavo vakanzi vanhu kwavo pamusana perutendo rwavo havana zvavo kugamuchira zvakatsidzirwa

VaHebheru 11:23-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokutenda Mosesi pakuɓerekwa kwake wakaʋanzwa naʋaɓereki ʋake mŋedzi mitatu, nokuti ʋakaʋona kuti wakaŋga ari mŋana wakanaka; haʋana‐kutya murairo wamambo. Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mŋanakomana womukunda waFarao, akati ɀirinani kuitirwa ɀakaipa pamŋe cete naʋanhu ʋaMŋari pakufarira ɀiʋi ŋguʋa ɗuku; akati kuɀidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita; nokuti wakatarira muɓairo. Nokutenda wakabva Egipita, asiŋgatyi kutsamŋa kwamambo; nokuti wakatsuŋgirira somunhu unoʋona iye usiŋgaʋonekwi. Nokutenda wakaʋamba paseka nokusasa ropa, kuti muʋurayi wamataŋgwe aʋarege iʋo. Nokutenda ʋakayambuka Guŋgwa Dɀuku, sapanyika yakawoma; ʋaEgipita ʋaciidza iɀoɀo, ʋakaɓitirirwa. Nokutenda maȿiŋgo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuʋa manomŋe. Nokutenda Rakabi cifeʋe, haana‐kufa pamŋe cete naʋasinakuterera, nokuti wakaŋga agamucira ʋashori norugare. Ndicataurireiko ɀimŋe? Nokuti ndicapererwa neŋguʋa, kana ndikataura ɀaGideoni, naBaraki, naSamsoni, naJefta, naDavidi, naSamueri, naʋaprofita; aʋo ʋakakunda ʋushe nokutenda kwaʋo ʋakaita ɀakarurama, ʋakapiwa ɀipikirwa, ʋakadziʋira miromo yeshumba. Ʋakadzima simba romŋoto, ʋakatiza minondo inopinza, ʋakasimbiswa paʋutera, ʋakaʋa nesimba pakurwa, ʋakadziŋga hondo dzamamŋe marudzi. Ʋakadzi ʋakapiwa ɀe ʋakafa ʋaʋo, ʋamutswa; ʋamŋe ʋakapurwa, ʋakaramba kusunuŋgurwa, kuti ʋawane kumuka kwakapfuʋura nokunaka; ʋamŋe ʋakaidzwa, ʋacisekwa, ʋacirobga ɀikuru, ʋuye ɀe ʋacisuŋgwa, ʋaciiswa mutoroŋgo; ʋakatakwa namabge, ʋakatemŋa‐temŋa nejeko, ʋakaidzwa, ʋakaʋurawa nomunondo; ʋakafamba ʋakafuka matebge amakwai, neŋguʋo dzembudzi; ʋasinecinhu, ʋacitambudzika, ʋaciitirwa ɀakaipa; (nyika haina‐kufanirwa naʋo), ʋacidzuŋgaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika. Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋapupurirwa nokutenda kwaʋo, asi haʋana‐kupiwa ɀipikirwa

VaHebheru 11:23-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)