Genesisi 7:17-18
Genesisi 7:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mafashamu akaramba achingouya panyika kwamazuva makumi mana, uye mvura sezvayakaramba ichiwanda yakasimudza areka pamusoro-soro penyika. Mvura zhinji yakasimuka uye ikawanda zvikuru panyika, uye areka ikayangarara pamusoro pemvura.
Genesisi 7:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mvura zhinji ikavapo panyika mazuva ana makumi mana; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika. Mvura ikakwirira, ikawanda kwazvo panyika, areka ikafamba pamusoro pemvura.
Genesisi 7:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mvura zhinji yakaramba ichinaya pasi pose kwamazuva makumi mana. Yakawanda zvokuti yakasumudza ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakaita mafashafasha, ikatutumuka kuzara pasi pose, ngarava ikayangarara pamusoro pemvura.
Genesisi 7:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mvura zhinji ikaʋa’po panyika mazuʋa anamakumi manna; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamsoro penyika. Mvura ikakwirira, ikawanda kwaɀo panyika, areka ikafamba pamsoro pemvura.
Genesisi 7:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)