Genesisi 32:9-11
Genesisi 32:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’ ini handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose idzi uye nokutendeka kwamakaratidza muranda wenyu. Ndakanga ndichingova netsvimbo yangu bedzi pandakayambuka Jorodhani urwu, asi zvino ndava mapoka maviri. Ndinokumbira kuti mundiponese kubva muruoko rwomukoma wangu Esau, nokuti ndinotya kuti achasvika akandiuraya, uyewo madzimai aya navana vavo.
Genesisi 32:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’ Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri. Ndapota ndinunureiwo mumaoko emukoma wangu Esau. Ndava kutya ini kuti angauye akatiuraya tose akauraya madzimai navana.
Genesisi 32:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jakobho akati, “Imi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imi Jehovha, ndimi makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka’; handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri. Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti achauya akandiparadza ini, namai, pamwechete navana.
Genesisi 32:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’ Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri. Ndapota ndinunureiwo mumaoko emukoma wangu Esau. Ndava kutya ini kuti angauye akatiuraya tose akauraya madzimai navana.
Genesisi 32:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jakobo akati: Imi, Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu Abrahama, naMŋari waɓaɓa ʋaŋgu Isaka; imi Jehova, ndimi makati kwandiri: Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira ɀakanaka; handina‐kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Joridani urwu netȿimbo yaŋgu yoga; ɀino ndaʋa mapoka maʋiri. Ƌondirwirai paruʋoko rwomukuru waŋgu, paruʋoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti ucaʋuya akandiparadza ini, namai, pamŋe cete naʋana.