VaHebheru 10:21-23
VaHebheru 10:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari, ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena. Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
VaHebheru 10:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
uye zvatino mupristi mukuru pamhuri yaMwari, ngatiswedere nomwoyo wachokwadi, nokutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka. Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, akapikira, akatendeka
VaHebheru 10:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
uye zvatino mupristi mukuru mutariri wemba yaMwari, ngatiswederei pedyo nomwoyo uri pachokwadi norudaviro rwakasimba mwoyo yedu yakasaswa isina chinorovesa hana nemiviri yakashambidzwa nemvura yakachena. Ngatichengetedzei zvakasimba chitendero chezvatinotarisira tisingazungunutswi nokuti iye akatsidza anotendeka.
VaHebheru 10:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋuye ɀatinomuprista mukuru paimba yaMŋari, ŋgatisweɗere nomŋoyo waɀokwaɗi, nokutenda kwakasimba, mŋoyo yeɗu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiʋiri yeɗu yakashambidzwa nemvura yakanaka. Ŋgaticeŋgete kwaɀo kupupura kwetariro yeɗu, kuti irege kuzunuŋguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka
VaHebheru 10:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)