Genesisi 4:1-5
Genesisi 4:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.” Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu. Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha. Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake, asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana.
Genesisi 4:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.” Akazoponazve mun'una wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu. Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha. NaAbherowo akauya namakwayana ake ematangwe akakorawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake; asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana.
Genesisi 4:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.” Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi. Gare gare Kaini akaunza zvimwe zvirimwa zvake akapira kuna Tenzi. Abhero akaunzawo nyama yakakora yehwayana pahwayana dzake sheshe dzamatangwe. Tenzi akafadzwa naAbhero nomupiro wake. Asi haana kufadzwa naKaini kana nomupiro wake. Kaini akatsamwa zvikuru akafundumwara.
Genesisi 4:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Adama wakaziʋa mukadzi wake Eva; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati: Ndawana munhu, ndiciɓatsirwa naJehova. Akazopona ɀe munuŋuna wake Aberi. Aberi wakaŋga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakaŋga ari murimi wevu. Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, Kaini akaʋuya neɀiɓereko ɀevu, ciʋe cipo kunaJehova. NaAberi ʋo akaʋuya namakwaiana ake emhoŋgora namafuta awo. Jehova ndokugamucira Aberi necipiriso cake; asi Kaini necipiriso cake haana‐kucigamucira. Ipapo Kaini akatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikawunyana.
Genesisi 4:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)