Genesisi 3:4-6
Genesisi 3:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo. Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya.
Genesisi 3:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nyoka ikati kumukadzi, “Hamungafi zviro kwazvo, nokuti Mwari anoziva kuti nomusi amunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
Genesisi 3:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nyokawo ikati kumukadzi, “Kwete, hamumbofa! Chiripo ndechichi, Mwari anoziva kuti, musi wamunodya muchero iwoyo, meso enyu anopengenutswa, mobva mafanana naMwari, moziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo.
Genesisi 3:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyoka ikati kumukadzi: Hamuŋgafi ɀirokwaɀo; nokuti Mŋari unoziʋa kuti nomusi wamunoɀidya nawo, meso enyu acaȿinudzwa, mukaʋa saMŋari, muciziʋa ɀakanaka neɀakaipa. Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti muti wakanaka kudyiwa, ʋuye kuti unofadza meso, ʋuye kuti muti unoɗikanwa kuŋgwadza munhu, akatora micero yawo, akadya, akapa ʋo murume wake, akadya naiye ʋo.
Genesisi 3:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)