Genesisi 45:5-7
Genesisi 45:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu. Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa. Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru.
Genesisi 45:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu. Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.
Genesisi 45:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino regai zvenyu kusuruvara kana kuzvishatirirwa pamusana pokuti makanditengesa nokuti Mwari akafanondiunza kuno kuti ndibatsire kuchengetedza upenyu hwavanhu. Izvozvi tava mugore rechipiri renzara, asi kwasara mamwe makore mashanu achange asina munhu anozorima kana kukohwa. Asi Mwari akafanonditumira kuno kuti akuchengetedzerei chitsama chavanhu chinosara pasi pano uye, kuti pakati penyu vazhinji vapunyuke rufu zvinoshamisa.
Genesisi 45:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino musaɀidya mŋoyo, kana kuɀitsamŋira, ɀamakanditeŋgesera kuno; nokuti Mŋari wakandituma pamberi penyu, kuti ndiceŋgete ʋupenyu. Nokuti ɀino aʋa makore maʋiri enzara panyika ino; mamŋe makore mashanu aci’ko, aʋasiŋgazorimi nokukohwa nawo. Mŋari wakandituma pamberi penyu kuti ndikuceŋgetei, muʋe naʋamŋe ʋacasara panyika, ndikuraramisei kuti musunuŋgurwe nokusunuŋgurwa kukuru.
Genesisi 45:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)