VaHebheru 1:3-4
VaHebheru 1:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga. Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
VaHebheru 1:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, anochengeta zvinhu zvose nezwi resimba rake, akati apedzisa kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwoUmambo kudenga, akapfuura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
VaHebheru 1:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiye anoratidza pachena mbiri yaMwari, ndiyezve mufananidzo chaiwo wamamiriro akaita Mwari, anochengetedza mumaoko ake zvisikwa zvose nezwi rake rinesimba. Paakapedza kuita basa rokuchenesa vanhu kuzvivi, akandogara kurudyi rwaSamasimbaose ari kumusorosoro, aitwawo mukuru kuvatumwa vedenga sezita raakanga apiwa rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
VaHebheru 1:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
iye cadzera cokubginya kwake, nomufananidzo wake caiye, unoceŋgeta ɀinhu ɀose nenzwi resimba rake, wakati apedzisa kunatswa kweɀiʋi, akagara kurudyi rwoƲumambo kuɗeŋga, akapfuʋura ʋatumŋa nokunaka saiɀoɀo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuʋura raʋo.
VaHebheru 1:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)