Genesisi 9:12-17
Genesisi 9:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya: Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. Pose pandinouyisa makore pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore, ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose. Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.” Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.”
Genesisi 9:12-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mwari akati, “Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi. Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore, ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama. Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.” Mwari akati kuna Noa, “Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika.”
Genesisi 9:12-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose. Kana ndichinge ndauyisa makore panyika, muraraungu ukaonekwa mumakore, ndipo pandichayeuka chitenderano changu chandaita nemi nezvipenyu zvose, saka mvura haizombove mafashamo okuparadza zvinhu zvipenyu zvose. Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” Mwari akataurira Nowa achiti, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
Genesisi 9:12-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mŋari wakati: Ndico ciratidzo cesuŋgano yandinoita pakati paŋgu nemi neɀipenyu ɀose ɀinemi kuȿikira kumarudzi asiŋgaperi: Ndinoisa muraraʋuŋgu waŋgu mugore, kuti ciʋe ciratidzo cesuŋgano pakati paŋgu nenyika. Ɀino ndicati kana ndikaʋuyisa gore pamsoro penyika, muraraʋuŋgu uyu ukaʋonekwa mugore, ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu iri pakati paŋgu nemi, napakati peɀipenyu ɀose ɀenyama; mvura haicazoʋi zhinji ɀe kuti iparadze ɀose ɀenyama. Muraraʋuŋgu ucaʋa’po mugore; ndicautarira, kuti ndiraŋgarire suŋgano isiŋgaperi pakati paMŋari neɀipenyu ɀose ɀenyama ɀiri panyika. Mŋari akati kunaNoa: Ndico ciratidzo cesuŋgano yandakaita pakati paŋgu neɀose ɀenyama ɀiri panyika.
Genesisi 9:12-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)