Genesisi 4:1-12
Genesisi 4:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.” Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu. Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha. Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake, asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana? Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.” Zvino Kaini akati kumununʼuna wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa mununʼuna wake Abheri akamuuraya. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?” Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu. Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romununʼuna wako kubva paruoko rwako. Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.”
Genesisi 4:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.” Akazoponazve mun'una wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu. Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha. NaAbherowo akauya namakwayana ake ematangwe akakorawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake; asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Watsamwireiko? Chiso chako chakaunyana nei? Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwandira pamusuo; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.” Zvino Kaini wakataurirana nomun'una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero mun'una wake, akamuuraya. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Arikupiko Abhero, mun'una wako?” Iye akati, “Handizivi, ndini mufudzi womun'una wangu here?” Akati, “Waiteiko? Izwi reropa romun'una wako rinodaidzira kwandiri panyika. Zvino watukwa, wadzingwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romun'una wako paruoko rwako; kana uchirima ivhu, haringakupi simba raro; uchava mutizi nomudzungairi panyika.”
Genesisi 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.” Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi. Gare gare Kaini akaunza zvimwe zvirimwa zvake akapira kuna Tenzi. Abhero akaunzawo nyama yakakora yehwayana pahwayana dzake sheshe dzamatangwe. Tenzi akafadzwa naAbhero nomupiro wake. Asi haana kufadzwa naKaini kana nomupiro wake. Kaini akatsamwa zvikuru akafundumwara. Tenzi akabvunza Kaini achiti, “Watsamwireiko? Wapfundumwarireiko? Handiti kana ukaita zvakanaka unogamuchirwawo here? Asi nokuti hauna kuita zvakanaka, chitadzo chakugaririra pamusuo, chichikutsvaka. Asi iwe unofanira kuchikunda, uchitonge.” Kaini akazotaurirana nomunun'una wake Abhero achiti, “Ngatimboendaika zvedu musango.” Ikoko Kaini akamukira munun'una wake, Abhero akamuuraya. Mwari akazobvunza Kaini achiti, “Ko munun'una wako, Abhero aripiko?” Kaini akati, “Handizivi. Ko ndini muchengeti womunun'una wangu here?” Mwari akati, “Ko izvozvi uri kuti waiteiko? Ropa romunun'una wako radeukira pasi, riri kuchema kwandiri. Chinzwa, wapinda rushambwa rwokudzingwa munyika ino yashama muromo wayo ikanwa ropa romunun'una wako rawadeura, iyewe noruoko rwako. Kana ukarima, nyika hapana chainokupa. Uchava swerakuenda nomudzungairi panyika.”
Genesisi 4:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Adama wakaziʋa mukadzi wake Eva; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati: Ndawana munhu, ndiciɓatsirwa naJehova. Akazopona ɀe munuŋuna wake Aberi. Aberi wakaŋga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakaŋga ari murimi wevu. Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, Kaini akaʋuya neɀiɓereko ɀevu, ciʋe cipo kunaJehova. NaAberi ʋo akaʋuya namakwaiana ake emhoŋgora namafuta awo. Jehova ndokugamucira Aberi necipiriso cake; asi Kaini necipiriso cake haana‐kucigamucira. Ipapo Kaini akatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikawunyana. Ipapo Jehova akati kunaKaini: Watsamŋireiko? Ciso cako cakawunyana nei? Kana ukaita ɀakanaka, hauŋgafari here paciso cako? Kana usiŋgaiti ɀakanaka, ɀiʋi ɀinokuʋandira pamukoʋa; ɀicakutȿaka, asi iwe unofanira kuɀikunda. Ɀino Kaini wakataurirana nomunuŋuna wake Aberi; ʋakati ʋari kusaŋgo, Kaini ndokumukira Aberi munuŋuna wake, akamuʋuraya. Ipapo Jehova akati kunaKaini. Uripiko Aberi, munuŋuna wako? Iye akati: Handiziʋi; ndini mufudzi womunuŋuna waŋgu kanhi? Akati: Waiteiko? Inzwi reropa romunuŋuna wako rinoɗanidzira kwandiri panyika. Ɀino watukwa, wadziŋgwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamucira ropa romunuŋuna wako paruʋoko rwako; kana ucirima ivu, hariŋgakupi simba raro; ucaʋa mutizi nomudzuŋgairi panyika.
Genesisi 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)