Genesisi 42:14-26
Genesisi 42:14-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Josefa akati kwavari, “Ndizvo chaizvo zvandataura kwamuri ndichiti: Muri vasori imi! Uye aya ndiwo maedzerwo amuchaitwa: Zvirokwazvo noupenyu hwaFaro, hamuchabvi panzvimbo ino kunze kwokunge mununʼuna wenyu gotwe auya pano. Tumai mumwe wenyu kuti andotora mununʼuna wenyu gotwe; vamwe vose vachachengetwa mutorongo, kuti mashoko enyu aedzwe kuti zvionekwe kana muchitaura chokwadi. Kana zvisina kudaro, ipapo zvirokwazvo naFaro mupenyu, muri vasori!” Uye akavaisa vose mutorongo kwamazuva matatu. Pazuva rechitatu, Josefa akati kwavari, “Itai izvi kuti mugorarama, nokuti ndinotya Mwari. Kana muri vanhu vakatendeka, regai mumwe wenyu agare muno mutorongo, asi vamwe venyu vaende nezviyo kumhuri dzenyu dziri kuziya. Asi munofanira kuuya nomununʼuna wenyu gotwe kwandiri, kuitira kuti mashoko enyu asimbiswe uye kuti murege kufa.” Izvi vakazviita. Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tava kurangwa nokuda kwomununʼuna wedu. Takaona kutambudzika kwaakaita paakatikumbira kuti tirege kumuuraya, asi isu hatina kumuteerera; ndokusaka nhamo iyi yauya pamusoro pedu.” Rubheni akapindura akati, “Ko, handina kukuudzai here kuti murege kutadzira mukomana? Asi hamuna kuda kunditeerera! Zvino tinofanira kuzvidavirira nokuda kweropa rake.” Havana kuziva kuti Josefa aigona kuvanzwisisa, sezvo akanga achishandisa mududziri. Akabva pavari akatanga kuchema, asi pakarepo akadzoka kwavari akatauriranazve navo. Akaita kuti Simeoni atorwe kubva pakati pavo uye kuti asungwe vakatarisa. Josefa akarayira kuti masaga avo azadzwe nezviyo, vaise mari yomumwe nomumwe musaga rake, uye kuti vapiwe mbuva yorwendo rwavo. Shure kwokuitirwa kwavo izvi, vakatakudza mbongoro dzavo zviyo vakaenda.
Genesisi 42:14-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Josefa akati kwavari, “Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori; hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana mun'una wenyu worugotwe asina kuuya pano. Tumai mumwe wenyu kuti andotora mun'una wenyu, asi imi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.” Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe mazuva matatu. Josefa akati kwavari nezuva retatu, “Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari; kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanunguna venyu ngaagare akasungwa mutorongo yenyu; asi imi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara. Mugouya nomun'una wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa.” Vakaita saizvozvo. Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomun'una wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutambudzika.” Ipapo Rubheni akapindura, akati, “Handina kukuudzai here, ndichiti, ‘Regai kutadzira mwana,’ mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.” Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo. Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simeoni pakati pavo, akamusunga vachizviona. Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo. Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda.
Genesisi 42:14-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Josefi akati, “Ndokusaka ndati muri vasori. Ndinopika namambo Farao! Imi hamubve pano kana munun'una wenyu muduku asina kuuya pano. Ndipo pandichaziva kuti muri kutaura chokwadi. Tumai mumwe wenyu andotora munun'una wenyu, asi imi vamwe mose muchasara muusungwa. Ndipo patichazoziva kuti muri kureva chokwadi here kana kuti kwete. Kana zvisina kudaro, ndinopika naFarao, muri vasori.” Josefi akabva avaisa vose mujeri kwamazuva matatu. Kuzoti mazuva matatu apera Josefi akati, “Ini ndinotya Mwari. Kana muchida kurarama chiitai zvandichareva. Kana muri vanhu vanovimbika mumwe wenyu ngaasare ari mujeri. Vamwe vose moenda zvenyu nezvokudya zvokundopa mhuri dzenyu dzine nzara, mozouya kwandiri nomunun'una wenyu wokupedzesera ndipo pachaonekwa kana zvamuri kutaura zviri zvechokwadi, murege kufa.” Vakaita saizvozvo. Vakataurirana pachavo vachiti, “Mazvionaka! Isu takapara mhaka pamusana pomunun'una wedu wataiona achitambudzika achiteterera isu tikarega kuita hanya naye. Saka nhasi uno zvatiwirawo.” Ipapo Rubheni akavati, “Muchiri kuyeuka here zuva riya randakati kwamuri regai kuitira mwana zvakaipa, mukaramba kunditeerera? Zvino maonaka ropa romunun'una wedu rava kutipfukira.” Vakanga vasingazivi kuti Josefi ainzwa zvavaitaurirana nokuti Josefi akanga achiturikirwa. Josefi akasuduruka akandosvimha misodzi. Akadzokazve akataura navo, akazotora Simeoni ndokumusunga, vamwe vose vachizviona. Josefi akarayira kuti tsapo dzavo dzizadzwe nembesanwa. Akatiwo mari yomumwe nomumwe idzoserwe mutsapo yake, vapiwewo mbuva yaparwendo. Vakaitirwa saizvozvo. Ipapo vakatakudza madhongi avo tsapo dzembesanwa vakapinda munzira.
Genesisi 42:14-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Josefa akati kwaʋari: Ndiɀo ɀandandicitaura kwamuri, ndiciti, muri ʋashori; heci cinhu camucaidzwa naco: Noʋupenyu bgaFarao, hamuŋgaɓuɗi pano kana munuŋuna wenyu worugotwe asina‐kuʋuya pano. Tumai mumŋe wenyu kuti andotora munuŋuna wenyu, asi imi mucafanira kugara makasuŋgwa, kuti mashoko enyu aidzwe, kana makatendeka; kana ɀisina‐kuɗaro, ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaFarao muri ʋashori. Ipapo akaʋaisa pamŋe cete ʋose mutoroŋgo, kuti ʋaceŋgetwe mazuʋa matatu. Josefa akati kwaʋari nezuʋa retatu: Itai cinhu ici, mupone; ini ndinotya Mŋari; kana muri ʋanhu ʋakatendeka, mumŋe waʋanuŋuna ʋenyu ŋgaagare akasuŋgwa mutoroŋgo yenyu; asi imi endai makatakura ɀiyo kundopa mhuri dzenyu dzinenzara. Mugoʋuya nomunuŋuna wenyu worugotwe kwandiri; naiɀoɀo mashoko enyu acasimbiswa, murege kufa. Ʋakaita saiɀoɀo. Ʋakataurirana ʋaciti: Ɀirokwaɀo tinemhoȿa nokuɗa kwomunuŋuna weɗu, nokuti takaʋona kutambudzika kwomŋeya wake musi uya waakatinyeŋgetera, tikaramba kumuterera; naiɀoɀo tawirwa nokutambudzika uku. Ipapo Rubeni akapindura, akati: Handina‐kukuʋudzai here, ndiciti: Regai kutadzira mŋana, mukaramba kunditerera — Naiɀoɀo tarirai, ropa rake rotȿakwa. Ɀino ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti Josefa unonzwisisa, nokuti kwaŋga kunomupinduri pakati paʋo. Ipapo Josefa akabva kwaʋari, akacema; akadzokera ɀe kwaʋari, akataura naʋo, akatora Simeoni pakati paʋo, akamusuŋga ʋaciɀiʋona. Josefa akaraira kuti midziyo yaʋo izadzwe neɀiyo, ʋuye kuti mumŋe nomumŋe adzoserwe mari yake muhomo yake, ʋuye kuti ʋapiwe ʋo mbuʋa yokufamba nayo; ʋakaitirwa saiɀoɀo. Ipapo ʋakatakudza mboŋgoro dzaʋo ɀiyo ɀaʋo, ʋakaenda.
Genesisi 42:14-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)