VaHebheru 11:15-16
VaHebheru 11:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera. Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.
VaHebheru 11:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka. Asi zvino vanoda imwe inopfuura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
VaHebheru 11:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai vakanga vachifunga nenyika yekwavakabva vangadai vakakwanisa kuwana mukana wokudzokerako. Asi sezvazviri vari kutosuwira nyika iri nani zvichireva nyika yokudenga. Ndokusaka Mwari asinganyari kunzi Mwari wavo nokuti akavagadzirira guta.
VaHebheru 11:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana ʋairamba ʋacifuŋga nyika iyo yaʋakabva kwairi, ʋaŋgaɗai ʋawana ŋguʋa yokudzoka. Asi ɀino ʋanoɗa imŋe inopfuʋura nokunaka, ndiyo yokuɗeŋga; naiɀoɀo Mŋari haanenyadzi pamsoro paʋo kuti aidzwe Mŋari waʋo; nokuti wakaʋagadzirira guta.
VaHebheru 11:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)