VaHebheru 1:1-8
VaHebheru 1:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana, asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga. Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo. Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?” Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.” Achitaura pamusoro pavatumwa anoti, “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.” Asi pamusoro poMwanakomana anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.
VaHebheru 1:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akataura kare kuna madzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitoo mizhinji, zvino pakupedzisira kwamazuva ano akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika; iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, anochengeta zvinhu zvose nezwi resimba rake, akati apedzisa kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwoUmambo kudenga, akapfuura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuura ravo. Nokuti akambotaura kuna ani wavatumwa achiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakakubereka? Uyezve, Ndichava baba vake, Iye achava Mwanakomana wangu?” Uye, kana achizouyisazve dangwe rake panyika, anoti, “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.” Napamusoro pavatumwa anoti, “Iye anoita vatumwa vake kuti vave mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;” Asi pamusoro poMwanakomana, anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo youshe hwako.
VaHebheru 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Karakare, Mwari aitaura kumadzitateguru edu kazhinji–zhinji, nenzirawo dzakasiyana–siyana nemiromo yavaporofita, asi mumazuva ano okupedzisira akazotaura kwatiri nomuromo woMwanakomana wake, waakaita mugari wenhaka yezvinhu zvose. Ndiyewo waakasika naye pasi pose. Ndiye anoratidza pachena mbiri yaMwari, ndiyezve mufananidzo chaiwo wamamiriro akaita Mwari, anochengetedza mumaoko ake zvisikwa zvose nezwi rake rinesimba. Paakapedza kuita basa rokuchenesa vanhu kuzvivi, akandogara kurudyi rwaSamasimbaose ari kumusorosoro, aitwawo mukuru kuvatumwa vedenga sezita raakanga apiwa rakanyanya kunaka kupfuura ravo. Ndoupi mutumwa akambonzi naMwari; “Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka?” Kana kuti; “Ndichave baba kwaari, iye agove Mwanakomana kwandiri?” Uyezve paakaunza dangwe rake pasi pose anoti, “Vatumwa vose vaMwari ngavamupfugamire kumunamata.” Nezvavatumwa anoti; “Anoita vatumwa vake kuti vave mhepo, varanda vake kuti vave rimi romoto.” NezvoMwanakomana anoti; “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chinozoramba chiripo nokusingaperi. Uye tsvimbo yoruenzaniso ndiyo tsvimbo youmambo hwenyu.
VaHebheru 1:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari wakataura kare kunamadziɓaɓa muʋaprofita nemigoʋe mizhinji, ʋuye nemitoʋo mizhinji, ɀino pakupedzisira kwamazuʋa ano wakataura kwatiri muMŋanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yeɀinhu ɀose, waakaita ʋo naye nyika; iye cadzera cokubginya kwake, nomufananidzo wake caiye, unoceŋgeta ɀinhu ɀose nenzwi resimba rake, wakati apedzisa kunatswa kweɀiʋi, akagara kurudyi rwoƲumambo kuɗeŋga, akapfuʋura ʋatumŋa nokunaka saiɀoɀo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuʋura raʋo. Nokuti wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, Nhasi ndakakuɓereka? Ʋuye ɀe: Ndicaʋa Ƃaɓa ʋake, Iye ucaʋa Mŋanakomana waŋgu? Ʋuye, kana acizoʋuyisa ɀe ɗaŋgwe rake panyika, unoti: Ʋatumŋa ʋose ʋaMŋari ŋgaʋamunamate. Napamsoro paʋatumŋa unoti: Iye unoita ʋatumŋa ʋake kuti ʋaʋe mhepo, Naʋaranda ʋake, kuti ʋaʋe muraɀo womŋoto; Asi pamsoro poMŋanakomana, unoti: Cigaro cenyu coʋushe, imi Mŋari, ciri’po nokusiŋgaperi‐peri, Netȿimbo yokururama ndiyo tȿimbo yoʋushe bgako.
VaHebheru 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)