Hagai 2:1-9
Hagai 2:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi wechinomwe, shoko raJehovha rakasvika nokuna muprofita Hagai richiti, “Taura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, kuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki muprista mukuru, nokuvanhu vakasara. Uvabvunze kuti, ‘Ndiani pakati penyu vakasara akaona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Munoionawo sei zvino? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here? Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Iva nesimba, iwe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru. Ivai nesimba, imi mose vanhu venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye mushande. Nokuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda kubvira muIjipiti. Uye Mweya wangu uchagara pakati penyu. Musatya.’ “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Munguva shoma shoma, ndichazungunusa matenga nenyika, negungwa nenyika yakaoma. Ndichazungunusa ndudzi dzose, uye zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya, uye ndichazadza imba ino nokubwinya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Sirivha ndeyangu negoridhe nderangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Kubwinya kweimba iripo nhasi kuchapfuura kubwinya kweyokutanga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Uye panzvimbo ino ndichauyisa rugare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
Hagai 2:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nomwedzi wechinomwe, nezuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti, “Zvino chitaura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, navanhu vose vakasara, uti, ‘Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga?’ Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here? Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, iva nesimba; nemi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Ijipiti, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya. “Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, ‘Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma; ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”
Hagai 2:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechipiri ramambo Dhariusi, pamwedzi wechinomwe pazuva ramakumi maviri nerimwechete shoko raTenzi rakauya nokunaHagai, muporofita richiti, “Zvino taurira Zerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, uye Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, uye chitsama chavanhu chose chakasara uti, ‘Pane mumwe here pakati penyu asara akaona kunaka kwakanga kwakaita Temberi iyi pakutanga, munoiona yakadii zvino izvi? Sokuonawo kwenyu handiti inenge chinhu pasina?’ Zvisinei hazvo, zvino tsunga mwoyo iwe Zerubhabhero, ndizvo zvinotaura Tenzi. Tsunga mwoyo Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru. Tsungaiwo mwoyo imi vanhu vose venyika ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zviri kunzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Shandai nokuti ndinemi sokukutsidzirai kwandakaita pamakabuda muIjipiti. Mweya wangu uri mamuri, musatye.’ “Chandinodariro ndechokuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Kusati kwapera nguva ndefu ini ndichazunzazve matenga nenyika negungwa napasi pakaoma. Ndichazunza marudzi ose avanhu zvokuti upfumi hwamarudzi ose huchauya ndigozadza Temberi ino norunako,’ ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mari ndeyangu, nendarama ndeyangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Runako rweTemberi iyi yeshure ruchava pamberi kupfuura yakare iya. Ndizvo zvinotaura Tenzi wehondo nehondo. Nzvimbo ino ndichaiita kuti ibudirire.”
Hagai 2:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa ramakumi maʋiri nerimŋe romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti: Ɀino citaura naZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, naJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, naʋanhu ʋose ʋakasara, uti: Ndiani wakasara pakati penyu, wakaɗeya kuʋona imba ino pakubginya kwayo kwokutaŋga? Ɀino munoiʋona yakaɗiniko? Pakuʋona kwenyu haina‐kuita sapasina here? Asi ɀino ciʋa nesimba, iwe Zerubaberi — ndiɀo ɀinotaura Jehova; newe Joshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, iʋa nesimba; nemi ʋanhu ʋose ʋenyika, iʋai nesimba, muɓate — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Ndiro shoko resuŋgano yandakaita nemi, ŋguʋa yamakaɓuɗa Egipita, mŋeya waŋgu ucigere pakati penyu; regai kutya. Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Kamŋe cete, kwasara ciŋguʋa ciɗuku, ndicazunuŋgusa ɗeŋga rose, nenyika neguŋgwa, nenyika yakawoma; ndicazunuŋgusa ndudzi dzose; ɀose ɀinoɗikanwa nendudzi dzose ɀicaʋuya; ndicazadza imba ino nokubginya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Sirveri ndeyaŋgu, nendarama ndeyaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Kubginya kwokupedzisira kweimba ino kucapfuʋura kwokutaŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; panɀimbo ino ndicapa rugare — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Hagai 2:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)