Genesisi 45:1-7
Genesisi 45:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, “Munhu wose ngaabve pamberi pangu!” Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake. Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo. Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake. Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti! Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu. Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa. Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru.
Genesisi 45:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, “Budisai vanhu vose vari pano neni.” Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake. Akachema kwazvo, vaIjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo. Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, “Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?” Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake. Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti. Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu. Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.
Genesisi 45:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Josefi akatadza kuzvisimbisa ari mberi kwavanhu vaivapo akadaidzira achiti, “Vamwe vanhu mose chimbobudai zvenyu panze.” Josefi akasara achizivisa kuvakoma navanun'una vake kuti iye ndiani. Akachema nezwi guru zvokuti vaIjipiti navanhu vomumuzinda waFarao vakamunzwa. Josefi akaudza vakoma navanun'una vake kuti, “Ndini Josefi! Baba vangu vachiri vapenyu here?” Vakoma navanun'una vake vakashaya romuromo nazvo ndokuti tuzu voshamiswa kuti inga chokwadi ndiye. Josefi akataurira vakoma navanun'una vake achiti, “Chiswederai zvenyu kuno.” Ivo ndokuswedera. Akati, “Ndini Josefi munun'una wenyu, wamakatengesa kuno kuIjipiti. Zvino regai zvenyu kusuruvara kana kuzvishatirirwa pamusana pokuti makanditengesa nokuti Mwari akafanondiunza kuno kuti ndibatsire kuchengetedza upenyu hwavanhu. Izvozvi tava mugore rechipiri renzara, asi kwasara mamwe makore mashanu achange asina munhu anozorima kana kukohwa. Asi Mwari akafanonditumira kuno kuti akuchengetedzerei chitsama chavanhu chinosara pasi pano uye, kuti pakati penyu vazhinji vapunyuke rufu zvinoshamisa.
Genesisi 45:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Josefa haana‐kugona kuɀidzora pamberi paʋose ʋakaŋga ʋamire naye, akaɗana, aciti: Ƃuɗisai ʋanhu ʋose ʋari pano neni. Ɀino kwakaŋga kusinomunhu wakamira naye Josefa aciɀiziʋisa kuʋana ʋaɓaɓa ʋake. Akacema kwaɀo, ʋaEgipita naʋeimba yaFarao ʋakaɀinzwa ʋo. Ipapo Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ndini Josefa! Ƃaɓa ʋaŋgu ʋaciri ʋapenyu here — Ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakasagona kumupindura, nokuti ʋakaŋga ʋacitya pamberi pake. Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ƌosweɗerai henyu kwandiri. Ɀino ʋakasweɗera. Iye akati: Ndini Josefa, mŋana waɓaɓa ʋenyu wamakateŋgesa ndikaiswa Egipita. Ɀino musaɀidya mŋoyo, kana kuɀitsamŋira, ɀamakanditeŋgesera kuno; nokuti Mŋari wakandituma pamberi penyu, kuti ndiceŋgete ʋupenyu. Nokuti ɀino aʋa makore maʋiri enzara panyika ino; mamŋe makore mashanu aci’ko, aʋasiŋgazorimi nokukohwa nawo. Mŋari wakandituma pamberi penyu kuti ndikuceŋgetei, muʋe naʋamŋe ʋacasara panyika, ndikuraramisei kuti musunuŋgurwe nokusunuŋgurwa kukuru.
Genesisi 45:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)