Genesisi 39:2-5
Genesisi 39:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire, uye aigara mumba momuIjipita, tenzi wake. Tenzi wake akati achiona kuti Jehovha akanga anaye uye kuti Jehovha akamuita kuti abudirire muzvinhu zvose zvaakanga achiita, Josefa akawana nyasha pamberi pake uye akava mubatiri wake. Potifa akamuita kuti ave mutariri weimba yake, uye akamuita muchengeti wezvinhu zvose zvakanga zviri zvake. Kubvira panguva yaakamuisa kuti ave mutariri weimba yake nowezvinhu zvose zvaaiva nazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipita nokuda kwaJosefa. Maropafadzo aJehovha akanga ari pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zviri zvaPotifa, zvose mumba nomumunda.
Genesisi 39:2-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muIjipiti. Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake. Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake. Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.
Genesisi 39:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi aiva naJosefi. Naizvozvo akabudirira kwazvo agere mumba matenzi wake wechiIjipiti. Potifari akaona kuti Tenzi akanga aina Josefi. Akaonawo kuti Tenzi ndiye aibatsira Josefi pazvinhu zvose zvaaiita, kuti zvibudirire. Potifari akafadzwa naJosefi. Akamuita mutariri wezvemba yake zvose, akaturirawo mumaoko ake zvose zvaaiva nazvo. Kubva panguva iyoyo yaakamuita mutariri wezvemba yake zvose, nezvose zvaaiva nazvo, Tenzi akakomborera mhuri yaPotifari pamusana paJosefi. Tenzi akakomborerawo upfumi hwake hwose hwaiva mumusha nehwaiva muminda.
Genesisi 39:2-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova ɀino wakaŋga anaJosefa, akaramba acikwirira; akagara mumba matenzi wake, muEgipita. Tenzi wake akaʋona kuti Jehova unaye, ʋuye kuti Jehova wakafambisa ɀakanaka ɀose ɀaaiita namaʋoko ake. Josefa akawana nyasha kwaari, akamuɓatira; iye akamuita mutariri weimba yake; ɀose ɀaakaŋga anaɀo akaɀiisa pamaʋoko ake. Ɀino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowaɀose ɀaakaŋga anaɀo, Jehova akaropafadza imba yomuEgipita nokuɗa kwaJosefa; kuropafadza kwaJehova kwakaŋga kuri pamsoro peɀose ɀaakaŋga anaɀo mumba nokumunda.
Genesisi 39:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)