VaHebheru 10:19-25
VaHebheru 10:19-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu, nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake, uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari, ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena. Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka. Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.
VaHebheru 10:19-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, hama dzangu, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu, nenzira itsva mhenyu, yaakativambira iye nokupinda kwake pachidzitiro chetemberi, ndiyo nyama yake; uye zvatino mupristi mukuru pamhuri yaMwari, ngatiswedere nomwoyo wachokwadi, nokutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka. Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, akapikira, akatendeka; ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.
VaHebheru 10:19-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo hama dzangu, zvatiine chivimbo chokuti tichapinda munzvimbo inoeresesa nokuda kweropa raJesu nenzira itsva mhenyu yaakatizarurira nokupinda kwaakaita napajira rokudzikatirisa, zvichereva muviri wake, uye zvatino mupristi mukuru mutariri wemba yaMwari, ngatiswederei pedyo nomwoyo uri pachokwadi norudaviro rwakasimba mwoyo yedu yakasaswa isina chinorovesa hana nemiviri yakashambidzwa nemvura yakachena. Ngatichengetedzei zvakasimba chitendero chezvatinotarisira tisingazungunutswi nokuti iye akatsidza anotendeka. Ngatinyatsofungisisai nzira dzokukurudzirana rudo namabasa akanaka. Tisaregere kusangana setsika inoitwa navamwe asi kuti tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva riya ravakusvika.
VaHebheru 10:19-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, ɀatiŋgatsuŋga kupinda panɀimbo tȿene neropa raJesu, nenzira itȿa mhenyu, yaakatiʋambira iye nokupinda kwake pacidzitiro cetembere, ndiyo nyama yake; ʋuye ɀatinomuprista mukuru paimba yaMŋari, ŋgatisweɗere nomŋoyo waɀokwaɗi, nokutenda kwakasimba, mŋoyo yeɗu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiʋiri yeɗu yakashambidzwa nemvura yakanaka. Ŋgaticeŋgete kwaɀo kupupura kwetariro yeɗu, kuti irege kuzunuŋguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka; ŋgatiraŋgarirane, timutsane mŋoyo kuti tiʋe noruɗo namaɓasa akanaka, tisarega kuʋuŋgana kweɗu, seɀinoita ʋamŋe, asi tirairane; ɀikuru ɀamunoʋona kuti zuʋa rosweɗera.
VaHebheru 10:19-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)