Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 34:1-31

Genesisi 34:1-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Dhaina, mwanasikana akaberekerwa Jakobho naRea, akabuda kundoshanyira madzimai enyika iyo. Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, mutongi wenzvimbo iyo, akati amuona, akamumanikidza akavata naye, uye akamunyadza. Mwoyo wake wakadokwairira Dhaina mwanasikana waJakobho, uye aida musikana uyu, uye akataura naye zvinyoronyoro. Saka Shekemu akati kuna Hamori baba vake, “Nditorerei musikana uyu kuti ave mukadzi wangu.” Jakobho paakanzwa kuti mwanasikana wake Dhaina akanga asvibiswa, vanakomana vake vakanga vari kusango nezvipfuwo zvake; saka akanyarara pamusoro pazvo kusvikira vauya kumba. Ipapo Hamori baba vaShekemu vakabuda kundotaura naJakobho. Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa. Asi Hamori akati kwavari, “Mwanakomana wangu Shekemu anodokwairira mwanasikana wenyu. Ndapota mupei henyu iye kuti ave mukadzi wake. Ngatiwaniranei; tipei vanasikana venyu uye imiwo mutore vanasikana vedu. Munogona henyu kugara pakati pedu; nyika iri pamberi penyu. Garaimo, tengesaimo, uye muve nepfuma murimo.” Ipapo Shekemu akati kuna baba vaDhaina nokuhanzvadzi dzake, “Regai ndiwane nyasha pamberi penyu, uye ndichakupai zvose zvamunoda. Revai henyu roora romwenga uye ndichakupai chipo chikuru sezvamunoda, uye zvose zvamuchareva kwandiri ndicharipa hangu. Ndipei bedzi musikana ave mukadzi wangu.” Nokuda kwokuti hanzvadzi yavo Dhaina yakanga yasvibiswa vanakomana vaJakobho vakapindura nokunyengera pakutaura kwavo kuna Shekemu nababa vake Hamori. Vakati kwaari, “Hatingaiti chinhu chakadaro; hatigoni kupa hanzvadzi yedu kumurume asina kudzingiswa. Chingava chinyadziso kwatiri ichocho. Tingangotenderana kana maita chinhu chimwe chete: kuti imi muve sesu nokudzingisa varume vose. Ipapo tichakupai vanasikana vedu uye tigozvitorerawo vanasikana venyu. Tichagara pakati penyu tigova vanhu vamwe nemi. Asi kana musingadi kudzingiswa, isu tichatora hanzvadzi yedu tigoenda.” Kutaura kwavo kwainge kwakanaka kuna Hamori nomwanakomana wake Shekemu. Jaya iri raikudzwa zvikuru pakati pemhuri yose yababa varo, harina kunonoka kuita zvavakareva, nokuti akanga achifadzwa nomwanasikana waJakobho. Saka Hamori nomwanakomana wake Shekemu vakaenda kusuo reguta ravo kuti vandotaura navamwe varume vomuguta ravo. Vakati, “Vanhu ava vakanaka kwazvo kwatiri. Ngavagare munyika yedu uye vashambadzire mairi; nyika yakakura kwazvo kwavari. Tinogona kuwana vanasikana vavo uye ivo vanogona kuwana veduwo. Asi varume vachatenderana nesu kuti tive savanhu vamwe nechinhu chimwe bedzi, chokuti vanhurume vedu vadzingiswe, sezvavari ivo. Ko, mombe dzavo, pfuma yavo nezvimwe zvipfuwo zvavo hazvingavi zvedu here? Saka ngatitenderanei navo, vagogara pakati pedu.” Varume vose vakabuda kusuo reguta vakabvumirana naHamori nomwanakomana wake Shekemu, uye vanhurume vose vomuguta vakadzingiswa. Shure kwamazuva matatu, vose vachiri kurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhaina, vakatora minondo yavo vakarwisa guta rakanga risina chifungidziro, vakauraya munhurume wose. Vakauraya Hamori nomwanakomana wake nomunondo uye vakatora hanzvadzi yavo Dhaina kubva mumba maShekemu vakaenda. Vanakomana vaJakobho vakasvika kuzvitunha vakapamba guta iro makanga masvibiswa hanzvadzi yavo. Vakatora makwai avo nemombe dzavo, mbongoro dzavo nezvose zvakanga zviri zvavo muguta uye nezvaiva musango. Vakatakura pfuma yavo navakadzi vavo vose navana, vakapamba zvinhu zvose zvaiva mudzimba. Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandiparira dambudziko mukandiita chinhu chinonhuhwa kuvaKenani navaPerizi, vanhu vagere munyika muno. Tiri vashoma isu, uye kana vakandikomberana uye vakarwa neni, ini nemhuri yangu tichaparadzwa.” Asi ivo vakapindura vakati, “Zvakanaka here kuti vabate hanzvadzi yedu sechifeve?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 34

Genesisi 34:1-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Dhina, mwanasikana waRea, waakaberekera Jakobho, akabuda kundoona vakunda venyika iyoyo. Ipapo Shekemu, mwanakomana waHamori, muHivhi, muchinda wenyika, akamuona; akamutora, akavata naye, akamunyadza. Mweya wake ukanamatira Dhina, mukunda waJakobho, akamuda musikana uyo, akataura zvakafadza mwoyo womusikana. Zvino Shekemu akataura nababa vake, Hamori akati, “Nditorerei musikana uyo, ave mukadzi wangu.” Zvino Jakobho akanzwa kuti akachinya Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya. Hamori, baba vaShekemu, vakaenda kuna Jakobho kundotaurirana naye. Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa. Zvino Hamori akataurirana navo, akati, “Mweya womwanakomana wangu, Shekemu, unoshuva mukunda wenyu; domupai henyu iye, ave mukadzi wake. Wananai henyu nesu, tipei vakunda venyu, mugotora vakunda vedu. Garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garaimo, mushambadzire, muzviunganidziremo pfuma.” Ipapo Shekemu akati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake, “Ndiwane hangu nyasha kwamuri; zvamunoreva kwandiri, ndichakupai. Kumbirai henyu kwandiri roora guru nechipo chikuru; zvamunoreva kwandiri ndichakupai; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.” Ipapo vana vaJakobho vakapindura Shekemu naHamori, baba vake, nokunyengera, vakataura nokuti akanga achinya hanzvadzi yavo Dhina, vakati kwavari, “Hatingagoni kuita chinhu ichi, kuti tipe munhu asina kudzingiswa hanzvadzi yedu, nokuti izvozvi zvingatinyadza; tingatenderana nemi kwoga kana mukaita chinhu ichi, kuti muve sesu, murume mumwe nomumwe ari kwamuri adzingiswe; ipapo isu tichakupai vakunda vedu, nesuo tichatora vakunda venyu; tigare nemi, tive savanhu vamwe. Kana musingatitereri, kuti mudzingiswe, tichatora mukunda wedu, tikabva.” Mashoko avo akafadza Hamori naShekemu, mwanakomana waHamori. Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichocho, nokuti akanga achifarira mukunda waJakobho; naiye akanga achikudzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake. Zvino Hamori naShekemu, mwanakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati, “Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu. Asi vanhu ava vachatenderana nesu kugara nesu, nokuita savanhu vamwe nesu, kwoga kana tichiita chinhu ichi, kuti varume vose kwatiri vadzingiswe, sezvavakadzingiswa ivo. Ko mombe dzavo, nepfuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo kwoga, vagogara nesu.” Zvino vose vaibuda pasuo reguta rake vakateerera Hamori, naShekemu, mwanakomana wake; ipapo varume vose vakadzingiswa, vose vaibuda pasuo reguta rake. Zvino pazuva retatu, vachiri pakurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose. Vakauraya Hamori naShekemu, mwanakomana wake, neminondo inopinza, vakatora Dhina mumba maShekemu, vakaenda. Vanakomana vaJakobho vakaenda kune vakauraiwa, vakapamba guta, nemhaka yokuti vakanga vachinya hanzvadzi yavo. Vakatora makwai avo, nemombe dzavo, nembongoro dzavo, nezvakanga zviri muguta, nezvakanga zviri kusango; vakatapa pfuma yavo yose, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, vakazviita mhambara, nezvinhu zvose zvakanga zviri mudzimba. Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu.” Ivo vakati, “Iye agoitireiko nehanzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 34

Genesisi 34:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Dhina mwanasikana waRea waakaberekera Jakobho akashanyira vasikana vomunyika iyoyo. Ipapo Shikemu mwanakomana waHamori wechiHivhi aiva muchinda wenyika iyoyo akamuona ndokumufumura nokumubata chibharo kwaakaita. Akatorwa mwoyo naDhina mwana waJakobho, akamuda, akamutaurirawo nyaya dzorudo. Shikemu akataura nababa vake Hamori achiti, “Ndiroorereiwo Dhina ave mukadzi wangu.” Jakobho akanzwa kuti mwana wake Dhina akanganiswa, izvozvo vana vake vakomana vakanga vari kumafuro vachifudza zvipfuwo. Jakobho akanyarara zvake kudzamara vauya. Hamori baba waShikemu akaenda kuna Jakobho kundokurukura naye. Vanakomana vaJakobho vakadzoka musango mavaiva nokuti vakanga vazvinzwa. Varume ava vakaviruka nehasha, vakashatirwa kwazvo nokuti Shikemu akanga aita chinhu chisina nomusoro wose muIsiraeri chokutadza nomwanasikana waJakobho nokuti hazvifanire kunzarwo. Hamori akataurirana naye achiti, “Mwana wangu Shikemu ari kuda Dhina mwana wenyu chaizvo. Ko hamungabvume here kuti amuroore zvake ave mukadzi wake? Ngatirooreranei. Regai zvenyu tiroore vana venyu, imi muchiroorawo vedu. Ngatigarei pamwechete, nyika ndiyo yose iyi, muite zvenyu mhindu dzinokuwanisai mari, muve noupfumi.” Shikemu akataurirana nababa vaDhina nehanzvadzi dzake achiti, “Kana mafadzwa nechikumbiro changu ndinokupai zvose zvamunenge mareva. Revai zvenyu roora pamunodira nezvirehwarehwa ndinokupai sokutaura kwamunenge maita, chandinongoda chete kuti mundipe musikana iyeyu kuti ave mukadzi wangu.” Vana vaJakobho vakapindura Shikemu nababa vake Hamori vachivaita zvokunyengedza nokuti akanga akanganisa hanzvadzi yavo Dhina. Vakavati, “Hatingabvume zvakadaro, zvokupa hanzvadzi yedu kumunhu asina kudzingiswa nokuti chinhu chinoshoreka kwatiri. Isu tingabvumirane nazvo chete kana imi maitawo sesu, vanhurume vose vokwenyu vatodzingiswa. Kana matodaro ndopatingazokupai vanasikana vedu, isuwo tichitora vanasikana venyu. Ndopatingazogara pamwechete tichiva rudzi rumwe chete. Asi, kana maramba kuteerera zvatareva zvokudzingiswa izvi, tichatora mwana wedu, tobva taenda zvedu.” Zvavakataura izvi zvakafadza Hamori nomwana wake Shikemu. Jaya irori harina kumboita chinono chokuzviita nokuti raida chaizvo mwana waJakobho. Shikemu aiva mukuru mukuru mumhuri yababa vake. Nezvo Hamori nomwana wake Shikemu vakaenda kudare ravanhu kusuo guru reguta ravo vakandotaurirana navanhu vemo vachiti, “Vanhu ava vagere nesu zvakanaka kwazvo, dai vagara zvavo munyika ino vachiita zvavo mhindu dzinovawanisa mari nokuti tarisai muone nyika ihuru iyi. Ngatirooreranei navo, ivo vatore vanasikana vedu isu tichivapawo vedu. Kuti vanhu ava vabvume kugara nesu tichiva rudzi rumwe chete navo ndokunge vanhurume vedu vose vabvuma kudzingiswa sezvavakaita. Ko upfumi hwavo nezvipfuwo zvavo, handiti zvichazova zvedu here? Ngatichingotenderanai navo, vagare nesu.” Vanhu vose vomuguta imomo vakabvumirana nezvakataurwa naHamori nomwana wake Shikemu. Vanhu vose vomuguta iroro vakabva vadzingiswa, vechirume vose, vose zvavo vomuguta iroro. Kwakati kwapera mazuva matatu maronda avarume ava orwadza, vana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina vakatora mapakatwa avo, vakapinda muguta umu zvechiverevere ndokubva vauraya varume vose vaivamo. Vakauraya namapakatwa Hamori nomwana wake Shikemu, ndokubva vatora Dhina mumba maShikemu, vakaenda naye. Vana vaJakobho vakaenda kuzvitunha zviye vakapamba guta iri nemhaka yokukanganiswa kwakanga kwaitwa hanzvadzi yavo. Vakapamba hwai dzavo nemombe dzavo namadhongi nezvose zvaiva mugutamo nezvaiva kunze kwaro. Vakatorawo upfumi hwavo hwose nezvinhu zvose zvaiva mudzimba dzavo pamwe chete navana navakadzi vachizviita zvavo. Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandipa nhamo mandiparira moto muziso. Iye zvino vanhu vomunyika ino, vaKanani nevaPerizi vachandivenga. Ini ndinongova navanhu vashoma. Kana vakandikomberana vachandiparadza, ini nemhuri yangu.” Simeoni naRevhi vakati, “Ko munoti tairega hanzvadzi yedu ichibatwa sepfambi here?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 34

Genesisi 34:1-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Dina, mŋanasikana waRea, waakaɓerekera Jakobo, wakaɓuɗa kundoʋona ʋakunda ʋenyika iyo. Ipapo Shekemi, mŋanakomana waHamori, muHivi, mucinda wenyika, wakamuʋona; akamutora, akaʋata naye, akamunyadza. Mŋeya wake ukanamatira Dina, mukunda waJakobo, akamuɗa musikana uyo, akataura ɀakafadza mŋoyo womusikana. Ɀino Shekemi akataura naɓaɓa ʋake, Hamori, akati: Nditorerei musikana uyo, aʋe mukadzi waŋgu. Ɀino Jakobo wakanzwa kuti wakacinya Dina, mukunda wake; ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋari kuɀipfuwo ɀake kusaŋgo, Jakobo akanyarara hake kuȿikira ʋaʋuya. Hamori, ɓaɓa ʋaShekemi, ʋakaenda kunaJakobo kundotaurirana naye. Ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo ʋanakomana ʋaJakobo ʋakaʋuya ʋacibva kusaŋgo; ɀino ʋarume aʋa ʋakaŋga ʋaneshuŋgu kwaɀo, ʋakatsamŋa ɀikuru, nokuti wakaŋga aita cinhu cakaipa kwaɀo pakati paʋaIsraeri kuti aʋate nomukunda waJakobo; cinhu ico cakaŋga cisiŋgafaniri kuitwa. Ɀino Hamori akataurirana naʋo, akati: Mŋeya womŋanakomana waŋgu, Shekemi, unoshuʋa mukunda wenyu; ɗomupai henyu iye, aʋe mukadzi wake. Wananai henyu nesu, tipei ʋakunda ʋenyu, mugotora ʋakunda ʋeɗu. Garai henyu nesu, nyika icaʋa pamberi penyu; garai’mo, mushambadzire, muɀiʋuŋganidzire’mo fuma. Ipapo Shekemi akati kunaɓaɓa ʋake nokuhanɀadzi dzake: Ndiwane haŋgu nyasha kwamuri; ɀamunoreʋa kwandiri, ndicakupai. Kumbirai henyu kwandiri roʋoro huru necipo cikuru; ɀamunoreʋa kwandiri ndicakupai; asi ndipei musikana aʋe mukadzi waŋgu. Ipapo ʋana ʋaJakobo ʋakapindura Shekemi naHamori, ɓaɓa ʋake, nokunyeŋgera, ʋakataura nokuti wakaŋga acinya hanɀadzi yaʋo Dina, ʋakati kwaʋari: Hatiŋgagoni kuita cinhu ici, kuti tipe munhu usina‐kudziŋgiswa hanɀadzi yeɗu, nokuti iɀeɀo ɀiŋgatinyadza; tiŋgatenderana nemi kwoga kana mukaita cinhu ici, kuti muʋe sesu, murume mumŋe nomumŋe uri kwamuri adziŋgiswe; ipapo isu ticakupai ʋakunda ʋeɗu, nesu ʋo ticatora ʋakunda ʋenyu; tigare nemi, tiʋe saʋanhu ʋamŋe. Kana musiŋgatitereri, kuti mudziŋgiswe, ticatora mukunda weɗu, tikabva. Mashoko aʋo akafadza Hamori naShekemi, mŋanakomana waHamori. Jaya harina‐kunonoka kuita cinhu ico, nokuti wakaŋga acifarira mukunda waJakobo; naiye wakaŋga acikudzwa kupfuʋura ʋose ʋeimba yose yaɓaɓa ʋake. Ɀino Hamori naShekemi, mŋanakomana wake, ʋakaʋuya kusuʋo reguta raʋo, ʋakataurirana naʋanhu ʋeguta raʋo, ʋakati: Ʋanhu aʋa ʋanorugare nesu; naiɀoɀo ŋgaʋagare haʋo munyika ino, ʋashambadzire’mo; nokuti tarirai nyika inoʋariŋgana; ŋgatitore ʋakunda ʋaʋo ʋaʋe ʋakadzi ʋeɗu, nesu tiʋape ʋakunda ʋeɗu. Asi ʋanhu aʋa ʋacatenderana nesu kugara nesu, nokuita saʋanhu ʋamŋe nesu, kwoga kana ticiita cinhu ici, kuti ʋarume ʋose kwatiri ʋadziŋgiswe, seɀaʋakadziŋgiswa iʋo. Ko ŋombe dzaʋo, nefuma yaʋo, neɀipfuwo ɀaʋo ɀose haɀicaʋi ɀeɗu here — Ŋgatitenderane naʋo kwoga, ʋagogara nesu. Ɀino ʋose ʋaiɓuɗa pasuʋo reguta rake ʋakaterera Hamori, naShekemi, mŋanakomana wake; ipapo ʋarume ʋose ʋakadziŋgiswa, ʋose ʋaiɓuɗa pasuʋo reguta rake. Ɀino pazuʋa retatu, ʋaciri pakurwadziwa, ʋanakomana ʋaʋiri ʋaJakobo, Simeoni naRevi, hanɀadzi dzaDina, ʋakatora mumŋe nomumŋe munondo wake, ʋakapinda muguta ʋanhu ʋasiŋgarindiri, ʋakaʋuraya ʋarume ʋose. Ʋakaʋuraya naHamori naShekemi, mŋanakomana wake, neminondo inopinza, ʋakatora Dina mumba maShekemi, ʋakaenda. Ʋanakomana ʋaJakobo ʋakaenda kunaʋakaʋurawa, ʋakapamba guta, nemhaka yokuti ʋakaŋga ʋacinya hanɀadzi yaʋo. Ʋakatora makwai aʋo, neŋombe dzaʋo, nemboŋgoro dzaʋo, neɀakaŋga ɀiri muguta, neɀakaŋga ɀiri kusaŋgo; ʋakatapa fuma yaʋo yose, naʋana ʋaʋo ʋaɗuku, naʋakadzi ʋaʋo, ʋakaɀiita mhambara, neɀinhu ɀose ɀakaŋga ɀiri mudzimba. Ipapo Jakobo akati kunaSimeoni naRevi: Manditorera mufaro, ɀamandinhuwisa pakati paʋanhu ʋanogara munyika ino, pakati paʋaKanani naʋaPeresi; ini ɀandinaʋanhu ʋashoma, ʋacandiʋuŋganira, ʋakandiʋuraya; ndicaparadzwa ini naʋeimba yaŋgu. Iʋo ʋakati: Iye wagoitireiko nehanɀadzi yeɗu seɀinoitwa necifeʋe?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 34

Genesisi 34:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)