Genesisi 39:13-23
Genesisi 39:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati aona kuti asiya jasi rake muruoko rwake uye kuti akanga abuda kunze kwemba, akadanidzira kuvashandi, akati, “Tarirai, muHebheru uyu akauyiswa kwatiri kuti azotidadira! Apinda muno kuti azovata neni, asi ndaridza mhere. Paanzwa ndoridza mhere kuti ndibatsirwe, abva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.” Akachengeta jasi rake parutivi pake kusvikira tenzi wake auya kumba. Ipapo akamutaurira nyaya iyi akati, “Uya muranda wechiHebheru wamakauyisa kwatiri akauya kwandiri kuti azondidadira. Asi pandangoridza mhere kuti ndibatsirwe, akabva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.” Tenzi wake akati anzwa nyaya yaakaudzwa nomukadzi wake achiti, “Izvi ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wako,” akavira nehasha. Tenzi waJosefa akamutora akamuisa mutorongo, nzvimbo yaichengeterwa vasungwa vamambo; saka akava mutorongo. Jehovha akava naJosefa; akamunzwira tsitsi akamuitira nyasha pamberi pomutariri womutorongo. Saka mutariri womutorongo akaita kuti Josefa ave mutariri wavose vaiva vakabatwa mutorongo, uye ndiye aiona nezvose zvaiitwa imomo. Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chipi zvacho chaiva pasi paJosefa, nokuti Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire pane zvose zvaaiita.
Genesisi 39:13-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati achiona kuti asiya nguo yake muruoko rwake, atiza, aenda, akadana varume veimba yake, akataura navo akati, “Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neizwi guru. Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatiza, akabuda panze.” Akachengeta nguo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba. Akataura kwaari mashoko iwayo akati, “Muranda muHebheru awakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire. Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatizira panze.” Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, “Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako,” hasha dzake dzikamuka. Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo. Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo. Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo. Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.
Genesisi 39:13-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mudzimai uyu paakaona kuti Josefi apukunyura akasiya hanzu yake muruoko rwake achitizira panze, akadaidza varanda vepamba pake vechirume akavati, “Mazvionaka! MuHebheru uyu watakaunzirwa ava kutivirimira. Auya achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere. Zvaanzwa mhere yandaridza asiya hanzu yake akabva atizira panze.” Mudzimai uyu akachengeta hanzu yaJosefi kusvikira tenzi wake vadzokera kumba. Akamutaurira kuti, “Muranda uyu wechiHebheru wamakatiunzira pano, auya kuzondivirimira. Asi pandaridza mhere abva asiya hanzu yake akatizira panze.” Tenzi wake akatsamwa zvikuru paakanzwa zvakataurwa achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wenyuka izvi.” Akabva aisa Josefi mujeri maisipfigirwa vasungwa vamambo. Nokudaro Josefi akapfigirwa mujeri akagaramo. Asi Tenzi aiva naJosefi, akaramba achimuitira mwoyochena, akaita kuti mutariri wejeri amuitire mwoyo wakanaka. Mutariri wejeri akaisa vasungwa vose vakanga vari mujeri mumaoko aJosefi. Zvose zvaiitwa mujeri zvaitariswawo naJosefi. Mutariri wejeri haaimbozvinetsa nezvinhu zvaitariswa naJosefi nokuti Tenzi aiva naJosefi achimubatsira kuti zvose zvaaiita zvibudirire.
Genesisi 39:13-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati aciʋona kuti wasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, atiza, aenda, akaɗana ʋarume ʋeimba yake, akataura naʋo, akati: Tarirai, iye wakaʋuyisa muHeberu pakati peɗu kuti atiɗaɗire; wakapinda kwandiri, kuti aʋate neni, ndikaridza mhere nenzwi guru. Ɀino wakati acinzwa kuti ndinoɗanidzirisa ndiciridza mhere, akasiya ŋguʋo yake neni, akatiza, akaɓuɗa panze. Akaceŋgeta ŋguʋo yake kuȿikira tenzi wake acipinda mumba. Akataura kwaari mashoko iwayo akati: Muranda muHeberu wawakaisa pakati peɗu, wakaʋuya kwandiri kuti andiɗaɗire. Ndikaɗanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya ŋguʋo yake neni, akatizira panze. Tenzi wake wakati acinzwa mashoko aakaʋudzwa nomukadzi wake, aciti: Ndiɀo ɀandakaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka. Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutoroŋgo, paisuŋgwa ʋasuŋgwa ʋamambo; akaʋa mutoroŋgo. Asi Jehova wakaʋa naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ŋgoni nomutariri wetoroŋgo. Mutariri wetoroŋgo akapa mumaʋoko aJosefa ʋasuŋgwa ʋose ʋakaŋga ʋari mutoroŋgo; iye wakaŋga ari muiti weɀose ɀaiitwa’mo. Mutariri wetoroŋgo wakaŋga asinehanya necinhu cakaŋga ciri pamaʋoko ake, nokuti Jehova wakaŋga anaye; ɀose ɀaaiita, Jehova wakaɀiruramisa.
Genesisi 39:13-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)