Genesisi 42:5-7
Genesisi 42:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka vanakomana vaIsraeri vakanga vari pakati pavaya vakaenda kundotenga zviyo, nokuti nzara yakanga iri munyika yeKenaniwo. Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesa zviyo kuvanhu vayo vose. Saka madzikoma aJosefa akati asvika, vakakotamira pasi kwaari nezviso zvavo. Josefa achingoona madzikoma ake, akavaziva, asi akaita seasingavazivi uye akataura navo nehasha. Akati, “Munobvepi imi?” Ivo vakati, “Tinobva kunyika yeKenani, tauya kuzotenga zvokudya.”
Genesisi 42:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani. Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi. Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, “Mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya.”
Genesisi 42:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro vanakomana vaJakobho vakauya kuzotenga zvokudya pamwechete navamwe vanhu vakanga vachiuyawo ikoko nokuti muKanani makanga mave nenzara. Josefi aiva changamire munyika yeIjipiti. Ndiye aitengesera vanhu vose venyika iyoyo zvokudya. Vakoma vaJosefi vakasvikomugwadamira uso vakati pasi kota kota vachimuremekedza. Josefi akaona vakoma vake akavaziva, asi akavabata sevatorwa akataura navo achivajinyura achiti, “Mabva kupiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKanani, tauya kuzotenga zvokudya.”
Genesisi 42:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanakomana ʋaIsraeri ʋakaʋuya kuzoteŋga pakati paʋamŋe ʋaiʋuya, nokuti nzara yakaŋga iri’po panyika yeKanani. Ɀino Josefa wakaŋga ari muɓati wenyika; ndiye waiteŋgesera ʋanhu ʋose ʋenyika; ʋakoma ʋaJosefa ʋakaʋuya, ʋakamufugamira, ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi. Josefa akaʋona ʋakoma ʋake, akaʋaziʋa, asi wakaita saasiŋgaʋaziʋi, akataura nehasha naʋo, akati kwaʋari: Mabvepiko — Iʋo ʋakati: Tabva kunyika yeKanani kuzoteŋga ɀokudya.
Genesisi 42:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)