Genesisi 37:9-10
Genesisi 37:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvanga zvichindipfugamira.” Paakaudza baba vake pamwe chete namadzikoma ake, baba vake vakamutsiura vakati, “Kurotai kwawakaita uku? Ko, mai vako neni namadzikoma ako tichauya kuzokupfugamira here iwe zvirokwazvo?”
Genesisi 37:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.” Asi paakaudza baba vake navakoma vake izvozvo, baba vake vakamutsiura vachiti, “Ko iwe dzako ihopei dzaunongoti ndarota ndarota? Heya unoreva kuti ini namai vako navakoma vako, chaizvoizvo tichazogwadamira iwe nhai?”
Genesisi 37:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, “Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.” Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, “Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kani?”
Genesisi 37:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.” Asi paakaudza baba vake navakoma vake izvozvo, baba vake vakamutsiura vachiti, “Ko iwe dzako ihopei dzaunongoti ndarota ndarota? Heya unoreva kuti ini namai vako navakoma vako, chaizvoizvo tichazogwadamira iwe nhai?”
Genesisi 37:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akapamha kurota ɀe, akaʋudza ʋakoma ʋake, akati: Tarirai, ndarota ɀe dzimŋe hope; ndakaʋona zuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi dzinegumi neimŋe, dzicikotamira pamberi paŋgu. Akaʋudza ɓaɓa ʋake naʋakoma ʋake iɀoɀo; ɓaɓa ʋake ʋakamutuka, ʋakati kwaari: Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi — Ini namai ʋako naʋakoma ʋako ticaʋuya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?