Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 45:4-15

Genesisi 45:4-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti. Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu. Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru. Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeIjipiti. Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, ‘Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weIjipiti rose; burukirai kwandiri musanonoka; mugare panyika yeGosheni, mugova pedyo neni, imi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo; ndichakuchengetaipo, nokuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.’ Tarirai meso enyu anoona, nameso omun'una wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri. Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kwose paIjipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.” Akawira pamutsipa waBhenjamini, mun'una wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake. Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 45

Genesisi 45:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti! Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu. Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa. Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru. “Saka zvino, hamusimi makandituma kuno, asi Mwari. Akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose. Zvino kurumidzai mudzokere kuna baba vangu mundoti kwavari, ‘Zvanzi nomwanakomana wenyu Josefa: Mwari akandiita ishe weIjipiti yose. Burukai muuye kwandiri; musanonoka. Muchandogara munyika yeGosheni muve pedyo neni, imi, vana venyu navazukuru venyu, zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu nezvose zvamunazvo. Ndichakuriritirai ikoko, nokuti mamwe makore mashanu enzara ari kuuya. Kana zvikasadaro imi neveimba yenyu navose vamunavo mungazova varombo.’ “Muri kuzvionera pachenyu, uye kana mununʼuna wangu uyu Bhenjamini, kuti ndini chaiye ari kutaura nemi. Muudze baba vangu pamusoro pokukudzwa kwangu muIjipiti uye napamusoro pezvinhu zvose zvamaona. Uye muuye nababa vangu kuno nokukurumidza.” Ipapo akawira pamutsipa womununʼuna wake Bhenjamini akachema, uye Bhenjamini akamumbundikirawo achichema. Uye akatsvoda madzikoma ake ose uye akachema pamusoro pavo. Shure kwaizvozvo, madzikoma ake akataura naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 45

Genesisi 45:4-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Josefi akataurira vakoma navanun'una vake achiti, “Chiswederai zvenyu kuno.” Ivo ndokuswedera. Akati, “Ndini Josefi munun'una wenyu, wamakatengesa kuno kuIjipiti. Zvino regai zvenyu kusuruvara kana kuzvishatirirwa pamusana pokuti makanditengesa nokuti Mwari akafanondiunza kuno kuti ndibatsire kuchengetedza upenyu hwavanhu. Izvozvi tava mugore rechipiri renzara, asi kwasara mamwe makore mashanu achange asina munhu anozorima kana kukohwa. Asi Mwari akafanonditumira kuno kuti akuchengetedzerei chitsama chavanhu chinosara pasi pano uye, kuti pakati penyu vazhinji vapunyuke rufu zvinoshamisa. Saka hamusirimi makandiunza kuno, asi zvakaitwa naMwari. Ndiye akandigadza ndikava jinda guru raFarao. Ndini changamire mumuzinda wamambo. Ndini ndinotonga nyika yake yose yeIjipiti. “Chikurumidzai kuenda kuna baba vangu mundoti, ‘Zvanzi nomwana wenyu Josefi, Mwari akandiita changamire weIjipiti yose, uyai zvenyu kuno kwandiri, musanonoke. Mungazogara zvenyu mudunhu reGosheni, muve pedyo neni munozogarako navana navazukuru venyu nemombe dzenyu nezvimwe zvipfuwo zvenyu nezvose zvamunazvo. Ndichakuchengetai muri kuGosheni ikoko nokuti kuchine mamwe makore mashanu enzara. Mungadaro mukapinda muurombo imi nemhuri dzenyu nezvipfuwo zvenyu.’ “Handiti muri kuzvionera nameso enyu newewo Bhenjamini munun'una wangu kuti ndini Josefi chaiye ndiri kutaura nemi nomuromo wangu. Endai mundoudza baba wangu zvose zvoushe hwangu hwomuIjipiti. Vaudzeiwo zvose zvamaona mozokurumidza kuuya navo baba kuno.” Josefi akambundirana naBhenjamini munun'una wake akabva ahwihwidza kuchema, Bhenjamini ndokuhwihwidzawo. Ipapo Josefi akatsvoda vakoma vake vose achihwihwidza kuchema. Vakoma vake vakazokurukura naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 45

Genesisi 45:4-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ƌosweɗerai henyu kwandiri. Ɀino ʋakasweɗera. Iye akati: Ndini Josefa, mŋana waɓaɓa ʋenyu wamakateŋgesa ndikaiswa Egipita. Ɀino musaɀidya mŋoyo, kana kuɀitsamŋira, ɀamakanditeŋgesera kuno; nokuti Mŋari wakandituma pamberi penyu, kuti ndiceŋgete ʋupenyu. Nokuti ɀino aʋa makore maʋiri enzara panyika ino; mamŋe makore mashanu aci’ko, aʋasiŋgazorimi nokukohwa nawo. Mŋari wakandituma pamberi penyu kuti ndikuceŋgetei, muʋe naʋamŋe ʋacasara panyika, ndikuraramisei kuti musunuŋgurwe nokusunuŋgurwa kukuru. Ɀino hamuzi’mi makandituma pano, asi Mŋari; iye wakandiita ɓaɓa kunaFarao nashe weimba yake yose, nomuɓati wenyika yose yeEgipita. Kurumidzai, mukwire kunaɓaɓa ʋaŋgu, mundoti kwaʋari: Ɀanzi naJosefa, mŋanakomana wenyu: Mŋari wakandiita ishe weEgipita rose; ɓurukirai kwandiri, musanonoka; mugare panyika yeGosheni, mugoʋa pedyo neni, imi, naʋanakomana ʋenyu, naʋana ʋaʋona ʋenyu, namakwai enyu, neŋombe dzenyu, neɀose ɀamunaɀo; ndicakuceŋgetai’po, nokuti mamŋe makore mashanu enzara aci’po, kuti murege kuzoʋa ʋarombo, imi, naʋeimba yenyu, neɀose ɀamunaɀo. Tarirai, meso enyu anoʋona, nameso omunuŋuna waŋgu Benjamini, kuti muromo waŋgu unotaura kwamuri Mundoʋudza ɓaɓa ʋaŋgu kukudzwa kwaŋgu kwose paEgipita, neɀose ɀamaʋona; mukurumidze kuɓurusira ɓaɓa ʋaŋgu kuno. Akawira pamutsipa waBenjamini, munuŋuna wake, akacema; naiye Benjamini akacema pamutsipa wake. Akaȿeta ʋakoma ʋake ʋose, akacema pamsoro paʋo; shure kwaiɀoɀo ʋakoma ʋake ʋakataura naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 45

Genesisi 45:4-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)