Genesisi 8:15-22
Genesisi 8:15-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mwari akati kuna Noa, “Budai muareka, iwe nomukadzi wako navanakomana vako navakadzi vavo. Budisa mhando dzose dzezvisikwa zvipenyu zvaunazvo, shiri, mhuka nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, kuitira kuti zvibereke uye zvive zvizhinji pamusoro payo.” Saka Noa akabuda, pamwe chete navanakomana vake nomukadzi wake uye navakadzi vavanakomana vake. Mhuka dzose nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika neshiri dzose, zvinhu zvose zvinofamba panyika, zvakabuda muareka, rudzi ruchitevera rumwe. Ipapo Noa akavakira Jehovha aritari, uye akatora dzimwe dzemhuka dzose dzakanaka neshiri dzakanaka, akabayira zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo. Jehovha akanzwa kunhuhwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukazve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita. “Kana nyika ichingovapo, nguva dzokudyara nedzokukohwa, kutonhora nokupisa, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingatongogumi.”
Genesisi 8:15-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mwari wakataura naNoa akati, “Budai muareka, iwe, nomukadzi wako, navanakomana vako, navakadzi vavanakomana vako, pamwechete newe. Budisawo pamwechete newe zvipenyu zvose zvenyama zvinewe, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nezvinokambaira zvose, nezvinokambaira panyika, kuti zviwande panyika, zvibereke, zvive zvizhinji panyika.” Ipapo Noa akabuda, iye navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake pamwechete naye; nemhuka dzose, nezvinokambaira zvose, neshiri dzose, nezvose zvinofamba panyika, namarudzi azvo, zvakabuda paareka. Noa akavakira Jehovha atari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari. Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita. Nguva yose yenyika kudyara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingagumi.”
Genesisi 8:15-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akataurira Nowa kuti, “Chibuda zvako mungarava iwe nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. Ubudewo nezvinhu zvipenyu zvose zvaunazvo zvinoti, mhuka dzose neshiri nezvipfuwo nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi, zviite zararira kuwanda panyika, zviberekane zviwande panyika.” Saka Nowa nomudzimai wake navanakomana vake navaroora vake vakabuda. Mhuka dzose nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi neshiri dzose nezvose zvinofamba panyika zvakabuda mungarava zviri mhando nemhando. Nowa akavakira Tenzi atari. Akatora mhuka imwechete pamhando yoga yoga yemhuka neyeshiri dzisina kun'ora, akapira mipiro yokupisa paatari. Tenzi akanzwa kunhuhwirira kwayo akati nechemumwoyo, “Handichazorega nyika ichiwirwa norushambwa pamusana pomunhu, nokuti ndangariro dzomwoyo womunhu dzakaipa kubvira pauduku hwake. Handichazomboparadzazve zvinhu zvipenyu zvose sezvandakaita rwendo runo. “Kana pasi richiripo, mwaka wokudyara nowokukohwa, wokutonhora nowokudziya, wezhizha nowechando, nguva yamasikati nousiku, zvichagara zviripo.”
Genesisi 8:15-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋari wakataura naNoa, akati: Ƃuɗai muareka, iwe, nomukadzi wako, naʋanakomana ʋako, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋako, pamŋe cete newe. Ƃuɗisa ʋo pamŋe cete newe ɀipenyu ɀose ɀenyama ɀinewe, ɀinoti, shiri, neɀipfuwo, neɀinokambaira ɀose, neɀinokambaira panyika, kuti ɀiwande panyika, ɀiɓereke, ɀiʋe ɀizhinji panyika. Ipapo Noa akaɓuɗa, iye naʋanakomana ʋake, nomukadzi wake, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋake pamŋe cete naye; nemhuka dzose, neɀinokambaira ɀose, neshiri dzose, neɀose ɀinofamba panyika, namarudzi aɀo, ɀakaɓuɗa paareka. Noa akaʋakira Jehova artari, akatora dzimŋe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira ɀipiriso ɀinopiswa paartari. Jehova akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehova akati mumŋoyo make: Handicazotuki ɀe nyika nokuɗa kwomunhu; nokuti kufuŋga kwomŋoyo womunhu kwakaipa kubva paʋuɗuku bgake; handicazoroʋi ɀe ɀipenyu ɀose, seɀandakaita. Ŋguʋa yose yenyika kudɀara nokuceka, kutonhora nokudziya, zhezha necando, masikati noʋusiku haɀiŋgagumi.
Genesisi 8:15-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)