VaHebheru 1:2-3
VaHebheru 1:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
VaHebheru 1:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
zvino pakupedzisira kwamazuva ano akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika; iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, anochengeta zvinhu zvose nezwi resimba rake, akati apedzisa kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwoUmambo kudenga
VaHebheru 1:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
asi mumazuva ano okupedzisira akazotaura kwatiri nomuromo woMwanakomana wake, waakaita mugari wenhaka yezvinhu zvose. Ndiyewo waakasika naye pasi pose. Ndiye anoratidza pachena mbiri yaMwari, ndiyezve mufananidzo chaiwo wamamiriro akaita Mwari, anochengetedza mumaoko ake zvisikwa zvose nezwi rake rinesimba. Paakapedza kuita basa rokuchenesa vanhu kuzvivi, akandogara kurudyi rwaSamasimbaose ari kumusorosoro
VaHebheru 1:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ɀino pakupedzisira kwamazuʋa ano wakataura kwatiri muMŋanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yeɀinhu ɀose, waakaita ʋo naye nyika; iye cadzera cokubginya kwake, nomufananidzo wake caiye, unoceŋgeta ɀinhu ɀose nenzwi resimba rake, wakati apedzisa kunatswa kweɀiʋi, akagara kurudyi rwoƲumambo kuɗeŋga
VaHebheru 1:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)