VaHebheru 11:20-31
VaHebheru 11:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika. Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake. Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake. Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo. Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro. Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi. Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro. Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi. Nokutenda akavamba Pasika nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri. Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura. Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe. Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare.
VaHebheru 11:20-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Nechitendero Isaki akakumbirira Jakobho naEsau zvikomborero mune ramangwana. Pamusana pechitendero, Jakobho paakanga ava kufa akakomborera vana vaJosefi vose vari vaviri akakotamira pamusoro petsvimbo yake achinamata. Pamusana pechitendero Josefi, pakuguma koupenyu hwake akataura nezvekubuda kwavaIsiraeri akavaraira nezvamapfupa ake. Pamusana pechitendero Mosesi paakaberekwa akavanzwa navabereki vake kwemwedzi mitatu nokuti vakaona kuti aitarisika zvakanaka. Havana kutya chirevo chamambo. Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao. Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo. Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro. Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki. Pamusana porudaviro akachengeta Pasika akasasa ropa kuitira kuti muparadzi wamatangwe arege kumbovabata–bata. Pamusana porudaviro vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku sokunge vari pasi pakaoma asi vaIjipiti pavakaedza kuita zvimwechetezvo vakanyura. Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe. Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya.
VaHebheru 11:20-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitwa. Nokutenda Jakobho pakufa kwake akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake. Nokutenda Josefa, ofa, akataura zvokubuda kwavana vaIsiraeri, akavarayira pamusoro pamapfupa ake. Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murayiro wamambo. Nokutenda Mosesi akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku; akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kupfuma kwose kweIjipiti; nokuti akatarira mubayiro. Nokutenda akabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti akatsungirira somunhu anoona iye asingaonekwi. Nokutenda, akavamba Pasika nokusasa ropa, kuti muurayi wamatangwe avarege ivo. Nokutenda, vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; vaIjipiti vachiedza izvozvo, vakabitirirwa. Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. Nokutenda, Rakabhi chifeve, haana kufa pamwechete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vashori norugare.
VaHebheru 11:20-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nechitendero Isaki akakumbirira Jakobho naEsau zvikomborero mune ramangwana. Pamusana pechitendero, Jakobho paakanga ava kufa akakomborera vana vaJosefi vose vari vaviri akakotamira pamusoro petsvimbo yake achinamata. Pamusana pechitendero Josefi, pakuguma koupenyu hwake akataura nezvekubuda kwavaIsiraeri akavaraira nezvamapfupa ake. Pamusana pechitendero Mosesi paakaberekwa akavanzwa navabereki vake kwemwedzi mitatu nokuti vakaona kuti aitarisika zvakanaka. Havana kutya chirevo chamambo. Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao. Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo. Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro. Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki. Pamusana porudaviro akachengeta Pasika akasasa ropa kuitira kuti muparadzi wamatangwe arege kumbovabata–bata. Pamusana porudaviro vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku sokunge vari pasi pakaoma asi vaIjipiti pavakaedza kuita zvimwechetezvo vakanyura. Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe. Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya.
VaHebheru 11:20-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokutenda Isaka wakaropafadza Jakobo naEsau pamsoro peɀinozoitwa. Nokutenda Jakobo pakufa kwake wakaropafadza mŋanakomana mumŋe nomumŋe waJosefa; akanamata akasendamira pamsoro pomuɗonɀo wake. Nokutenda Josefa, ofa, wakataura ɀokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri, akaʋaraira pamsoro pamafupa ake. Nokutenda Mosesi pakuɓerekwa kwake wakaʋanzwa naʋaɓereki ʋake mŋedzi mitatu, nokuti ʋakaʋona kuti wakaŋga ari mŋana wakanaka; haʋana‐kutya murairo wamambo. Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mŋanakomana womukunda waFarao, akati ɀirinani kuitirwa ɀakaipa pamŋe cete naʋanhu ʋaMŋari pakufarira ɀiʋi ŋguʋa ɗuku; akati kuɀidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita; nokuti wakatarira muɓairo. Nokutenda wakabva Egipita, asiŋgatyi kutsamŋa kwamambo; nokuti wakatsuŋgirira somunhu unoʋona iye usiŋgaʋonekwi. Nokutenda wakaʋamba paseka nokusasa ropa, kuti muʋurayi wamataŋgwe aʋarege iʋo. Nokutenda ʋakayambuka Guŋgwa Dɀuku, sapanyika yakawoma; ʋaEgipita ʋaciidza iɀoɀo, ʋakaɓitirirwa. Nokutenda maȿiŋgo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuʋa manomŋe. Nokutenda Rakabi cifeʋe, haana‐kufa pamŋe cete naʋasinakuterera, nokuti wakaŋga agamucira ʋashori norugare.