Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 31:1-55

Genesisi 31:1-55 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.” Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga. Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.” Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake. Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni. Munoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze. Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse. Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri. “Panguva yokubereka kwezvipfuwo, ndakarota dzimwe hope dzokuti ndakatarira ndikaona kuti nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa. Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’ Uye akati, ‘Tarira uone kuti nhongo dzose dzembudzi dzinosangana nezvipfuwo zvose dzine mitsetse, mavara kana makwapa, nokuti ndaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani kwauri. Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’ ” Ipapo Rakeri naRea vakati, “Ko, tichine mugove munhaka yababa vedu here? Ko, havationi savatorwa here? Havana kungotitengesa chete, asi vakashandisa mutengo wedu wose. Zvirokwazvo pfuma yose yakatorwa naMwari kubva kuna baba vedu ndeyedu nevana vedu. Saka ita zvose zvaunoudzwa naMwari.” Ipapo Jakobho akaisa vana vake navakadzi vake pangamera, uye akatinha zvipfuwo zvose pamwe chete nepfuma yose yaakanga aunganidza muPadhani Aramu, kuti aende kuna baba vake Isaka kunyika yeKenani. Rabhani akati aenda kundoveura makwai ake, Rakeri akaba vamwari vomumba mababa vake. Pamusoro paizvozvo, Jakobho akanyengera Rabhani muAramu nokusamuudza kuti ava kuenda. Saka akatiza nezvose zvaakanga anazvo, akayambuka Rwizi akananga kunyika yezvikomo yeGireadhi. Pazuva rechitatu Rabhani akazoudzwa kuti Jakobho akanga atiza. Akatora hama dzake, akatevera Jakobho kwamazuva manomwe uye vakamubatira munyika yezvikomo yeGireadhi. Ipapo Mwari akasvika kuna Rabhani muAramu mukurota usiku uye akati kwaari, “Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.” Jakobho akanga adzika tende rake munyika yezvikomo yeGireadhi paakabatwa naRabhani, uye Rabhani nehama dzake vakadzikawo musasa ipapo. Ipapo Rabhani akati kuna Jakobho, “Waiteiko? Wandinyengera, uye watakura vanasikana vangu senhapwa muhondo. Ko, watizirei muchivande uye ukandinyengera? Seiko usina kundiudza, kuitira kuti ndaidai ndakuendesa nomufaro uye kuchiimbwa nziyo nokuridzwa matambureni norudimbwa? Hauna kunditendera kutsvoda vazukuru vangu kana kuonekana navanasikana vangu. Waita zvoupenzi. Ndine simba rokukukuvadza; asi usiku Mwari wababa vako ati kwandiri, ‘Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.’ Zvino wakada kuenda nokuda kwokushuva kudzokera kuimba yababa vako. Asi wakabireiko vamwari vangu?” Jakobho akapindura Rabhani akati, “Ndakanga ndichitya, nokuti ndakafunga kuti maizonditorera vanasikana venyu nechisimba. Asi kana mukawana munhu upi zvake anenge ana vamwari venyu, iyeye haafaniri kurarama. Pamberi pehama dzedu zvionerei pachenyu kana pane chinhu chenyu pano neni; uye kana zvakadaro, muchitore henyu.” Zvino Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga aba vamwari vacho. Saka Rabhani akapinda mutende raJakobho nomutende raRea uye nomumatende maviri avarandakadzi, asi haana kuwana chinhu. Mushure mokubuda kwake mutende raRea, akapinda mutende raRakeri. Zvino Rakeri akanga atora vamwari vomuimba yababa vake akavaisa pasi pechigaro chengamera yake uye akanga agere pamusoro pazvo. Rabhani akatsvaka pakati pezvinhu zvose mutende asi haana kuwana chinhu. Rakeri akati kuna baba vake, “Regai henyu kutsamwa, ishe wangu, kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; ndiri pamutowo wavakadzi.” Saka akatsvaka asi haana kuwana vamwari veimba yake. Jakobho akatsamwa uye akapopotera Rabhani akati, “Mhaka yangu ndeyeiko? Chivi chandakaita ndecheiko zvamandivhima mukadai? Zvino zvamatsvaka pakati penhumbi dzangu dzose, chiiko chamawana chokumba kwenyu? Chiisei pano pamberi pehama dzenyu, uye ngavatonge pakati pedu isu vaviri. “Ndakanga ndinemi makore makumi maviri aya. Makwai enyu nembudzi dzenyu hazvina kusvodza, uye handina kudya makondobwe amakwai enyu. Handina kuuya kwamuri nezvipfuwo zvakabvamburwa nezvikara zvesango; ndakatakura mutoro wacho pachangu. Uye makareva muripo kubva kwandiri pane zvose zvakabiwa masikati kana usiku. Aya ndiwo aiva magariro angu: Ndakapiswa nezuva masikati uye nechando usiku, uye hope dzakatiza mumaziso angu. Zvakanga zvakaita saizvozvi kwamakore gumi namana nokuda kwavanasikana venyu vaviri ava nemakore matanhatu nokuda kwezvipfuwo zvenyu, uye makashandura mubayiro wangu kagumi. Dai Mwari wababa vangu, iye Mwari waAbhurahama uye aityiwa naIsaka, akanga asineni, zvirokwazvo mungadai makandiendesa ndisina chinhu. Asi Mwari akaona kutambudzika kwangu nokubata kwamaoko angu, uye usiku akakutsiurai.” Rabhani akapindura Jakobho akati, “Madzimai aya vanasikana vangu, uye vana ava vana vangu, uye zvipfuwo izvi ndezvangu. Zvose zvaunoona ndezvangu. Asi ndichaiteiko nhasi pamusoro pavanasikana vangu ava, kana pamusoro pavana vavakabereka? Uya zvino, ngatiite sungano, iwe neni, uye ngaive chapupu pakati pedu.” Saka Jakobho akatora ibwe akarimisa sembiru. Akati kuhama dzake, “Unganidzai mamwe mabwe.” Saka vakatora mabwe vakaaunganidza vakaita murwi, uye vakadya ipapo pamurwi. Rabhani akautumidza zita rokuti Jegari Sahadhuta, uye Jakobho akautumidza kuti Gareedhi. Rabhani akati, “Murwi uyu ndiwo uchapupu pakati pangu newe nhasi.” Ndokusaka wakanzi Gareedhi. Wakanga uchinziwo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaachengete iwe neni patinenge tiri kure nokure. Kana ukabata vanasikana vangu zvakaipa kana kutora vamwe vakadzi kunze kwevanasikana vangu, kunyange dai mumwe munhu akasava nesu, rangarira kuti Mwari ndiye chapupu pakati pako neni.” Rabhani akatiwo kuna Jakobho, “Hoyu murwi uyu, uye heyi mbiru yandamisa iyi pakati pako neni. Murwi uyu ndiwo chapupu uye mbiru iyi ndiyo chapupu, kuti handizopfuuri murwi uno ndichiuya kwauri kuti ndizokukuvadza uye kuti iwe hauzopfuuri murwi uno nembiru uchiuya kurutivi rwangu kuti uzondikuvadza. Mwari waAbhurahama naMwari waNahori, iye Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Saka Jakobho akaita mhiko muzita raiye aityiwa nababa vake Isaka. Akapa chibayiro imomo munyika yezvikomo uye akakoka hama dzake kuti dzizodya. Mushure mokudya vakavatapo usiku ihwohwo. Mangwanani akatevera Rabhani akatsvoda vazukuru vake navanasikana vake uye akavaropafadza. Ipapo akabva akadzokera kumusha kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 31

Genesisi 31:1-55 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jakobho akanzwa mashoko avanakomana vaRabhani, vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu; azviwanira pfuma yose iyi kune zvaiva zvababa vedu.” Jakobho akaonawo kuti chiso chaRabhani chakanga chisakaita kwaari sapakutanga. Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako, nokuhama dzako; ini ndichava newe.” Ipapo Jakobho akatuma munhu kundodana Rakeri naRea vauye kusango kuzvipfuwo zvake; akati kwavari, “Ndinoona kuti chiso chababa venyu hachizakaita kwandiri sapakutanga; asi Mwari wababa vangu akanga aneni. Munoziva kuti ndakabatira baba venyu nesimba rangu rose. Baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa. Kana vakati, ‘Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;’ kana vakati, ‘Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse. Naizvozvo Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvozvo. “Zvino zvipfuwo zvakati zvichitora mazamu, ndakatarira ndikaona pakurota kwangu nhongo, dzakanga dzichikwira zvipfuwo, dzakanga dzine mitsetse, namavara, nedzakaita pfumbu. Ipapo mutumwa waMwari akati kwandiri pakurota kwangu, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano hangu.’ Akati, ‘Zvino tarira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dzakaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri. Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaberekerwa.’ ” Ipapo Rakeri naRea vakapindura vakati kwaari, “Ko tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here? Hatizi tatova vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mutengo wedu. Nokuti pfuma yose, yakatorerwa baba vedu naMwari, ndeyedu neyavana vedu; naizvozvo zvino chiita hako sezvawaudzwa naMwari.” Ipapo Jakobho akasimuka, akatasvisa vana vake navakadzi vake pamakamera; akatora zvipfuwo zvake zvose, nepfuma yake yose, yaakanga aunganidza, zvipfuwo zvaakanga apfuwa, zvaakanga aunganidza paPadhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake, kunyika yeKenani. Zvino Rabhani akanga aenda kundoveura makushe amakwai ake; Rakeri akaba chifananidzo chainamatwa chababa vake. Jakobho akanyengedzera Rabhani, muAramu, nokuti haana kumuudza kuti ndotiza. Naizvozvo akatiza nezvose zvaakanga anazvo; akasimuka, akayambuka Rwizi, akaringira kugomo reGiriadhi. Zvino nomusi wetatu Rabhani akaudzwa kuti Jakobho watiza. Iye akaenda nehama dzake, akamuteverera rwendo rwamazuva manomwe; akandomubata kugomo reGiriadhi. Mwari akauya kuna Rabhani, muAramu, pakurota usiku, akati kwaari, “Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho chinhu, kana chakanaka kana chakaipa.” Rabhani akasvika kuna Jakobho. Zvino Jakobho akanga adzika tende rake mugomo; Rabhani nehama dzake vakadzika matende avowo mugomo reGiriadhi. Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Waita seiko iwe, nokuti wandinyengedzera, ukaenda navakunda vangu vakaita savakatapwa nomunondo? Watizireiko pakavanda, ukandinyengedzera; wakaregerei kundiudza, ndikakutendera kuti uende nomufaro, nenziyo, nengoma, norudimbwa? Hauna kunditendera kuti nditsvode vanakomana vangu navakunda vangu. Zvino waita sebenzi. Ndine simba paruoko rwangu rokuitira zvakaipa; asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwazuro, akati, ‘Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho kana chakanaka kana chakaipa.’ Zvino, kana wakada kuenda hako, zvawakanga uchishuva zvikuru imba yababa vako, wagobireiko vamwari vangu?” Jakobho akapindura, akati kuna Rabhani, “Nokuti ndakanga ndichitya, nokuti ndakati, ‘Zvimwe munganditorera vakunda venyu nesimba.’ Iye wamungawana ana vamwari venyu, ngaarege kurarama. Zvino hama dzedu dzichiriko, natsai kutsvaka zvinhu zvenyu zviri kwandiri, mugozvitora;” nokuti Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga azviba. Zvino Rabhani akapinda mutende raJakobho, nomutende raRea, nomutende ravarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Ipapo akabuda patende raRea, akapinda patende raRakeri. Zvino Rakeri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana. Iye akati kuna baba vake, “Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri.” Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari. Zvino Jakobho akatsamwa, akapopotera Rabhani; Jakobho akapindura akati kuna Rabhani, “Kudarika kwangu ndokweiko? Ko kutadza kwangu ndokwei, zvamanditevera neshungu dzakadai? Zvino zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose, magowaneiko panhumbi dzose zvokumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nedzenyu, vatonge pakati pedu isu vaviri. Ndakagara nemi makore aya makumi maviri; matunzvi enyu amakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, makondohwe enyu amakwai handina kuadya. Zvakarumwa nezvikara handina kuuya nazvo kwamuri; asi ndakazviripa ini; makazvireva pamaoko angu, kana zvakabiwa masikati, kana zvakabiwa usiku. Masikati ndakafa nezuva, usiku nechando; hope dzangu dzikabva kumeso angu. Makore aya makumi maviri ndakagara mumba menyu; ndakakubatirai makore ane gumi namana pamusoro pavakunda venyu vaviri, namakore matanhatu pamusoro pezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi. Dai Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, iye wakatyiwa naIsaka, asaiva neni, zvirokwazvo mungadai maindiendesa ndisina chinhu. Mwari akaona kutambudzika kwangu namabasa amaoko angu, akakurairai usiku hwazuro.” Rabhani akapindura, akati kuna Jakobho, “Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara? Uya zvino ngatiite sungano, ini newe; chive chapupu pakati pangu newe.” Jakobho akatora ibwe, akarimisa, rikava shongwe. Jakobho akati kuhama dzake, “Unganidzai mabwe;” ivo vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamurwi. Rabhani akautumidza Jegarisahadhuta; asi Jakobho akautumidza Garidhi. Rabhani akati, “Murwi uyu ngachive chapupu pakati pangu newe zuva ranhasi.” Naizvozvo akatumidzwa zita rinonzi Garidhi, uyewo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani. Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana kuwana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe.” Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Tarira murwi uyu, tarira shongwe iyi, yandakamisa pakati pangu newe. Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, uchienda kwandiri, kuti tiitirane zvakaipa. Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake. Ipapo Jakobho akabayira chibayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti vadye zvokudya; vakadya zvokudya, vakavata usiku mugomo. Rabhani akamuka mangwanani, akatsvoda vanakomana vake navakunda vake, akavaropafadza; Rabhani akabva, akadzokera kumusha kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 31

Genesisi 31:1-55 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jakobho akanzwa vanakomana vaRabhani vachiti, “Jakobho akatora zvinhu zvose zvakanga zviri zvababa vedu. Upfumi hwose uhwu akahuwana pazvinhu zvaiva zvababa vedu.” Jakobho akaonawo muuso kuti Rabhani akanga asisamufarire sapakutanga. Tenzi akataurira Jakobho kuti, “Chidzokera kunyika yamadzibaba ako, kunyika yokwako. Ini ndichava newe.” Jakobho akatuma munhu kundodaidza Rakeri naRea kuti vauye kumafuro kwaiva nezvipfuwo zvake. Akavati, “Ndava kuona muuso hwababa venyu kuti havachandifarira sapakutanga. Asi Mwari wababa vangu anga achingova neni. Munozviziva kuti ini ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, kunyange zvakadaro ivo vakandinyengedza. Vakaramba vachisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. Asi Mwari haana kuvabvumidza kuti vasvike pokunditsvata nokuti baba venyu pavaiti, ‘Zvipfuwo zvine makamba makamba zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vane makamba makamba. Pavaizotiwo, ‘Zvine mitsetse mitsetse ndizvo zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vaiva nemitsetse mitsetse. Nokudaro Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo achindipa. “Nguva iya yokunge mikono yezvipfuwo yava kutanda hadzi, ndakarota ndichiona kuti mikono yazvo yakanga ichitanda hadzi yaiva ine mitsetse mitsetse namavara mavara namakamba makamba. Mukurota ikoko mutumwa waMwari akanditi, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano!’ Iye akati, ‘Tarisa uone mikono yose yezvipfuwo iri kutanda hadzi ine mitsetse mitsetse namakamba makamba namavara mavara. Chikonzero ndechokuti ndakaona zvose zvauri kuitirwa naRabhani. Ndini Mwari wokuBhetieri kuya kwawakadira ibwe mafuta, ukaita mhiko kwandiri. Saka chirongedza ubve munyika ino udzokere kunyika yawakaberekerwa.’ ” Rakeri naRea vakati, “Ko munoti tichine cheduwo here pamusha wababa vedu kunyange nhaka zvayo? Tangova vatorwa isu. Handiti vakatitengesa here vakadya mari yose yatakaroorwa nayo. Upfumi ihwohu hwakatorerwa baba vedu naMwari ndochedu chatakatoburawo isu navana vedu. Saka chiitai zvenyu chiri chose chamakaudzwa naMwari.” Jakobho akarongedza, ndokukwidza vana vake namadzimai avo panghamera. Akatorawo upfumi hwake hwose. Vakatinha zvipfuwo zvavo zvose zvavakanga vawana kuMesopotamia, vakaenda nazvo kunyika yeKanani, kuna baba vavo Isaki. Rabhani akanga aenda kundoveura makushe ehwai dzake, Rakeri sarei oba tumwari twokuveza twababa vake Rabhani. Jakobho akanyengedza Rabhani muAramu, nokurega kumuudza kwaakaita kuti akanga afunga zvokuenda. Nokudaro akatiza nezvose zvaakanga anazvo akayambuka rwizi rwaYufuratesi, akafamba akananga kunyika yeGireadhi yamakomo. Kuzoti kwapera mazuva matatu, Rabhani akaudzwa kuti Jakobho akatiza. Rabhani akatorana nehama dzake akamuronda kwerwendo rwamazuva manomwe, akamubatira kumakomo eGireadhi. Kuzoti hwave usiku, Mwari akauya mukurota kuna Rabhani muAramu akamuyambira achiti, “Usambotaura zvako kana chii zvacho chakaipa kuna Jakobho.” Rabhani akasvika paiva naJakobho akanga adzika matendhe ake mumakomo. Rabhani nehama dzake akadzikawo matendhe ake mumakomo eGireadhi. Rabhani akati kuna Jakobho, “Ndicho chii ichochi chawandiitira, kundinyengedza kudai, uchitutana navabvana vangu senhapwa dzokubatira mapfumo? Sei waita zvokusvova uchindinyengedza kudai, usinganditaurire? Ko unoti ndingadai ndisina kukuitirawo mabiko takafara tichipembera, tichiimba zvedu tichiridza ngoma nezvipendani? Ungabva watorega nokundiwanisa kana mukana wokuti nditsvode vazukuru vangu navabvana vangu ndichionekana navo? Zvawaita izvi ndezvoupenzi. Izvozvi ndinogona zvangu kukuita chimwe chinhu, dai pasina Mwari wababa vako ataura neni usiku hwanhasi achiti, ‘Usambotaura zvako kana chii zvacho chakaipa kuna Jakobho.’ Ko zvawakatiza pamusana pokuda kudzokera kumusha kwababa wako, wakagobireiko vamwari vangu?” Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndaitya kuti zvimwe mungandibvutire vanasikana venyu. Kana mukawana paine munhu ane vamwari venyu ngaaurayiwe. Zvino, hama dzenyu dzichizviona kudai, nyatsotsvakai chenyu chandinacho, mutore.” Asi Jakobho akanga asingazive kuti Rakeri ndiye akanga aba vamwari ivavo. Rabhani akatsvaka mutendhe raJakobho nomutendhe raRea nomutendhe ravaranda vechikadzi vaviri vaya, asi haana chaakawana. Akabuda mutendhe raRea akandotsvaka mutendhe raRakeri. Rakeri akanga atora vamwari vacho akavaviga muchityaro chengamera ndokubva agara pamusoro pacho. Rabhani akaparapatika kutsvaga pose pose mutendhe umu, asi hapana chaakawana. Rakeri ndokutaurira baba vake achiti, “Musanditsamwire zvenyu shewe. Ini handisi kukwanisa kukusumukirai nokuti ndiri panguva yangu yokutevera.” Rabhani akatsvakisisa asi haana kuwana vamwari vake. Jakobho akabva atsamwa kwazvo akapopotera Rabhani achiti, “Ko chandakakutadzirai chii? Ko chakaipa chandakaita ndechipi, zvamanditevera muchitoita zvokuvhima kudai? Zvamaparapatika mukagwedebudza mikwende yangu yose, zvino chenyu chamawana ndechipi? Tiratidzei pano apa, hama dzedu nemi dzichionewo, dzititonganise. Ndakagara nemi makumi maviri amakore, hwai nembudzi dzenyu hadzina kumbosvodza. Handina kubaya hondohwe dzamatanga enyu ndichidya. Zvipfuwo zvainge zvarumwa nezvikara handaikuudzai imi, asi ndaizvitsiva nezvangu pachangu. Zvipfuwo zvainge zvabiwa masikati kana usiku maindiripisa. Masikati ndaitsva nezuva, usiku ndichidedera nechando ndichirara ndakasvunura. Kwamakore makumi maviri aya, ndakagara mumusha menyu. Ndakakushandirai kwamakore gumi namana ndichiitira vana venyu vaviri ava ugariri. Kwamakore matanhatu ndakachengeta zvipfuwo zvenyu kuti ndiwanewo ufudzi, asi mairamba muchisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. Dai Mwari wababa wangu, Mwari waAbhurahamu, Mwari anonamatwa naIsaki akanga asineni, chokwadi chokwadi mungadai makandirega ndichienda zvangu ndisina nechii chose. Mwari akaona kutambura kwangu nokushanda kwandakaita, saka akuyambirai usiku hwanhasi.” Rabhani akapindura Jakobho achiti, “Vabvana ava vana vangu ini, vana ava vazukuru vangu, zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu. Zvose zvazvo zvauri kuona ndezvangu. Ko zvino chii chandingaonekwe ndoita nhasi uno kuvabvana vangu kana kuvana vavo vokubereka. Iwe neni ngatichiitai chitenderano, tigoitawo chinhu chichagara chichitiyeuchidza zvatatenderana.” Jakobho akatora ibwe akarimisa kuti rive ibwe rechiyeuchidzo. Iye Jakobho akaudzawo vanhu vake kuti, “Unganidzai mabwe.” Vakaunganidza mabwe akaita murwi. Vakadyira pamurwi ipapo. Rabhani akautumidza zita rokuti Jegarisahudhuta. Asi Jakobho akautumidza zita rokuti Gareedhi. Rabhani akati, “Nhasi uno murwi uyu wava chiyeuchidzo pakati pedu.” Saka vakatumidza murwi iwoyo zita rokuti Gareedhi. Rimwe zita rawo rakanzi Mizipa nokuti Rabhani akati, “Zvako iwe neni ngatichizvisiya mumaoko aTenzi, patinenge takati uyu kwake uyu kwake Mwari ndiye anenge achiona. “Kana ukazoshusha vabvana vangu kana kuroora vamwe vakadzi, kunyange vamwe vose vakasazviona, Mwari ndiye chapupu chedu.” Rabhani akatizve, “Tarisa chitata chemurwi wamatombo ichi, neibwe iri randamisa pakati pangu newe. Murwi wamatombo uyu neibwe iri ndiyo micherechedzo ichatipupurira kuti ini handizoidarika ndichiuya kuzokurwisa, newewo hauzodarikawo murwi wamatombo iwoyu neibwe irori uchiuya kuzondirwisa. Mwari waAbhurahamu naMwari waNahori naMwari wababa wavo ngavave ivo vatongi pakati pangu newe.” Jakobho ndokupika naMwari anonamatwa nababa vake Isaki. Jakobho akapira chibayiro kuna Mwari mugomo muya, akadaidza hama dzake kuzodya mabiko. Vakadya vakapedza usiku hwose vari mugomo imomo. Rabhani akafumomuka ndokutsvoda vazukuru vake navabvana vake vachionekana navo, akavakomborera ndokusimuka odzokera kumusha kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 31

Genesisi 31:1-55 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakanzwa mashoko aʋanakomana ʋaRabani, ʋaciti: Jakobo watora ɀose ɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu; waɀiwanira fuma yose iyi kuneɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu. Jakobo akaʋona ʋo kuti ciso caRabani cakaŋga cisakaita kwaari sapakutaŋga. Jehova akati kunaJakobo: Dzokera kunyika yamadziɓaɓa ako, nokuhama dzako; ini ndicaʋa newe. Ipapo Jakobo akatuma munhu kundoɗana Rakeri naRea ʋaʋuye kusaŋgo kuɀipfuwo ɀake; akati kwaʋari: Ndinoʋona kuti ciso caɓaɓa ʋenyu hacizakaita kwandiri sapakutaŋga; asi Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu wakaŋga aneni. Munoziʋa kuti ndakaɓatira ɓaɓa ʋenyu nesimba raŋgu rose. Ƃaɓa ʋenyu ʋakandinyeŋgedzera, ʋakashandura muɓairo waŋgu kagumi; asi Mŋari haana‐kutendera kuti ʋandiitire ɀakaipa. Kana ʋakati: Ɀinamaʋara ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinamaʋara; kana ʋakati: Ɀinemitsetsa ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinemitsetsa. Naiɀoɀo Mŋari wakatorera ɓaɓa ʋenyu ɀipfuwo ɀaʋo, akandipa ini iɀo. Ɀino ɀipfuwo ɀakati ɀicitora mazamu, ndakatarira ndikaʋona pakurota kwaŋgu nhoŋgo, dzakaŋga dzicikwira ɀipfuwo, dzakaŋga dzinemitsetsa, namaʋara, nedzakaita pfumbu. Ipapo mutumŋa waMŋari akati kwandiri pakurota kwaŋgu: Jakobo! Ini ndikati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Ɀino tarira, uʋone, kuti nhoŋgo dzose, dzinokwira ɀipfuwo, dzinemitsetsa, namaʋara, dzakaita pfumbu; nokuti ndaɀiʋona ɀose Rabani ɀaanoita kwauri. Ndini Mŋari weBeteri, paya pawakazodza shoŋgwe, paya pawakandipikira mhiko; ɀino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaɓerekerwa. Ipapo Rakeri naRea ʋakapindura ʋakati kwaari: Ko ticinomugoʋe nenhaka kuimba yaɓaɓa ʋeɗu here? Hatizaʋa saʋatorwa kwaʋari here — Nokuti ʋakatiteŋgesa, ʋakapedza ʋo cose muteŋgo weɗu. Nokuti fuma yose, yakatorerwa ɓaɓa ʋeɗu naMŋari, ndeyeɗu neyaʋana ʋeɗu; naiɀoɀo ɀino ciita hako seɀawaʋudzwa naMŋari. Ipapo Jakobo akasimuka, akataȿisa ʋana ʋake naʋakadzi ʋake pamakamera; akatora ɀipfuwo ɀake ɀose, nefuma yake yose, yaakaŋga aʋuŋganidza, ɀipfuwo ɀaakaŋga apfuwa, ɀaakaŋga aʋuŋganidza paPadani‐arami, kuti aende kunaIsaka ɓaɓa ʋake, kunyika yeKanani. Ɀino Rabani wakaŋga aenda kundoʋeʋura makushe amakwai ake; Rakeri akaɓa cifananidzo cainamatwa caɓaɓa ʋake. Jakobo akanyeŋgedzera Rabani, muAramia, nokuti haana‐kumuʋudza kuti ndotiza. Naiɀoɀo wakatiza neɀose ɀaakaŋga anaɀo; akasimuka, akayambuka Rwizi, akariŋgira kugomo reGiriadi. Ɀino nomusi wetatu Rabani akaʋudzwa kuti Jakobo watiza. Iye akaenda nehama dzake, akamuteʋerera rwendo rwamazuʋa manomŋe; akandomuɓata kugomo reGireadi. Mŋari akaʋuya kunaRabani, muAramia, pakurota ʋusiku, akati kwaari: Cenjera, kuti urege kutaura kunaJakobo cinhu, kana cakanaka kana cakaipa. Rabani akaȿika kunaJakobo. Ɀino Jakobo wakaŋga adzika tente rake mugomo; Rabani nehama dzake ʋakadzika matente aʋo ʋo mugomo reGireadi. Ɀino Rabani akati kunaJakobo: Waita seiko iwe, nokuti wandinyeŋgedzera, ukaenda naʋakunda ʋaŋgu ʋakaita saʋakatapxa nomunondo? Watizireiko pakaʋanda, ukandinyeŋgedzera; wakaregerei kundiʋudza, ndikakutendera kuti uende nomufaro, nenziyo, neŋgoma, noruɗimbga? Hauna‐kunditendera kuti ndiȿete ʋanakomana ʋaŋgu naʋakunda ʋaŋgu. Ɀino waita seɓenzi. Ndinesimba paruʋoko rwaŋgu rokukuitira ɀakaipa; asi Mŋari waɓaɓa ʋako wakataura neni ʋusiku bgazuro, akati: Cenjera, kuti urege kutaura kunaJakobo kana cakanaka kana cakaipa. Ɀino, kana wakaɗa kuenda hako, ɀawakaŋga ucishuʋa ɀikuru imba yaɓaɓa ʋako, wagoɓireiko ʋamŋari ʋaŋgu? Jakobo akapindura, akati kunaRabani: Nokuti ndakaŋga ndicitya; nokuti ndakati: Ɀimŋe muŋganditorera ʋakunda ʋenyu nesimba. Iye wamuŋgawana anaʋamŋari ʋenyu, ŋgaarege kurarama. Ɀino hama dzeɗu dziciri’ko, natsai kutȿaka ɀinhu ɀenyu ɀiri kwandiri, mugoɀitora; nokuti Jakobo wakaŋga asiŋgaziʋi kuti Rakeri wakaŋga aɀiɓa. Ɀino Rabani akapinda mutente raJakobo, nomutente raRea, nomutente raʋarandakadzi ʋaʋiri, asi haana‐kuɀiwana. Ipapo akaɓuɗa patente raRea, akapinda patente raRakeri. Ɀino Rakeri wakaŋga atora ʋamŋari, akaʋaisa mucigaro cekamera, akagara pamsoro paɀo. Rabani akaɓata‐ɓata pose mutente, asi haana‐kuɀiwana. Iye akati kunaɓaɓa ʋake: Ishe waŋgu ŋgaarege kutsamŋa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoʋo waʋakadzi uri kwandiri. Iye akatȿakisisa, asi haana‐kuwana ʋamŋari. Ɀino Jakobo akatsamŋa, akapopotera Rabani; Jakobo akapindura akati kunaRabani: Kuɗarika kwaŋgu ndokweiko — Ko kutadza kwaŋgu ndokwei, ɀamanditeʋera neshuŋgu dzakaɗai? Ɀino ɀamaɓata‐ɓata nhumbi dzaŋgu dzose, magowaneiko panhumbi dzose ɀokumba kwenyu — Ɀiisei pano pamberi pehama dzaŋgu nedzenyu, ʋatoŋge pakati peɗu isu ʋaʋiri. Ndakagara nemi makore aya makumi maʋiri; matunɀi enyu amakwai nenhunɀi dzenyu dzembudzi haɀina‐kuȿodza, makondobge enyu amakwai handinakuadya. Ɀakarumŋa neɀikara handina‐kuʋuya naɀo kwamuri; asi ndakaɀiripa ini; makaɀireʋa pamaʋoko aŋgu, kana ɀakaɓiwa masikati, kana ɀakaɓiwa ʋusiku. Masikati ndakafa nezuʋa, ʋusiku necando; hope dzaŋgu dzikabva kumeso aŋgu. Makore aya makumi maʋiri ndakagara mumba menyu; ndakakuɓatirai makore anegumi namanna pamsoro paʋakunda ʋenyu ʋaʋiri, namakore matanhatu pamsoro peɀipfuwo ɀenyu; makashandura muɓairo waŋgu kagumi. Ƌai Mŋari waɓaɓa ʋangu, Mŋari waAbrahama, iye wakatyiwa naIsaka, asaiʋa neni, ɀirokwaɀo muŋgaɗai maindiendisa ndisinecinhu. Mŋari wakaʋona kutambudzika kwaŋgu namaɓasa amaʋoko aŋgu, akakurairai ʋusiku bgazuro. Rabani akapindura, akati kunaJakobo: Ʋakunda aʋa ʋakunda ʋaŋgu; ʋana aʋa ʋana ʋaŋgu; ɀipfuwo iɀi ɀipfuwo ɀaŋgu, neɀose ɀaunoʋona ndeɀaŋgu; nhasi ndiŋgaitei kuʋakunda ʋaŋgu aʋa, kana ʋana ʋaʋo ʋaʋakaɀara? Ʋuya ɀino ŋgatiite suŋgano, ini newe; ciʋe capupu pakati paŋgu newe. Jakobo akatora ibge, akarimisa, rikaʋa shoŋgwe. Jakobo akati kuhama dzake: Ʋuŋganidzai mabge; iʋo ʋakatora mabge, ʋakaita murwi; ʋakadya ipapo pamurwi. Rabani akautumidza Jegari‐sahaduta; asi Jakobo wakautumidza Garidi. Rabani akati: Murwi uyu ŋgaciʋe capupu pakati paŋgu newe zuʋa ranhasi. Naiɀoɀo wakatumidzwa zita rinonzi Garidi; ʋuye ʋo Mizpa, nokuti wakati: Jehova ŋgaarinde pakati paŋgu newe, kana tisiŋgaʋonani. Kana ukazotambudza ʋakunda ʋaŋgu, kana kuwana ʋamŋe ʋakadzi kunze kwaʋakunda ʋaŋgu, hakunomunhu ucaʋa nesu; asi tarira, Mŋari ndico capupu pakati paŋgu newe. Ɀino Rabani akati kunaJakobo: Tarira murwi uyu, tarira shoŋgwe iyi, yandakamisa pakati paŋgu newe. Murwi uyu cicaʋa capupu, neshoŋgwe iyi cicaʋa capupu, kuti ini handiŋgapfuʋuri murwi uyu ndicienda kwauri, newe kuti urege kupfuʋura murwi uyu, neshoŋgwe iyi, ucienda kwandiri, kuti tiitirane ɀakaipa. Mŋari waAbrahama, Mŋari waNahori, Mŋari waɓaɓa ʋaʋo, ŋgaatoŋge pakati peɗu. Jakobo akapika naiye waityiwa naIsaka, ɓaɓa ʋake. Ipapo Jakobo akaɓayira ciɓayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti ʋadye ɀokudya; ʋakadya ɀokudya, ʋakaʋata ʋusiku mugomo. Rabani akamuka maŋgwanani, akaȿeta ʋanakomana ʋake naʋakunda ʋake, akaʋaropafadza; Rabani akabva, akadzokera kumusha kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 31

Genesisi 31:1-55 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)