Genesisi 8:20-22
Genesisi 8:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Noa akavakira Jehovha aritari, uye akatora dzimwe dzemhuka dzose dzakanaka neshiri dzakanaka, akabayira zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo. Jehovha akanzwa kunhuhwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukazve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita. “Kana nyika ichingovapo, nguva dzokudyara nedzokukohwa, kutonhora nokupisa, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingatongogumi.”
Genesisi 8:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Noa akavakira Jehovha atari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari. Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita. Nguva yose yenyika kudyara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingagumi.”
Genesisi 8:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nowa akavakira Tenzi atari. Akatora mhuka imwechete pamhando yoga yoga yemhuka neyeshiri dzisina kun'ora, akapira mipiro yokupisa paatari. Tenzi akanzwa kunhuhwirira kwayo akati nechemumwoyo, “Handichazorega nyika ichiwirwa norushambwa pamusana pomunhu, nokuti ndangariro dzomwoyo womunhu dzakaipa kubvira pauduku hwake. Handichazomboparadzazve zvinhu zvipenyu zvose sezvandakaita rwendo runo. “Kana pasi richiripo, mwaka wokudyara nowokukohwa, wokutonhora nowokudziya, wezhizha nowechando, nguva yamasikati nousiku, zvichagara zviripo.”
Genesisi 8:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Noa akaʋakira Jehova artari, akatora dzimŋe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira ɀipiriso ɀinopiswa paartari. Jehova akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehova akati mumŋoyo make: Handicazotuki ɀe nyika nokuɗa kwomunhu; nokuti kufuŋga kwomŋoyo womunhu kwakaipa kubva paʋuɗuku bgake; handicazoroʋi ɀe ɀipenyu ɀose, seɀandakaita. Ŋguʋa yose yenyika kudɀara nokuceka, kutonhora nokudziya, zhezha necando, masikati noʋusiku haɀiŋgagumi.
Genesisi 8:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)