Genesisi 3:23-24
Genesisi 3:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.
Genesisi 3:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.
Genesisi 3:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo Mwari Tenzi akamudzinga mubindu reEdheni kuti andorima muvhu muya maakabva. Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.
Genesisi 3:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Jehova Mŋari akamuɓuɗisa mumunda weEdeni, kuti arime ivu raakatorwa kwariri. Naiɀoɀo akadziŋga munhu, akaisa makerubi kurutiʋi rwamabvazuʋa rwomunda weEdeni, nomuraɀo womunondo waimonereka kumatiʋi ose, kurindira nzira yomuti woʋupenyu.
Genesisi 3:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)