Genesisi 32:6-8
Genesisi 32:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nhume dzakati dzadzoka kuna Jakobho, dzakati kwaari, “Takaenda kumukoma wenyu Esau, uye ari kuuya zvino kuzosangana nemi, uye ana varume mazana mana.” Ipapo Jakobho akatya zvikuru uye akatambudzika, akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo mumapoka maviri, uye makwai nemombe nengamerawo. Akafunga akati, “Kana Esau akasvika akaparadza rimwe boka, boka rasara ringapunyuka.”
Genesisi 32:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nhume dzikadzokera kuna Jakobho, dzikati, “Takandosvika kumukuru wenyu Esau; naiye anouya kuzosangana nemi ana varume vana mazana mana.” Jakobho akatya kwazvo, akatambudzika; akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo, namakwai nemombe namakamera, akaita mapoka maviri; akati, “Kana Esau akasvika kune rimwe boka, akariparadza, boka rakasara ringatiza.”
Genesisi 32:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhume idzi padzakadzokera kuna Jakobho dzakamutaurira kuti, “Takasvika kune mukoma wenyu, Esau. Zvino naiyewo ava munzira namazana mana avarume kuzosangana nemi.” Jakobho akabva atya akatambudzika mumwoyo zvikuru, akakamura vanhu vavaiva navo nezvipfuwo nemombe nengamera ndokuita mapoka maviri, achifunga kuti kana Esau akauya kune rimwe boka akariparadza, rimwe iri rinogona kutiza.
Genesisi 32:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nhume dzikadzokera kunaJakobo, dzikati: Takandoȿika kumukuru wenyu Esau; naiye unoʋuya kuzosoŋgana nemi anaʋarume ʋanamazana manna. Jakobo akatya kwaɀo, akatambudzika; akaparadzanisa ʋanhu ʋaakaŋga anaʋo, namakwai neŋombe namakamera, akaita mapoka maʋiri; akati: Kana Esau akaȿika kunerimŋe ɓoka, akariparadza, ɓoka rakasara riŋgatiza.
Genesisi 32:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)