Genesisi 38:25-26
Genesisi 38:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna vatezvara vake akati, “Ndine mimba yomuridzi wezvinhu izvi.” Uye akatizve, “Onai kana mungaziva mwene wemhete yechisimbiso iyi norutambo rwayo, netsvimbo iyi.” Judha akazviziva uye akati, “Iye akarurama kupfuura ini, sezvo ndanga ndisingadi kumupa kumwanakomana wangu Shera.” Uye haana kuzovata naye zvakare.
Genesisi 38:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachiuya naye, akatuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, “Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, ‘Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwonzi, netsvimbo.’ ” Judha akazviziva, akati, “Iye wakarurama kukunda ini, nokuti handina kumupa Shera, mwanakomana wangu.” Haana kuzomuzivazve.
Genesisi 38:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakandoti vauye naTamari kudaro, iye Tamari akatuma shoko kuna vatezvara vake rokuti, “Ndava napamuviri pomuridzi wezvinhu izvi. Doongororai nyembe nomudonzvo mugoona kuti ndezvaani.” Judha akaziva zvinhu zvake zviye akati, “Tamari haana mhosva. Ini ndini ndine mhosva. Handina kuzoti Shera mwana wangu amutore.”
Genesisi 38:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋaciʋuya naye, akatuma shoko kunaɓaɓa ʋomurume wake, aciti: Ndinemimba nomurume unenhumbi idzi; akati: Ƌocerekedzai kuti iɀi ndeɀani, ɀinoti, cimhete, norwonzi, netȿimbo. Juda akaɀiziʋa, akati: Iye wakarurama kukunde’ni, nokuti handina‐kumupa Shera, mŋanakomana waŋgu. Haana‐kuzomuziʋa ɀe.
Genesisi 38:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)